Uncategorized

Sadc: Zimbabwe yotora husachigaro

31 Jul, 2014 - 08:07 0 Views
Sadc: Zimbabwe yotora husachigaro

Kwayedza

KUTANGA svondo rino kusvika kupera kwaNyamavhuvhu, tinenge tichikupai chikamu chakakosha, chikamu chichatisvitsa pamusangano weSouthern Africa Development Community (Sadc).
Gore rino, iro rino iri, musangano wavatungamiri venyika nehurumende weSadc, uyo unoitwa gore negore, uchazenge uchiitirwa muZimbabwe.

Musangano wechi34 weSadc uchaitirwa muguta reVictoria Falls kubva musi wa17 kusvika 18 Nyamavhuvhu.

Musangano unoitwa pasi pedingindira rinoenderana nechiono nezvinoshuvirwa nesangano reSadc: “Sadc Strategy for Economic Transformation: Leveraging the Region’s Diverse Resources for Sustainable Economic and Social Development through Beneficiation and Value Addition”.

Pamusangano uyu Zimbabwe, kubudikidza naPresident Mugabe, inenge ichitora husachigaro hweSadc, uhwo pari zvino huri kumutungamiri weMalawi, muzvinafundo Peter Mutharika. Pakaitwa Malawi sachigaro pamusangano wa2013, President Mugabe vachangobva kukunda zvine mutsindo musarudzo dzomusi wa31 July, Zimbabwe yakabva yaitwa mutevedzeri.

Aka ndekechipiri kuti Zimbabwe iite sachigaro weSadc sezvo chiri chigaro chinotenderera pakati penhengo dzedunhu.

Zimbabwe yakambove sachigaro mugore ra1989, sangano richiri kunzi Southern African Development Coordination Conference (SADCC).

Panguva iyi, dzimwe nyika mudunhu dzakange dzisati dzasununguka: Namibia yakazowana rusununguko muna1990. Izvi zvakateverwawo nokuburitswa mujeri kwaVaNelson Mandela vakazove mutungamiri weSouth Africa yakasununguka wokutanga mugore ra1994. Mozambique neAngola dzakange dziri pakati pehondo navapanduki veRenamo neUnita.

Sadc isangano rine nhengo 15 dzinoti Angola, Botswana, Democratic People’s Republic of Congo, Lesotho, Madagascar, Malawi, Mauritius, Mozambique, Namibia, Seychelles, South Africa, Swaziland, Tanzania, Zambia neZimbabwe.

Vatungamiri vanotarisirwa kunge vari pamusangano uyu vanosanganisira Jose Eduardo dos Santos (Angola); Ian Khama (Botswana); Joseph Kabila (DRC); Mambo Letsie Vechitatu (Lesotho); Hery Rajaonarimampianina (Madagascar); Peter Mutharika (Malawi); Kailash Purryag (Mauritius); Hifikipunye Pohamba (Namibia); James Michel (Seychelles); Jacob Zuma (South Africa); Mambo Mswati III (Swaziland); Jakaya Kikwete (Tanzania); Michael Sata (Zambia) naPresident Mugabe.

Vatungamiri vokunze vanotarisirwa kusvika muZimbabwe musi wa16 Nyamavhuvhu, musangano wovhurwa zviri pamutemo musi wa17 Nyamavhuvhu. Musangano unozoitwa musi wa18 Nyamavhuvhu. Vaenzi vanotarisirwa kudzokera kunyika dzavo musi wa19 Namavhuvhu.

Kuvambwa kweSadc nezvinangwa
Sadc isangano rehurumende dzakasiyana-siyana, dzomudunhu dzinoshanda dzakabatana mukuedza kuve neramangwana rine pundutso.

Chinangwa cheSadc ndechokutsvaga budiriro nokusimukira kwedunhu munyaya dzoupfumi, magariro evanhu, zvamatongerwo enyika dunhu richishanda rakabatana mune zvese izvi.  Zvinangwa zveSadc zvinopfekanawo nezvinangwa zveAfrican Union.

Zvinangwa zveSadc zvinobva munhoroondo yedunhu kubva parakaumbwa, uye zvinoramba zvichivandudzwa zvichienderana nenguva.

Rakatanga riri sangano ramaFrontline States riine nhengo dzakaita seZambia neBotswana dzakange dzasununguka, asi dzichishuvira kuti dunhu rose, kusanganisira Africa, ive yakasununguka kubva kuudzvanyariri, uyewo kuti rive dunhu rinobvisa urombo namatambudziko anosanganikwa nawo munyaya dzoupfumi, dzidzo, utano, runyararo, tsika namagariro nezvimwe.

Frontline States yakazotsiviwa neSouthern African Development Coordination Conference, yakaumbwa munaKubvumbi 1980, mwedzi wakawana Zimbabwe rusununguko.

Mugore ra1984, Dr Simba Makoni vakave munyori mukuru weSADCC. Vakagara pachigaro ichi kwemakore gumi.

Munyori mukuru weSadc pari zvino ndiDr Stergomina L. Tax, chizvarwa chokuTanzania.

Muzinda mukuru weSadc uri muGaborone, guta guru reBotswana, asi misangano yavatungamiri yakafanana neuri kuitwa mwedzi unouya inoitirwa munyika memutungamiri ari kutora chigaro.

Sangano reSADCC rakavandudzwa kuve Sadc musi wa17 Nyamavhuvhu, 1992.

Vatungamiri vaita vana sachigaro veSadc kubva muna2007 kusvikira nhasi vanosanganisira muchakabvu Levy Mwanawasa (Zambia); Kgalema Motlanthe (South Africa); Jacob Zuma (South Africa); Joseph Kabila (DRC); Hifikipunye Pohamba (Namibia); Armando Guebuza (Mozambique); Joyce Banda/Peter Mutharika (Malawi).

Kuve sachigaro kweZimbabwe kunorevei?
Zvinoreva kuti mumakore matatu ari kutevera, Zimbabwe inenge iine chinzvimbo chikuru muhutungamiri weSadc.

Gore rinouya painoturira chigaro kuna sachigaro mutsva, Zimbabwe inovewo nhengo yechikamu cheOrgan Troika  kusvikira muna2016.

Zimbabwe ichisimudzirwazve gore rinouya apo Zimbabwe ichatora husachigaro hweAfrican Union kubva kuMauritania.

Dunhu rakapfuma nezviwanikwa zvepasi asi urombo huzere muvanhu. Mumasvondo anotevera, tichazazanura tione kuti mubatanidzwa uyu uri kubatsira vanhu pane zvipi, uyewo kuti ndezvipi zvinofanirwa kutariswa kuti sangano rive nepunditso muvanhu vese mudunhu, kusanganisira iwe neni.

Share This:

Sponsored Links