Uncategorized

Runyararo muSadc musimboti webudiriro!

07 Aug, 2014 - 00:08 0 Views
Runyararo muSadc musimboti webudiriro!

Kwayedza

kuziva mbuya huudzwa
KWASARA mazuva mapfumbamwe kuti musangano wevatungamiri venyika dzeSadc utange musi wa17 Nyamavhuvhu muguta reVictoria Falls, guta rine mbiri munyaya dzezvekushanya. Sokutaura kwatakaita panhanganyaya, takati pamusangano ipapa, Zimbabwe, yakamiririrwa nemutungamiri wenyika President Mugabe, inenge ichitora husachigaro hwesangano rakamiswa nenyika 15 dzokuchamhembe kweAfrica iri.
Takatiwo dingindira romusangano uyu rinoti: “Sadc Strategy for Economic Transformation: Leveraging the Region’s Diverse Resources for Sustainable Economic and Social Development through Beneficiation and Value Addition”.

Dingindira iri ndiro ratiri kuzazanura svondo rino tichionawo kuti rinodyidzana sei nezvimwe zvirongwa zviri kuitwa mudunhu reSadc, uyewo tichiti iwe muverengi sechizvarwa cheSadc ndepapi paunokwana? Ndedzipi pfungwa dzaungape kuvatungamiri kuti zvinhu zviendeke?

Mururimi rwaamai tingati dingindira iri rinoti: Zvirongwa zveSadc zvokuedza kuvandudza nyaya dzoupfumi, kusanganisira kutsvaga nzira dzokuona kuti zviwanikwa zvakasiyana-siyana munyika dzese zvashandiswa nenzira dzinoita kuti upfumi hwedunhu husimuke, uyewo kuti dunhu kana zvizvarwa zvedunhu zvimire pakanaka panyaya dzoupfumi, pane kurarama nokupihwa iro dunhu rizere nezvese zvinoita kuti vanhu vabudirire.

Chikamu chokupedzisira chedingindira iri chinopa mhinduro yokuti budiriro iyi inogoneka sei (Beneficiation and Value Addition).
Izvi zvinoreva kuti vatungamiri vedunhu vanofanirwa kurodza pfungwa vouya nenzira dzokuti zvicherwa nezviwanikwa zvedunhu zvagadzirwa nokukwenezverwa sei kuitira kuburitsa zvinhu zvakasiyana-siyana, zvozoendeswa kunze kunotengeswa zvave zvinhu zvangomirira kutengwa, kwete zviri kuitika pari zvino kuti zvinoendeswa kune nyika dzinotenga zvakangodaro (“raw materials” pachiRungu).

Mienzaniso yatingapa ndeyezvirimwa zvakaita sefodya. Nyika dzose dzomudunhu, kusanganisira Zimbabwe, dzinorima fodya dzinotoita mwedzi yakawanda dzakavhura misika inotengesa fodya. Kunyange pave kuratidza kuti mafekitari anogadzira fodya angangovakwa mune dzimwe nyika dzeSadc, asi dunhu harina kumbozvibvunza kuti inyasha dzei tsvimborume kubvisa mwana wemvana madzihwa?

Hongu mari inowanikwa panotengwa fodya, asi mubvunzo mukuru ndewokuti vatengi nevanotengerwa vanowana mari dzakafanana here? Vanopunduka ndevapi, vatengi kana vanotengerwa?

Hazvisi kuzvirimwa chete, asi kana zvicherwa zviri kupundutsa vatengi, vanotengerwa vachisara vachidya nhoko dzezvironda. Zimbabwe yakazviona panyaya yengoda, goridhe neplatinum. Zambia inadzowo nhoroondo dzokurozvwa panyaya dzemhangura.

Hutungamiri hwedunhu reSadc hukaisa misoro pamwe chete hukabuda nezvinobatika zvakafanana nokuvaka mafekitari emhando yapamusoro, votsvaga kwokutengesera, kwavanotengesa nemitengo inonzwisisika, zvinoita kuti dunhu risimuke. Zvinodawo mitemo inotsigira zvirongwa izvi.

