‘Remangwana rirongere’

08 Sep, 2017 - 00:09 0 Views
‘Remangwana rirongere’

Kwayedza

Abel Ndooka —
SHASHA dzakamboita mukurumbira nekutamba nhabvu dzinoti zvakakosha kuti vatambi vagadzirire hupenyu hweremangwana ravo nguva ichiripo kuitira apo vanenge vasisatambe mutambo uyu.

Kurudziro iyi inotevera hupenyu hwevamwe vatambi vaive nemukurumbira avo vanozokwangwaya mushure mekurega kutamba nhabvu.

Kwayedza svondo rino yakaita hurukuro nevamwe vakambonetsa munhabvu vanoti Sunday Chidzambwa, Harlington Shereni naCarlos Max avo vanoti zvakakosha kuti mutambi aronge remangwana rake. Chidzambwa – uyo vazhinji vanoziva saMhofu – anoti panguva yaaitamba nhabvu aigarofunga zvikuru nezveramangwana rake sezvo aive nechishuwo chekuzove murairidzi wemutambo uyu.

“Hupenyu hwekutamba nhabvu hudiki chaizvo saka kana uri mutambi uchiri nemukana vaka pako pekugara mangwana usazonetsekane.

“Hatisi tose tichaita varairidzi saka iye zvino muchiri kuwana mari tangisai tumabhizimisi kuti mangwana wasiya nhabvu usazonetsekane sezvinoita vamwe vatinoona. Ini hupenyu hwangu hwandiri kugara kuburikidza nekutamba nhabvu,” anodaro Mhofu.

Shereni – uyo akapedza makore akawanda achitambira kuEurope – anoti kunyangwe hake aitamba nhabvu chimwe chinhu chaaikoshesa idzidzo izvo zvakamuona achiwana chitupa cheengineering.

“Hupenyu hwandiri kugara ini kuburikidza nenhabvu, panguva yandaitamba ndaizviziva kuti ndinofanirwa kunge ndakagadzirira saka ndakaenda kuchikoro. Pandakazosendeka shangu dzekutamba nhabvu hazvina kundinetsa kutsvaga basa sezvo ndaive ndine mapepa angu akakwana. Asi zvese zvandinazvo muhupenyu hwangu kuburirkidza nenhabvu,” anodaro Shereni.

Max, uyo akanetsa achitambira Arcadia United, CAPS UNITED, Dynamos uye nemaWarriors anoti panguva yaakatamba nhabvu aienda kubasa zvakare nekuti aiziva kuti zvenhabvu pane nguva yazvinosvika pakupera.

“Isu panguva yataitamba nhabvu taienda kumabasa nekuti nhabvu yaisabhadhara sezvaye kuita iye zvino. Saka vatambi variko mazuva ano ngavashandise mari yavari kuwana zvine musoro kwete kuti tizovaona mune ramangwana vachidzengerera, vachikwangwaya,” anodaro.

Max parizvino ari kushanda saAcountant pane imwe kambani huru muHarare uye anoti ane mamwe mabhizimisi aanoitawo ega.

“Kutamba kwandakaita nhabvu kune pakunondibatsira nekuti dzimwe dzenguva mumabhizimisi angu vanhu vanotoda kushanda neni nekuti vanondiziva saCarlos Max aimbotamba nhabvu saka kutamba nhabvu kwakandibatsira zvikuru,” anodaro.

Vamwe vakambonetsa munhabvu vanosanganisira Peter Ndlovu uyo iye zvino ave kuSouth Africa kwaari maneja wechikwata cheMamelodi Sundowns, Alois Bunjira ari kushanda kuZi-FM uko anoongorora nhabvu nemimwe mitambo, Stanford “Stix” Mutizwa ari kurairidza chikwata cheBlack Rhinos pamwe naGift Muzadzi ari kurairidza kuNgezi Platinum.

Vamwe vevatambi vakaita zvinorova mumutambo uyu vanosanganisirawo Moses Chunga, Freddy Mukwesha, Bruce Grobbelaar naBenjani Mwaruwari.

Share This:

Sponsored Links