Sakho obatira hana mumawoko

24 Jun, 2016 - 00:06 0 Views
Sakho obatira hana mumawoko Mamadou Sahko

Kwayedza

Mamadou Sahko

Mamadou Sahko

MAMADOU Sakho achaziva mumasvondo maviri anotevera kuti achapihwa mutongo murefu here zvichitevera kubatwa kwaakaitwa nemhosva yekutora zvinodhaka mumuviri make muna Kurume.Mutambi weLiverpool uyu akabatwa kuti akatyora mutemo weUEFA uyo usingatendere kutora zvinodhaka izvo zvakazoonekwa mushure memutambo wechikwata chake neManchester United weEuropa League.

Haana kuzosarudzwa neLiverpool zvakare kubva pakabuda nyaya iyi muna Kubvumbi uye UEFA yakamutemera zvirango zvekumira kukwikwidza kwemazuva 30 apo akakumbira kuti asaongororwe zvakare. Zvakabva zvamutadzisa kukwikwidza kumutambo weEuro 2016 uye akatadza kupinda muchikwata chakatamba mufainari yeEuropa League apo vakakundwa neSevilla.

Sakho, uyo anofarirwa zvikuru nevatsigiri veLiverpool, akabvuma kuti aitora mumwe mushonga unopisa mafuta emumuviri uye vamiriri vake vakati mushonga uyu hausi pane iyo isingatenderwe.

Pane dare richagara mwedzi unotevera kuti rione nezvenyaya iyi iyo yave nenguva ichiongororwa.

Vatambi veLiverpool avo vasiri kumutambo wekuFrance vanotarisirwa kudzoka kuMelwood musi wa2 Chikunguru. Sakho angade chaizvo kuti nyaya yake inge yagadziriswa kuti akwanise kudzoka apo vamwe vake vachatanga kugadzirira mwaka unotevera. Asi kana akabatwa aine mhosva anogona kutemerwa zvirango zvekumbomiswa kutamba nhabvu kwemwedzi mitanhatu kana makore maviri. Asi kuti mutambi uyu anzi ane mhosva, UEFA inenge yaisa nyaya iyi pamberi peboka rayo reControl, Ethics neDisciplinary. — Daily Mail Football

 

Share This:

Sponsored Links