Samaita ozarukirwa nematenga

10 Feb, 2017 - 00:02 0 Views

Kwayedza

Abel Ndooka —
MUIMBI weSungura — Brian Samaita — anoti kushanda kwaakaita naAgatha Murudzwa padambarefu rake riri kupisa parizvino rinonzi Kumazivandadzoka kwamuzarurira mikana yakasiyana sezvo mhanzi yake yave kuteverwa nevatsigiri vakawanda zvikuru.

Dambarefu raSamaita rechina iri rine nziyo dzinosanganisira Jerusarema iyo yaakaimba naMurudzwa uye kambo aka kari kufarirwa zvakanyanya nevatsigiri.

“Ndinotenda zvikuru kushanda kwandakaita nehanzvadzi yangu — Agatha Murudzwa —nekuti kwakandizarurira mikana yakasiyana.

Rutsigiro rwangu rwawedzera, kana mumakereke mhanzi yangu iri kutambirwa zvinofadza zvikuru.

“Zvakakosha chaizvo kuti vaimbi vemisambo yakasiyana vangave veSungura, Dendera kana Zim-dancehall tipote tichibatana, tichishanda tose nekuti zvinotibatsira mukukura kweindasitiri yemhanzi,” anodaro.

Anoenderera mberi achiti, “Ini chitendero changu chakabva chawedzera kusimba zvichitevera kushanda kwandakaita naMurudzwa.”

Muchinda uyu — uyo anotsigirwa nechikwata cheMurondatsimba Express — akashanda nevamwe vaimbi vanosanganisira Shiga Shiga panziyo dzinoti Ndinokutendai naNdave Kuenda.

Samaita anozivikanwa zvakanyanya zvichitevera mamwe madambarefu ake aakatsikisa kare anosanganisira anoti Nemiwo Munazvo, Murodzi Wepfungwa naTsono.

Share This:

Sponsored Links