Rufu murawo waMwari

27 Oct, 2017 - 00:10 0 Views

Kwayedza

Munyaradzi Gunduza —
KUVERENGA nokutsinhira, p.89 — chikwata Zvidobi — tinoona mushauri achishaura manhamba vadaviri vachidavira vachitsinhira zvinorehwa nokuverenga kwemushauri, sokuti, M: Piri, V: Kupira midzimu. Tinodzidza pamusoro pemitambo yaiitwa kare navapwere nokuti imwe yacho yaivadzidzisa kurodza njere nokukasika kufunga kuti vagone kuronda nokuverenga. Zvakare zvinoratidzazve kuti pasichigare mazwi kana mazita aipiwa zvinhu aienderana nezvaanoreva zvine chekuita nenharaunda iyoyo.

Cherechedzo: Wakasununguka kusarudzawo dzimwe nhetembo muzvikamu zvaunoda pamwe chete nekuwedzerawo dzimwe pfungwa dzinobuda munhetembo dzacho. Chakakosha apa kupa tsigiro dzinogutsa.

2. Tinodzidzei pamusoro perufu kubva munhetembo dzerufu dziri mubhuku iri? [25]

Nhetembo dzerufu dzinojekesa mazwi namatama anotaurwa nomunhu kana vanhu vafirwa vachidemba nhamo inenge yavawira, uye vanenge vofunga kutambura kwavachaita nokusiiwa kwavanenge vaitwa naamai, baba, mumwewo wemumhuri yavo kana shamwari.

Kwairidzwa mhere kana pafiwa sezvatinoona munhetembo Kudemba baba apo tinoona nyanduri achichema achiti, “Ho, baba we-e! Ho, baba we-e!”

Kushandiswa kwezvikuwo kuzhambatata kwemunhu anenge achichema kufirwa kwaaitwa.

Kare vanhu vainyaradzana kana mumwe afirwa nehama yake sezvatinoona mudetembo rinonzi Kunyaradza afirwa apo tinoona nyanduri achinyaradza mwana weshamwari yake afirwa nababa vake paanoti, “Chinyarara zvako Mukara vaenda baba vako shamwari.”

Mukunyaradzana umu munobuda kuti vananyanduri vaishandisa mazwi asingaremi nekudzimba mwoyo sepanonzi mudetembo iri, “Akusiya nhasi apurura,” achireva kufa. Izvi zvaiitirwa kuderedza kutyisa nekukahadzisa kwechiitiko cherufu. Vainyaradza ava vaitaura chokwadi chezvinowanikwa muupenyu sepanonzi, “Wasiyiwa pachena semazai edahwa,” zvichireva kuti kufirwa nemubereki sababa kwaiita kuti vana vasare vava voga vasisina muriritiri. Izvi zvaiita kuti vafirwa vatarisane nezvazviri.

VaShona vaitendera kuti rufu rwaiunzwa sekuda kwaNyadenga, kwete nemunhu nokuti kufa murawo waMwari sezvinobuda mudetembo rinonzi Kunyaradza afirwa panonzi, “Denga iri ndiMapa, pamwe ndiMabvuta” zvichireva kuti rufu rwaiuya zvisina anoziva kana kuda, uyezve hapana anoramba rufu, rwunongotora madiro.

Pasichigare kana kwafiwa paiva netsika yokubata maoko kunova kudembedzana nevafirwa kuitira kurerutsa kufunganya kwavo mudambudziko rinenge ravawira sezvinobuda mudetembo rinonzi Kubata maoko apo nyanduri B anova sekuru vakafirwa nemukadzi wavo vanoudza muzukuru wavo ari kubata A maoko kuti, “Zvakapera zviye, muzukuru” kureva kurasikirwa kukuru nekufirwa.

Parufu panobudawo nhoroondo yeurwere hwemunhu sezvinoburitswa navatauri mudetembo Kubata maoko zvakare apo muzukuru A anobvunza sekuru vake B mafambiro efiro yambuya vake. Saka tinodzidza kuti pakuchema afa tinogona kunzwa nhoroondo yefiro yemushakabvu.

Nyaya yemitupo nezvidawo inowanikwawo munhetembo dzerufu semudetembo rinonzi, Kunyaradza afirwa apo nyanduri anoti, “Chinyarara zvako Soko.” Mutupo unoratidza dzinza remunhu afirwa, uye mazwi aya anodzora hama yemufirwi nokuti akudzwa nekudaidzwa nemutupo wake.

Cherechedzo: Vadzidzi makasununguka kutsvaga dzimwe nhetembo dzamunoziva dziri muna, Ugo Hwamadzinza AVaShona dzinotaura pamusoro perufu muchitsanangura zvidzidzo zvinobuda madziri pamwe chete nekupa tsigiro dzacho.

Share This:

Sponsored Links