‘Rimai nenguva’

24 Nov, 2017 - 00:11 0 Views
‘Rimai nenguva’

Kwayedza

Kingstone Mapupu —
SANGANO rinomirira varimi munyika reZimbabwe Farmers Union (ZFU) rokurudzira kuti vashandise mukana wemvura yakatanga kunaya kana vachida kuzova negoho guru mukupera kwemwaka uno wezhizha.

ZFU executive director, VaPaul Zakariya, vanoti zvakakosha kuti varimi vashande nemadhumemi ari kumativi mana enyika mubasa ravo rose.

“Mvura yakatanga kunaya ndiko kwatinoti yakatoturuka kare, ngatishandisei mukana uyu kwete kupa mvura iyi mazita. Hakuna mvura inopihwa mazita nekuti mvura, imvura chete, yatouya kwete kumirira kuti imwe ichauya setakamirira mabhazi pazviteshi kuti ndinoda kombi kana kuti bhazi ranhingi, hatirimei,” vanodaro. Vanoti mwedzi waMbudzi wave kuda kunopera zvinoreva kuti mwaka wezhizha wakatotanga kare.

“Tinoziva kuti zvekurimisa zvizhinji zvakakwira mitengo kubvira kufeteraiza yacho, mbeu, nezvimwewo saka ikurudziro yedu kuti vaye vane mombe vaise mupfudze muminda yavo vachiisa pagomba nepagomba kuti manyowa ashande pazvirimwa chaipo nekuti izvi zvakangofanana nekuisa feteraiza,” vanodaro.

VaZakariya vanoti varimi ngavatsvage nzira dzose dzekuti vaise mbeu pasi.

“Nyaya iripo kana tadyara mbeu yedu ngatishandei nevarimisi vedu maagronomist tichitarisa minda yedu kuti hamuna here makonye kana tumwe tumbuyu. Tinobatsirwa nevarimisi pane mishonga inodiwa imwe yatinogara tiinayo kare mudzimba,” vanodaro.

Vanoenderera mberi vachiti, “Takaziviswa nevanoona nezvemamiriro ekunze kuti mvura ichanaya zvakanaka zvikuru kubvira mumwedzi waNdira kusvika Kurume nekudaro zvirimwa zvedu zvinofanirwa kuita zvakanaka nemvura iyi.”

VaZakariya vanoti murimi anofanira kusvika nguva ino aunganidza zvose zvekushandisa mukurima.

“Dzose nyanzvi dzatinoda munyaya dzekurima tinogara nadzo kwatiri kungava kumapurazi kana mumisha saka ngativashandisei zvizere tigovatenda mukupera kwemwaka nekuda kwegoho ratichawana,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>