Izvi hazvingosimudzira dunhu chete, asi kuti zvinosika mabasa akasiyana-siyana kumazera ose, kusanganisira vechidiki vanove vawandisa uyewo vasina zvavari kuita.

Vanhu vane zvokuita havapindwe nepfungwa dzokuda kumukira hurumende kana kuumba mapato anenge achitsigirwa nemari dzenyika dzinenge dzichida kudya mafuta enyika. Nyika dzine runyararo, muine zvinhu zviri kuendeka dzinokwezva vaenzi, zvokuti imwe mari inopinda mudura renyika inenge yave kubva kuvashanyi.

Panze pezvitengwa-tengwa, vashanyi ava vane zvavanozotorawo kubva munyika dzavashanyira: tsika namagariro.
Kunyange zvazvo mudunhu reSadc pachimboita nyika dzine kusawirirana kana kurwisana, zvinhu zvinowanikwa apa nepapo, uyewo hutungamiri hweSadc hwaramba hwakashinga kuona kuti dunhu rine runyararo, nokuti runyararo nokubatana ndiwo musimboti webudiriro.

Budiriro inobva mu“beneficiation and value addition” inoitawo kuti zvimwe zvinoita kunge zvisinei nazvo zvivandudzwe, ingave migwagwa, kutakurwa kwezvinhu navanhu, kufambiswa kwamashoko, mvura yakachena, masimba emoto namagetsi, dzidzo, utano, kupihwa mikana yakaenzana kumadzimai nevechidiki nezvimwewo. Zvinovandudzawo matongerwo enyika.

Nokudaro munhu wose ane pfungwa yokuti kana misoro yavatungamiri gumi navashanu yaiswa pamwe chete musi wa17 na18 Nyamavhuvhu, kuchangove kutaura here, kana kuti panobuda zvisungo zvakasimba zvokuti nyika imwe neimwe inonotanga kuona kukosha kwokuzvishandira nokutengesawo zvinhu zvainenge yagadzira, kwete kutenga zvigadzirwa zvinobva munyika yavo zvonobikwa kune imwe nyika, zvozouya zvakwenenzverwa, zvichitengeswa nemitengo yapamusoro-soro. Kana zvikaramba zvakadaro, inenge yave Chawagona Hapana jeri reBindura.

Izvi zvinoreva kuti nyaya yokuti hatigoni, hatina kana kuti hatizive hazvisi zvikonzero. Kana vadaro, tobvunza kuti makore makumi matatu apfuura, vanhu vakadzidza vari jahwi, saka vanozogona rinhi? Vanozoziva kana kuwana rinhi, kana mikana ichiuya vanhu vachingopfuurwa nayo?

Ukaongoorora madingindira akasiyana-siyana anobatwa nesangano reSadc unoona kuti rupawo rwedingindira romusangano wemwedzi uno rwunobva muzvikamu gumi zvakamisa mafambisirwo anoitwa sangano reSadc. Zvikamu izvi zvinosanganisira: 1. Zvematongerwo nokuchengetedzwa kwenyika (Politics, defence and security)

2. Budiriro munyaya dzoupfumi (Economic development)
3. Ruzivo rwapamusoro nezvokushandisa zvakakwana panoita tsaona (Disaster Risk Management
4. Zvokushandisa zvemhando yemberi zvakafanana nemigwagwa (Infrastructure)
5. Mabasa okurima nokuona kuti nyika ine kudya kwakakwana (Agriculture and food security)
6. Zviwanikwa nezvicherwa (Natural resources)
7. Utano (Health)
8. Budiriro yevanhu mumagariro avo ose (Social and human development)
9. Zvamamiriro okunze (Meteorology and climate)
10. Kubvisa urombo muvanhu vomudunhu nokuumba mitemo inoita kuti zvigoneke (Poverty eradication and policy dialogue)

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey