Uncategorized

‘Rusarura kuvanhu vakaremara bodo’

17 Mar, 2017 - 00:03 0 Views
‘Rusarura kuvanhu vakaremara bodo’

Kwayedza

Muchaneta Chimuka —
MUNYORI mukuru anoona nezvenyaya dzevanhu vakaremara mitezo mubato riri kutonga reZANU-PF, Cde Joshua Malinga, vanoti vari kushushikana nerusarura rwuri kusangana nevakaremara mumabasa, mune zvedzidzo nekuenzaniswa kwemikana.

Vakataura mashoko aya pamusangano wevakaremara uyo wakaitwa nguva pfupi yadarika muguta reHarare.

“Pachine basa guru rekuti vanhu vashandure mafungiro avo kana takatarisa vakaremara nekuti vachiri kutarisirwa pasi. Munguva zhinji, tinoona vanhu vakaremara vachipemha mumigwaga nekuti havasi kuwaniswa mikana yemabasa yakaenzana neavo vasina, zvisinei nekuti tine zvirongwa zvakawanda munyika muno zviri pamusoro pekuenzaniswa kwemikana.

“Naizvozvo nyaya idzi dzinongoperera pamuromo kana kuti mumisangano pasina chakati tsvetere chinozoitwa kuti chiyamure vanhu ava,” vanodaro.

Cde Malinga vanoti ivo semunhu akaremara, vane shuviro yekuona vachiwaniswa mikana yemabasa, dzidzo nezvekufambisa zvinoenderana navo.

Vanotizve Zimbabwe yakaisa runyoro rwayo kuzvisungo zvakasiyana zvinokurudzira kucherechedzwa kwekodzero dzevakaremara mitezo, izvo zvinosanganisira zviri pasi pemubatanidzwa wenyika dzemuSadc, African Union neUnited Nations.

Cde Malinga vanoti zvakare chikamu che10% chevanhu vari muZimbabwe ndevakaremara uye vazhinji vavo havana mabasa masvinu.

“Ongororo yakaitwa nebazi rezveutano nekurerwa kwevana rakabatana nesangano reUnicef muna 2014, inoratidza kuti pavanhu 13 miriyoni vari munyika muno, 900 000 vavo vari kurarama nehurema. Vanhu ava vari kusangana nenyaya dzerusarura hwakanyanya uye vanodzvanyirirwa kuti vasapinde muzvirongwa zvine chekuita nebudiriro yenyika pamwe neupenyu hwavo.

“Vanhu vakaremara vazhinji vavo vari kurarama upenyu hwekutambura uye havana mikana yekurapwa muzvipatara nekuda kwehurombo.”

Vana vakaremara, vanodaro Cde Malinga, ndevamwe vari panyatwa uye chikamu che35% chavo vari kukundikana kuenda kuchikoro kana kupfuura gwaro reGrade 7.

“Hurumende nemamwe masangano akazvimirira vanofanira kubatsira vana vakaremara kuti vange vachienda kuzvikoro zvekusvikawo kumadanho epamusoro. Vana vakaremara vari panyatwa yekutapurirwa utachiona hweHIV neAIDS nezvimwe zvirwere zvepabonde nepamusaka pekuti vazhinji vavo inherera zvinova zvinopa mikana yekuti vabatwe chibharo apo vanenge vari kuchengetwa nehama kana mumigwagwa mavanenge vari kupemha.

“Vamwe vanobata vana ava chibharo nekuda kwemafungiro akarasika ekuti zvinoita kuti vange vachipora pazvirwere zvavo kana kuti vachiita mari zhinji,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links