Remekedzai dzose nzvimbo dzinoyera

13 Nov, 2015 - 00:11 0 Views
Remekedzai dzose nzvimbo dzinoyera

Kwayedza

KUBVIRA pasichigare, munyika muno magara muine nzvimbo dzinonzi dzinoyera uye dzimwe dzacho dzichiri kuyereswa nanhasi uno.
Nzvimbo idzi dzinosanganisira ninga, masango, makomo nemapako kana kuti nzizi chaidzo. Kune mamwe makomo akaita seekuNyanga ayo anozivikanwa zvikuru nekuyera kwaanoita zvichitevera nyaya dzakasiyana dzevanhu vanotsakatiramo mushure mekunge vatyora mhiko dzinofanira kutevedzwa.

Kazhinji vanhu vanoudzwa kuti nzvimbo yakati inoyera asi vamwe vanoramba vakaisa zvimiti munzeve vachida kuzvionera pamhuno sefodya vopedzisira vapinda mutsekwende.

Mazuva ano kune vamwe vanamati, zvikuru vechipositori, vane nharo avo vasingade kukoshesa nzvimbo dzinonzi dzinoyera sezvo vachienda mungava mumakomo aya vachinonamatiramo.

Vamwe zvakare vanonzi vanoenda kumakomo akadai vachida kunotora masimba ekuti vaite mapipi.
Seimwe nyaya yatinayo svondo rino, nyaya yaMambo Chimombe, VaCausemore Chimombe vekuBuhera, avo vari kugunun’una nekatsika kari kuitwa nemamwe mapositori. Mambo ava vanoti kune mamwe mapositori ari kuenda kugomo riri mudunhu ravo rinonzi Mumwewamwari vachida kuzvisimbisa kana kuti kunotsvaga masimba.

Zvinoshamisa kuti kana munhu achinamata anonzi anoda kutora masimba mugomo nekuti tarisiro ndeyekuti anofanirwa kuwana simba, ringave rekuita minana, kubva kuna Mwari kwete kugomo.

Semugomo reMumwewamwari iri, munonzi ndimo mune ninga dzinovigwa madzimambo nemasvikiro emudunhu iri uye mapositori aya anonzi anonopinda muninga idzi.

Sekutaura kwaMambo Chimombe, zvinoshamisa kuti mapositori aya anonotsvaga masimba kunzvimbo dzinovigwa vafi, kusanganisira masvikiro, avo vanonzi nevanamati ava mweya yetsvina kana kuti madhimoni. Nguya yadarika, bepanhau rino rakaburitsa zvakare nyaya yemumwe muporofita wekwaMutoko uyo anonzi akaenda mugomo reko ndokunotora mapfupa erimwe svikiro raive rakavigwamo achida kuzvisimbisa pachiporofita chake. Hongu, vanhu vangave vachinamata asi zvakakoshawo kutevedza tsika nemagariro zvinocherechedzwa mumatunhu akasiyana.

Hazvina kunaka kuti vanamati vaite hwegonzo nachin’ai nevatungamiriri venharaunda vakaita semadzishe kana masadunhu.
Semaonero edu, hapafanirwe kuve paine makakatanwa pakati pevanamati nevakuru vematunhu asi kuti pave nemugariro unokudzwa.

Kana vanamati vachida nzvimbo dzekunamatira ngavakumbire kune vatungamiriri vakaita semadzishe kwete kuita umbimbindoga.
Uyewo kana nzvimbo ichiyera ngairemekedzwe nemunhu wose zvisinei nekuti anonamata here kana kuti kwete.

Tinowirirana zvikuru nemashoko aBishop James Chirwa (48) vechechi yeZvapupu zvaJesu Apostolic Church (ZZAC) vekuChikomba, kuChivhu, avo mune imwe nyaya iri mubepanhau rino, vanoti vakuru vedzisvondo vanofanira kushanda pamwe chete nemadzishe nemadzimambo nedonzvo rekusimbaradza tsika nemagariro evatema pamwe nekurwisa kuparwa kwemhosva.

Izvi ndizvo zvakakosha nekuti ibasa remunhu wose kuchengetedza tsika nemagariro inova nhaka yemusiidzanwa.

Share This:

Sponsored Links