Rev Chivaviro afunga matongo

27 Oct, 2017 - 00:10 0 Views
Rev Chivaviro afunga matongo REVEREND CHIVAVIRO

Kwayedza

Malven Mugadzikwa —
MUIMBI wenziyo dzechitendero ane mukurumbira, Reverend Togarepi Chivaviro, anoti ane hurongwa hwave padanho repamusoro hwekuvakisa chikoro chesekondari nemuzinda unodzidzisa vechikuru mabasa emawoko kumusha kwake kwaGwehava, kuGokwe South.

Chikoro ichi chichanzi Israeri Secondary School uye chichange chichishandisa zita rimwe chete nemuzinda wekudzidzisa vechikuru mabasa emawoko.

Rev Chivaviro vakataura mashoko aya svondo rapera vari paGirls High, muguta reHarare, apo vakabatana nemudzimai wavo, Mai Juliet Chivaviro, nevatsigiri vavo mukupa mabhuku ekunyorera 5 000 kubazi redzidzo yepuraimari nesekondari.

Mabhuku aya achapihwa kuvana vanoshaya vari kuzvikoro zvakasiyana zviri kumativi mana enyika.

“Chikoro chatiri kuvaka ichi tinotarisira kuti tikawana mari yakakwana, gore rinouya chichange chava kushanda. Mapepa zvese nemvumo yekuti titange kuvaka zvavapo, chasara kuti mari ikwane titange kuvaka.

“Chishuviro chedu kuti chero tikawana vanoda kupa rubatsiro, kusanganisira vatsigiri vedu, zvinotibatsira nekuti chinangwa chedu kugadzira ramangwana revana rakanaka.

“Chakaita kuti ndide kuvaka chikoro ichi inyaya yekuti munzvimbo iyi zvikoro zvishoma zvekuti vana vanofamba nzendo refu vachienda kuzvikoro uye ndiko kwandakakurira. Saka ndine shungu yekusimudzirawo nzvimbo yandakakurira,” vanodaro Rev Chivaviro.

Vachitaura pamusoro pemabhuku ekunyorera avakapa kubazi redzidzo yepuraimari nesekondari, Rev Chivaviro vanoti zvakosha kuti vane mabhizimisi, kusanganisira vamwe vanhu vane mukurumbira, vabatsire vanotambura.

“Vanhu vane mukurumbira kana zvigaro zvepamusoro munharaunda tinofanira kutungamirira chero pakurangarira vaya vanoda rubatsiro munyaya dzedzidzo nezvimwe. Izvi zvakakosha nekuti zvinosimudzira ramangwana revana uye kuunza budiriro munyika.

“Zvinogona kuita kunge zvisina maturo kupa rubatsiro rwebhuku kana rimwe chete zvaro kumwana wechikoro, asi zvakakosha kune mumwe mwana uye zvinoita kuti afarire chikoro nekumupa manyukunyuku ekuti ade kuramba achienda kuchikoro.”

Rev Chivaviro vanoti kuwana kunoita vana vechikoro kunosiyana zvichienderana nenzvimbo dzavanogara.

“Kune vamwe vana vekuzvikoro zvekumaruwa, mari yavanobhadhara kuchikoro kwetemu yose inogona kunge iri mari yemwana wechikoro chemudhorobha yekudya zuva rimwe chete kana vhiki chete. Kune vamwe vanopedza temu yose vasina kana kumbopfeka chero shangu kamwe chete, kwete nekusada asi kuti nekushaya,” vanodaro.

Rev Chivaviro vanoenderera mberi: “Izvi ndinozvitaura nekuti ndiwo mamwe ematambudziko andaisangana nawo mukukura kwangu ndichienda kuchikoro. Nekuda kweizvi, rubatsiro rungada kupihwa nevamwe haruna mupimo nekuti kwose kubatsira. Vangava vemabhizimisi kana vamwe vaimbi vakaita seni, ndinovapa chitsvambe chekuti ruwoko rwavo rwusvike kune avo vari kushaya mari kana mabhuku ekuchikoro.”

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey