Uncategorized

Regai ndireurure . . . mweya wandinetsa…‘ndakarara nechitunha chemukadzi wangu’

30 Jan, 2015 - 00:01 0 Views
Regai ndireurure . . . mweya wandinetsa…‘ndakarara  nechitunha chemukadzi  wangu’ SEKURU Francis Zhuwawo

Kwayedza

SEKURU Francis Zhuwawo

SEKURU Francis Zhuwawo

Daphne Machiri naMalven Mugadzikwa—
MURUME wekuMufakose muHarare, anoti aoneswa moto nemweya wemudzimai wake mushakabvu, izvo zvamumanikidza kureurura kuti akashereketa zvekuenda pabonde nechitunha chemukadzi uyu apo chainge chisati chavigwa makore mashanu adarika. Sekuru Francis Zhuwawo (86) vanoti vakaita manenji ekushinha zvekupinda mumachira nechitunha chemudzimai wavo.

Kusagadzikana muhana kweharahwa iyi kwakasvika pakuikonzera kuti igume yazvicheka zvekudambura nhengo yayo yesikarudzi ndokuzonoponera kuchipatara.

Havasi kutaura kuti izvi vakazviita setsika yavo here kana kuti zvaiva zvemishonga.
Vachitaura neKwayedza nemusi weMuvhuro svondo rino vari kumba kwavo, Sekuru Zhuwavo vakareurura pasina kuvhevhetedzwa vachiti vakashereketa nechitunha chemudzimai wavo apo akashaya. Vakati nyaya iyi vange vachiivanza kwemakore asi nekuda kwekushungurudzwa nemweya kwavanoti vari kuitwa, vave kuda kuti zvizivikanwe.

“Handizive kuti chii chakandibata kuti ndisvike pakurara nechitunha chake (mudzimai).
“Ndakapinda mumba umo maakanga ari ndikarara naye mushure mekunge atofa, asati aendeswa kumochari, asi hapana veruzhnji vakakwanisa kuzviziva sezvo ndakazviita muchivande. Mukadzi wangu ainzi Esnath Zhuwawo, ndakashinha naye ndikazongoona kuti inga ndizvo zvaiitika,” vakadaro.

Mutumbi wemudzimai wavo vanoti wakapedza mazuva matatu uri mumba ndokuzoendeswa kumochari mushure mekunge vamboshaya mari yekuti uvigwe.

Harahwa iyi, iyo inoratidza kuti haina kurasika njere, inoti mushure mekushinha uku, kwapera mwedzi ingaita miviri, yakazozvicheka zvekubvusa sikarudzi yayo apo vakaudzwa “nemweya” kuti vaite izvi.

“Ndakangotanga kupindwa nemweya wekuti zvicheke. Pandakazvicheka ndaingonzwa izwi raiti zvicheke zvimwe zvichiuya kuhope ndirere. Ndakarodza bhemba ndikazvicheka.

“Ndakazoendeswa kuchipatara chekuGomo (Harare Central Hospital) ndikarapwa asi sekuru vangu ndivo vakatora ‘nyama’ dzangu vachiti vacharasa, handina kuzoona zvakaitika.

“Pandakazvicheka handina kurwadziwa uye ndakanga ndisingazive zvaiitika, ndakanga ndakabatwa nemweya. Pari zvino ndinonzwa kurwadziwa, kunyanya usiku. Ndava kungorwara-rwara kubva pandakaita izvi,” vakadaro.

Sezvinonzi izvi zvishoma, zvinonzi zvakare musharukwa uyu ari kunetswazve nemweya wemurume aimboroja pamba pake uyo akazofirapo asi aine chikwereti chemari yerendi.

Sekuru Zhuwawo vanonzi pakauya hama dzemuroja uyu dzichida midziyo nenhumbi dzake, vakazvirambira vachiti vaida kutanga vapihwa mari yavo izvo zvakaita kuti vazoramwirwa zvinhu izvozvi.

Mukuwasha wavo, VaMoffat Stand Kazembe (79), avo vavawo musharukwa, vakatsinhira kuti tezvara vavo vakazvicheka.
“Baba ndini nyakutovaona vachirodza bhemba, ndipo pandakavabvunza. Vakatsenga mukanwa ndikavatorera bhemba riye ndokuriviga. Mushure mechinguva ndakashevedzwa kumba nemudzimai wangu achiti baba vazvicheka.

“Baba vakanga vazvivhiya, ropa rakazara pasi,” vakadaro VaKazembe.
Mukuwasha uyu akaenderera mberi:

“Pane murume akauya pamba patezvara vangu achiti aida kumbogara sezvo imba yake yakanga yapendwa asi iye atengesa imba iyi. Akagarapo kusvika azorwara ndokufira pamba.

“Hama dzake padzakauya kubva kuMt Darwin asi tezvara vakarambira nenhumbi dzemutorwa. Ndipo pakasara pakafa amai, ivo baba vachizozvivhiya,” vakadaro VaKazembe.

“Panyaya yekuti baba vanonzi vakarara nechitunha chaamai, handingazozvizivawo hangu semukwasha. Isu taingonzwa kuti mazuva airwara mudzimai wavo vakanga vava kumunetsa, kusaziva kuti zvakanga zviri panyaya dzipi.

“Asi zvekuti chitunha chaamai chakatora mazuva matatu chisati chavigwa ndokunopupura nekuti ini ndaitovapo, vakatozomboendeswa kumochari. Nyaya yemari ndiyo yainyanyonetsa, chero pari zvino ndiri kutogarawo pamba pavo ndichitsvaga mari yekuti ndivariritire pamwe chete nemudzimai wangu.”

Asi, Sekuru Zhuwawo vakaramba mashoko ekuti vari kutambudzwa nemweya wemuroja akafira pamba pavo.
“Nyaya yeuyo (muroja) wandakambogara naye zvekuti ndakaramba nezvimwe zvinhu handibvumirane nazvo nekuti mudzimai wangu achiri mupenyu ndiye akamuti aida $50 kubva kwaari akapihwa.

“Handina kana chii chake chandakasara nacho. Munhu uyu ndakanga ndangomubatsira nepekugara,” vakadaro Sekuru Zhuwawo.
Mudzimai waVaKazembe, Mai Eneresi Kazembe (60), avo vanova mwana waSekuru Zhuwawo, vanoti kuzvicheka kwakaita baba vavo nhengo kwakavarwadza zvikuru.

“Baba vangu vakazvicheka zvechokwadi, takazvionera zvinova zvakandikanganisa chaizvo asi chekuita pakanga pasina. Pamba patinogara chaipo rufaro hatichina nekuti munhu wese ava kungoti pamba pasekuru vekuzvicheka zvinova zvava kusvibisa chero ani zvake anogarapo,” vakadaro.
“Iye zvino imba yava kuda kutorwa nekuda kwezvikwereti, tinotogara hana dzichirova kuti tingangovingwa nekubuditswa pamba. Upenyu hwatiomera, vehukama vekwababa vanodawo kutora imba yacho nerweseri.”

Vanoti hama dzababa vavo zhinji dzakapera kufa uye vasara vashoma ndivo vari kuda kuvatorera imba yavo nechitsotsi.
Mai Kazembe vanoti mumba mavo vakaberekwa vari vashanu asi ivo ndivo voga vasara sezvo vamwe vakapera kufa.
Vamwe vavakidzani vemhuri iyi vakati upenyu hunoraramwa pamba apa hwakaoma.

Kwayedza yakaongorora Sekuru Zhuwawo ikaona zvechokwadi kuti havana nhengo yavo yakahwandika.

Share This:

Sponsored Links