Rupiza: Kudya kune utano

31 Mar, 2017 - 00:03 0 Views
Rupiza: Kudya kune utano

Kwayedza

NYANZVI dzezveutano dzinokurudzira veruzhinji kuti vadye kudya kwechivanhu kwakaita serupiza uko kunonzi kwakakosha zvikuru pautano.

Svondo rino Mbuya Margaret Muganyi vekuBikita, kuMasvingo, vanorondedzera mamwe mabikirwo erupiza zvine hunyanzvi.

Zvinodiwa:

Makomichi matatu enyemba, dovi, munyu nemvura.

Mabikiro:

Menya nyemba kana kupura nyemba wodzikanga.

Bvisa marara ose kuburikidza nekudzipepeta.

Kuya nyemba paguyo rakachena kusvika dzaita zvidimbu zvidiki.

Unogona zvakare kudzitswa muduri.

Fashaidza zvawakuya zviye muhari.

Isa munyu wokurungira dovi kana rwuchinge rwaibva.

Ramba uchimona rupiza nemoto wakaderera kuti rwusatsva.

Kana dovi nerupiza zvichinge zvanyatsosangana, siya zvishinyire kwemaminitsi angaite mashanu.

Wozodii?

Kana zvadai, chingwarira kuzviruma rurimi nekunakirwa.

Kare vamwe vaidya rupisa nesadza rezviyo kana jena asi rwunogona kudyiwa rwakadaro. Nakirwa nemhuri.

. Sunungukai kutumira zvamunoda kuti zvibude pachirongwa chino panhamba dzinoti +263 713 411 281

Share This:

Sponsored Links