‘Roja haripihwe mwana’

01 May, 2015 - 00:05 0 Views
‘Roja haripihwe mwana’

Kwayedza

Sandy Musungata
SAMUSHA vekuendesa mudzimai wavo wekutanga kudare vachiti vanoda kupihwa mwana kuti vachengete sezvo mukadzi uyu ave kugara kuAustralia vakaudzwa pachena kuti havagone kumuriritira sezvo vari musvuuganda dzvinyu risina gushe. Stanford Rutavatava akamhan’arira Spiwe Tsingo kuHarare Civil Court achida mvumo yekuchengeta mwanasikana wavo ane makore manomwe okuberekwa achiti anorambidzwa kumuona naambuya vake. “Changamire, ndinoda kuti mundipewo mvumo yekugara nemwana wangu nekuti amai vacho vanogara kuAustralia. Handizive hangu kuti vanoitei ikoko.

‘‘Dambudziko nderekuti ambuya, amai vake, avo vanosara nemwana vanondirambidza kuona mwana wangu kana kumuitira chimwe chinhu sababa vake vachiti ndozvakataura mwana wavo.

“Kutaura kwandiri kuita mwana wangu akachinjiswa ‘birth certificate’ ratakanga takamutoresa tese nechikonzero chandisingazivi.
‘‘Saka deno zvaibvira ndapihwa mwana wangu ndachengeta ndega nekuti handichaziva zvavari kuronga,” akadaro Rutavatava.

Tsingo akapikisa chikumbiro ichi achiti haagari kunze kwenyika asi kuti anongonoshanya bedzi uye Rutavatava haana mari ingakwanise kuchengeta mwana uyu.

“Iye anoroja dzimba mbiri zvekuti nemwana mumwe mutoro waanenge ava nawo semunhu ane mumwe mukadzi nemwana.
‘‘Pamusoro pazvose, ini amai vacho ndini ndine mvumo yekuchengeta mwana zvisinei kuti mwana wacho ari kugara nani, chero kodzero dzake nemagariro zvakanaka,” akadaro Tsingo.

Mutongi Trevor Nyatsanza akati vaviri vazodzoke kudare apo aizopa mutongo panyaya iyi.

Share This:

Sponsored Links