Rumbie Zvirikuzhe oshuvira kuve ticha

16 Dec, 2016 - 00:12 0 Views
Rumbie Zvirikuzhe  oshuvira kuve ticha

Kwayedza

SHASHA yekuimba nziyo dzechitendero, Rumbie Zvirikuzhe, anoti ari kuita zvidzidzo zvehurairidzi sezvo aine chishuwo chekusimudzira fundo yemunyika kuburikidza nekuzodzidzisa vana muzvikoro mune remangwana.Zvirikuzhe, uyo akambonetsa nekambo kanonzi Huya Mweya Mutsvene, akataura mashoko aya nguva yadarika kuKadoma achangopedza kutandadza vanamati vechechi yeAll Families International Church.

“Parizvino ndava mugore rechipiri muzvidzidzo zvangu kuSwaziland uko kwandiri kuita Diploma in Education neAmadi University yakabatana neMidlands State University. Chishuviro changu ndechekuti kana ndapedza zvidzidzo izvi ndidzoke kudzidzisa muZimbabwe. Chinangwa chikuru ndechekusimudzira dzidzo yemunyika medu nemureza wenyika yedu panyaya yedzidzo. Ndichange ndichibudisa mamwe madambarefu zvisinei nezvidzidzo zvandiri kuita izvi. Parizvino ndava kupinda mugore rechipiri rezvidzidzo zvangu izvo zvinotora makore matatu,” anodaro Zvirikuzhe.

Zvakadaro, Zvirikuzhe anochema-chemawo nekutengeswa kuri kuitwa mhanzi yevaimbi pamusika wemukoto achiti izvi zviri kuvadzorera kumashure zvikuru.

“Mazuvano kutengesa nziyo kana madambarefu hakuchina mari nenyaya yepairesi iyo isiri kupera. Mashoo ndiwo ari kupa vaimbi vakawanda mari kudarika kutengesa madambarefu. Ndinoda kutenda Mwari kuti zita rangu richiri kuzivikanwa uye vatsigiri vachiri kufarira nziyo dzangu,” anodaro.

Anoenderera mberi achiti, “Parizvino ndiri kutarisira kubuditsa rimwe dambarefu rangu idzva kubva pandakapedzisira kubuditsa Mutsawashe muna 2013. Ndakabva kuparura kambo Psalms 91 ako kandiri kupa kuvatsigiri pachena uye ndiri kutarisira kuparura vhidhiyo rekambo aka kupera kwegore rino iro ndinenge ndichipa pachena zvakare.”

Share This:

Sponsored Links