Reve, reve tindike!

20 Jan, 2017 - 00:01 0 Views

Kwayedza

Ndozvireva naMukwende Washe 

MWEDZI waNdira wave pakati, vamwe vasati vanyatsonzwisisa kuti Goredzva ra2017 ratovepo zvechokwadi here kana kuti kwete.

Regai vamborota, nokuti vanhu vanoda kuramba vari panzvimbo imwe chete, kuri kuchema nakuchema. Hamheno kuti kana vademba nhamo yacho inotiza here ichiti uyu anonyanyoteta, ngatisve taenda pane mumwe, kana kuti pfungwa dzinobva dzavharwa zvachose!

Gore rapfuura vakachema-chema, asi chakashanduka muupenyu hwavo hapana. Kana mugore ra2015 yaingove ngoma ndiyo, ndiyo.

Muchichema kudaro tinobva taita zimunzwa rabaira mundove. Pamunenge muchingoti “shu-u”, isu tinenge tichiruma tichifuridzira, asi tichiudzana kuti kwedu tinoti reve, reve tindike — kurovera kuendeka chaiko, tsvimbo ichiramba kudzorwa, isinganyengereri kuti gudo rabata kumeso.

Vamwe vave kuziva kuti kana zvasvika pakadai, varwadziwa, tinovati “chihwerure hachiendi kumba,” nokuti mupuro unopura mhunga kana zviyo paruware, kwete kupura munhu. Ngatitangei nokuno kwedu, nevokwedu. Zvimwe zvinosetsa mbavha yakahwanda.

Kana ari makwikwi, Mukwende abuda mazviri, asi kana paine zvichabuda, tichazviona. Handiti nguva ndeyomunhu wese?

Pane chiono chiri kubuda mubato riri kutonga reZanu-PF. Mune vamwe vanhu vane chiramwa, vasingadi kutsiurwa; kwoitawo vamwe vanotadza kuziva kuti kutapwa kwenhau kunorevei?

Vamwe nhasi tave kunzwa rave zinzwa wanzwa kuti havachada kutaura navatapi venhau vesangano rinotsikisa kana iyoyi Kwayedza inonyorwawo nanaMukwende. Vakatsamwa, vachiti vanotukwa. Zvanzi zvese ngazvingove mutserendende, mvura yeguvi!

Chinoshamisa ndechokuti tinozoziva kuti havana kuvharwa muromo nokuti vanozonopa mashoko avo kumapepanhau anopikisa Hurumende; Hurumende yavanoshandira!

Vamwe vanoenda patsambambozha (social media), pavanoziva kuti kana vangotaura chete, mapepanhau anopikisa anobva amhanya namashoko avo.

Chakavinga hama hachisekanwi chokwadi. Dai hondo yorusununguko yakarwiwa nenzira iyoyi, dai Zimbabwe ichingori Rhodesia kana Zimbabwe-Rhodesia. Vatengesi vaiveko hongu, asi vakange vaendera kuhondo kuti vanhu vasununguke muhutapwa hwavapambepfumi, vaitarisa pachinangwa! Kwete zvatiri kuona nhasi uno.

Mwaka wokugadzirira sarudzo dza2018 wakatotanga, asi kune vamwe vanofunga kuti zuva harisati rabuda. Vanongomhanyira kumapepanhau akazvimirira — zvavanotaura zvichiitwa madirativhange nenyaya dzinenge dzichiny’omba mutungamiri wenyika nebato riri kutonga reZanu-PF.

Rudo rwacho rwakazombotanga riini, kusvika rwubhebhe sezvarwuri kuita mazuva ano?

Barack Obama achiita masiyandaita okususukidza zvirango zvoupfumi kunyika yeZimbabwe, masangano enhau anopikisa Hurumende achiridza mupururu nokufara, ndipo panowanikwa nyaya dzedzimwe nhengo dzeZanu-PF, dzeParamende kana makurukota eHurumende dzichidyidzanawo nezvirango zvoupfumi zvaanaObama — vasingatsoropodzi kwete, asi kuti vachiny’omba vamwe vavo mubato.

Zvadzave pedyo kudai sarudzo, vari kutsvairira ani ruvanze? Vanhu vasingade kukwikwidza muna 2018 here?

Kana vachizokwikwidza, vanoda kutiudza kuti mapepanhau anopikisa Hurumende neZanu-PF achazovapa mukana wokutaura zvinangwa zvavo senhengo dzeZanu-PF, vachishora zvirongwa zvamapato anopikisa?

Kana zviri izvozvo, muchaenda kumapepanhau iwaya neManifesto yeZanu-PF vagoibvuma here?

Dzamisai pfungwa, mhinduro dzenyu dziende pasindimuko pemwoyo, nokuti muchadzoka zvenyu. Kana muchiziva kwakabva Zimpapers (1980) Ltd, munoita dzoka uyamwe, nokuti kwamuri kumhanyira iye zvino vanokupai mukana, kuti vanyatsonzwa pamumire chaipo. Kana vaguta nezvenyu, mikana ichashaikwa.

Onekedzo yaObama

Mangwana, USA inenge yave nemutungamiri mutsva, Donald Trump. Obama anenge atove ngano.

Asi mahumbwe ari kuitwa neAmerica haadi kutevedzerwa nedzimwe nyika. Obama akati kuzvigona kusiya atemera vanhu zvirango zvoupfumi, kwete kutsvaga kuyanana. Kana kuZimbabwe basa ari kusiya apedza negore rimwe raakatemera zvakare zvirango.

Zvinozosetsa ndezvokuti kaitiro keMDC kabva kaonekwa kwakakabva — kuramba mutungamiri akasarudzwa nevanhu, nechiramwa chokuti nhengo dzakati wandei dzeDemocratic Party dzinoti mangwana hadzisi kuzoenda panotora Trump mhiko. Zvigomutadzisa kuita President here?

Kana John Lewis akazvitanga achiziva kukosha kwokurwira kodzero dzavanhu vatema, akatadza nei kuita gudo guru rinopeta muswe? Kana iye Trump wacho aitomuomberawo?

Zvisinei, hatizivi kuti munhava maTrump munei, asi zvinonzi Africa iri kure naye zvikuru.

Vaya vokumirira mazvita zvanzi vachaona kuti Trump haatambi achidaro. Amerca ichitanga 2017 nemutungamiri mutsva, Zimbabwe iri kudhuruma nemotokari ine rupawo rwaPresident Mugabe, kugadzirira kusvitsa kwavo makore 93 mwedzi unouya.

Share This:

Sponsored Links