‘Rimai mbesa diki’

15 Dec, 2017 - 00:12 0 Views

Kwayedza

Kingstone Mapupu —
SANGANO rakazvimirira reCommunity Technology Development Organisation (CTDO) rosimudzira kurimwa kwembesa diki muZimbabwe nekune dzimwe nyika dziri mudunhu reAfrica sezvo dzichishingirira muzuva nekupa kudya kune ruwomba kunovaka muviri.

Mukuru weCTDO, VaAndrew Mushita vanova director, vanoti sangano ravo rine donzvo rekusimbaradza kurimwa kwembesa diki.

“Sangano redu haribatsire muZimbabwe chete asi kuti dunhu rose reAfrica nepasi rose kuti varimi vazive kurima zvirimwa zvidiki. Pane zvakawanda zvinowanikwa mukurima zvirimwa zvidiki zvinosanganisira kuwana mari zhinji kubva mukutengesa, kuwana kudya kune ruwomba vanhu voita utano hwakanaka uye hazvidi zvakawanda pakurima zvakaita sefetereza kana manyowa. Zvirimwa zvidiki zvakare zvinodzivirira gukuravhu,” vanodaro VaMushita.

Vanoti nhengo dzesangano ravo dzinotenderera munyika muno nekunze vachiunganidza varimi nekuvapa ruzivo pachena rwemarimirwo ezvirimwa zvidiki.

“Zvirimwa zvidiki zvave kudiwa kudarika kare nekuda kwekuti zvinosimudzira utano hwevanhu. Muzvimbo dzinotengesa kudya dzakaita semahotera unotowana vakanyorawo kuti sadza rezviyo, sadza remupunga, sadza remapfunde nemhunga,” vanodaro VaMushita.

Vanoti zvirimwa zvidiki zvakaidai sebhinzi zvinodzinga nzara mudzimba dzevarimi sezvo zvichishingirira muzuva.

“Zvirimwa zvidiki zvinopedza hurombo muvanhu nekudzinga nzara mumisha, uyewo vanhu vakuru nevadiki vanowana kudya kune ruwomba zvirwere zvoita zvishoma mavari sezvo miviri yavo ichiwana kudya kunovaka,” vanodaro VaMushita.

Mashoko avo anotsinhirwa naVaPaul Zakariya vanove executive director wesangano reZimbabwe Farmers’ Union (ZFU) vachiti kurimwa kwezvirimwa zvidiki kwakakosha munyika.

“Zvirimwa izvi zvinoshingirira muzuva zvinoreva kuti varimi havafe nenzara uyewo zvekutengesa havazvishaye,” vanodaro.

Mukuru werimwe sangano rinomirira varimi zvakare reeMkambo – VaCharles Dhewa – vanoti vanotsigira zvikuru kurimwa kurimwa kwembesa diki.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey