Rwendo rwuno tarwadziwa!

25 Aug, 2017 - 00:08 0 Views

Kwayedza

MAGAMBA akarwa nenzira dzakasiyana-siyana muhondo yokusunungura nyika ari kutorwa rumwe-rumwe.

Pamwe ndiMukwende chete ari kuona kwatakabva, patave, asi ozoita rutara rwokushaya kuona kuti mberi kwatiri kuenda kumire sei. Upenyu hahudi kuitwa zvefembera-fembera, nokuti zvanezuro nanhasi zvinosungirwa kutijekesera kuti mangwana amire sei. Pakaora zuva musi woMuvhuro kuUnited States of America, zvizvarwa zvoko zvakabuda nepfungwa dzakawanda, sezvo change chiri chiitiko chisana kumboitika kwamakore zana apfuura. Vari kubvunza kuti zvinorevei nhasi uno namakore anouya.

Hongu zvakakosha kuti titaure tichiti kana Mwari achida, asi tinenge tichitaura kudaro nepfungwa dzakajeka.

Pari zvino ngatiregei kurova imbwa takaviga mupini. Mvura yabvongodzeka inoda kucheneswa, sezvo mvura iri ndiyo upenyu hwomunhu wose.

Hazvidi kuzazanura kwakakura. Musi weMuvhuro 14 Nyamavhuvhu, musi wezuva remagamba (National Heroes Day), gurukota redunhu reMasvingo Cde Shuvai Ben Mahofa (Chikoforo, simbi yebasa) vaka- tisiya.

Zvakangouya, nokuti rufu haruna nhume. Vagari vedunhu reMasvingo vakange vakatarisira semakore ose kuti Mai Mahofa ndivo vanenge vachitungamirira zvirongwa zvepaNational Heroes Day nezuva remauto reDefence Forces Day, asi zvaka- kona.

Nhasi dzangove ngano nokuti sokuimba kwakaita mwana wehanzvadzi yavo, Mufundisi Chivaviro, musi wa14 Nyamamavhuvhu ndiyo yakange iri Ebenezer yaCde Mahofa — zuva ravakanzi naNyadenga, “Shuvai, zvako zvapasi rino zvakwana, wave kuenda kune imwe nyika.”

Nyika yose inokutendai zvikuru Cde Mahofa. Vamakadzidzisa vakanzwa, vachaendesera basa mberi sechishuvo chenyu, kunyanya kuona kuti vana veZanu-PF vafamba negwara remusangano vakabatana, musangano wamakapinda kubva ichiri National Democratic Party, kusvika yazove Zanu-PF ine vanhu vakabatanidzwa nechinangwa chimwe chete.

Ndimi ‘anhu acho, madzimai acho akarerwa nemusangano — zvichirwadza, uye zviri nyore dzimwe nguva, asi hamuna kucheuka shure kuita zvemukadzi waLot muBhaibheri. Hamunawo kutengesa nyika zvakaita vamwe, asi makaramba makashinga, kusvika matura befu rokupedzisira.

Cde Mahofa, muri muenzaniso wohushingi, kunyanya kumadzimai navanasikana, mucherechedzo wokuti hauramwi kana zvaoma, asi kuti unoramba uchiti zvinoita chete. Makasiiwa muri shirikadzi, muri mudzimai wechidiki, asi makachengeta mhuri, mukange muri nhengo inokwikwidza mune zvamakirabhu amadzimai pamwe chete nanaCde Betty Mutero navamwe.

Zvairema, zvichirwadza, asi Jehovha vakakuitai kuti mushande kusvika Zimbabwe yave mumaoko avaridzi.

Zvave kwavari kuiparadza kana kuisimudzira, kunyanya irori gore Mwari vakaropafadza nyika nemvura negoho regutsaruzhinji.

Tinotenda mabasa makuru amakabata, mabasa akaita kuti mupihwe ruremekedzo rwapamusoro-soro rwegamba renyika. Nhasi munhu ainzi chimbwido arara pachikomo cheNational Heroes Acre, pamwe chete nemamwe madzimai akange akazvipira vanosanganisira Cde Sally Mugabe, Mama maFuyana (Cde Joanna Nkomo), Cde Victoria Chitepo, Cde Sunny Ntombiyelanga Takawira, Cde Julia Zvobgo nevamwe.

Misodzi yokuchema Cde Mahofa ichiri pamatama, rimwe gamba reChimurenga Cde George Rutanhire (Jackson Peter Musanhu) vakabva vatisiyawo musi wa19 Nyamavhuvhu, kuchipatara cheKaranda kudunhu reMt Darwin.

Vana Cde Rutanhire ndivo vevamwe varwi verusununguko vakatanga kurwisa muvengi kuma1972.

Vakasiya basa rechifundisi mukereke yeRoma paSt Albert’s Mission vachinorwisa muvengi!

Vadzoka kumusha, vaishanda zvakangodaro, asi vachiziva kuti vane bara ravakapfurwa panguva yehondo, vakaramba vakashinga, vakamira nemusangano.

Vakatungamira munyaya dzekudzidziswa kwegwara rokufambisa musangano, kusanganisira kutungamira National Youth Ser- vice.

Pavakatisiya, ndivo vanga vave kutungamira chikoro cheZanu-PF chokudzidzisa gwara romusangano, cheChitepo Ideological School. Cde Rutanhire vakambotungamirirawo National Youth Service, uyewo vaive nhengo yeFallen Heroes Trust of Zimbabwe.

Ndiri pakati pokunyora, vange vaitwa gamba renyika, zuva rokuchengetwa kwavo risati raziviswa.

Ndati vari kuendaka ava, asi vari kusara muri kusara mumire papi? Muri kusara muine pfungwa ipi?

Ndichipedzisa kunyora, imwe mhere yabva yaridzwa zvakare. Amai Maud Muzenda, mudzimai wegamba mushakabvu Cde Simon Vengai Muzenda vonzi vatisiya zvakare. Izvi zvagurunura mapfupa. Tese tiri kufirwa, saka achachema mumwe ndiani?

Share This:

Sponsored Links