Rimai mbeu dzinoenderana nematunhu enyu

07 Aug, 2014 - 14:08 0 Views
Rimai mbeu dzinoenderana nematunhu enyu

Kwayedza

TOBACCO ZVAKARE
Munyori weKwayedza

GORE negore sangano reZimbabwe Tobacco Seed Association rinobvunzwa nevarimi vakawanda pamusoro pembeu yavangarime asi uyu hausi mubvunzo uri nyore kupindura sezvo mhando yembeu imwe neimwe iine zvayakanakira nezvigozhero zvichienderana nekwainenge yarimwa.

Mbeu inonyanyorimwa ndeyeKRK26 neKRK66, apowo T72 yave kukurumbira gore rino nekuti KRK66 haisi kuwanikwa.
Masvondo maviri adarika, tanga tichitarisa mbeu inoibva zviri pakati nepakati T72, inonoka kuibva — KRK64 neKRK66 — neiyo inonyanya kunonokesa kusvika, KRK28 neKRK29.

Sangano reTobacco Research Board rine chivimbo chekuti T72 inopa goho rakada kuenzana nereKRK29 asi izvi hazvisati zvaonekwa kuburikidza nekurima mbeu iyi.

Zvisinei, mbeu yose ine mukurumbira yakaita seKRK26, T71, T72 neKRK66 inogona kuburitsa goho rematani mana pahekita imwe chete kana ichinge yarimwa kuburikidza nenzira yemadiridziro.

Kana varimi vachigadzira mibhedha yekufesa mbeu, vanokurudzirwa kuti vazive kuti mbesa dzakasimba dzine mukana mukuru wekupawo goho rakanaka.

Asi zvakakosha zvakare kuti varimi varime mbeu inoenderana nematunhu avo.
Mbeu yakaita seT72, KRK64 neKRK29 yose inozoda imwe fetereza yekututsira pamusoro kana ichinge yafeswa mumibhedha.

Imwe mbeu zvakare inoshingirira muzuva ichipa goho guru ndeye KRK28 kana KRK29 uye KRK64 asi varimi vanofanira kungwarira mazuva ekudyara nekuti haidi kudyarwa mumwedzi waZvita kana ichinonoka kuibva.

Mibhedha yembesa haifanirwe kuve pedyo nemadhirihora ekupisira fodya kana zvimwe zvivakwa nekuti izvi zvinogona kukonzera kuti ibatwe nezvirwere zvakasiyana. Mbesa inoibva nekukasika (inenge yarimwa muna Chikumi nenzira yemadiridziro) inofanira kuiswa huswa kana zvimwe zvinhu kuti ichengetedze hunyoro asi murimi haafanire kushandisa dota nekuti rinopisa mbesa pakubuda kwayo. Zvakakosha kuti murimi aone kuti mbesa yake haina zvirwere uyezve kusaputa fodya yemudzanga kana yebute kana ari panzvimbo ine mbesa iyi.

Mibhedha inenge iine mbeu inoda kudiridzwa zvakadzikama katatu pazuva kusvikira mbesa dzabuda. Kana murimi achida kufirita mbesa dzake anofanira kuita izvi mushure mekunge amboidiridza uye mushonga unofanirwa kutanga waoma kwenguva ingangoita maawa mana mbesa dzisati dzadiridzwa zvakare.

Murimi anosungirwa kudzikisa huwandu hwemvura pakudiridza mbesa zvishoma nezvishoma mavhiki maviri isati yasvika nguva yekuti ichidyarwe mumunda.

MBEU yemhando yeKRK26 inogona kuburitsa goho rematani mana pahekita imwe chete kana ichinge yarimwa kuburikidza nenzira yemadiridziro.

Share This:

Sponsored Links