‘Sando kuna Mukuruva’

01 Dec, 2016 - 00:12 0 Views
‘Sando kuna Mukuruva’ Hillary Mukuruva (kuruboshwe) nemwana wake, Tatenda Mukuruva.

Kwayedza

. . . Baba voti vanorotswa mitambo yaTatenda

Abel Ndooka

BABA vaTatenda Mukuruva mubati wepagedhi wemaWarriors neDynamos FC, Hillary Mukuruva, vanoti ivo nemudzimai wavo vanorotswa mitambo mizhinji yemwana wavo isati yatambwa zvinoita kuti vakwanise kumuyambira paanenge achifanira kugadzirisa. Hillary anoti Tatenda aibva zvekuti ave kukwanisa kunotambira zvikwata zvekunze kwenyika.Zvakadaro, anoti mushure mekunge arotswa mitambo inozotambwa nemwana wake anobva amukurudzira kuti agadzirise paanenge arota achikanganisa kana kutomuudza kuti arege kutotamba mumutambo wacho.

“Ndinorotswa kazhinji kuti mitambo yaTatenda ichabuda sei zvekuti dzimwe dzenguva ndinotomuyambira zvaanofanirwa kugadzirisa kuti vahwine. “Kana amai vake chaivo tiri kumba vanondiudza kuti fonerai Tatenda nekuti vanenge vachiti varoteswa zvisina kunaka,” anodaro.

Hillary anoti Tatenda paakasarudzwa kekutanga kuti atambire maWarriors mumutambo weMalawi, uyo vakahwina 2-1, aisada kuti atambe. Kalisto Pasuwa – murairidzi wemaWarriors – akashamisa vatsigiri venhabvu vazhinji apo akasarudza Tatenda kuti atambe mumutambo uyu.

Hillary anoti akakatyamadzwa nazvo sezvo ainge amboita hurukuro naPasuwa akamukurudzira kuti asatambise Tatenda sezvo akange achiri mudiki. Anoti mushure mekunge mutambo weMalawi wadarika, aona matambiro aTatenda, akave nechivimbo chekuti ane tarenda rinogona kumusvitsa kure.

“Kutaura chokwadi Pasuwa ndakamuudza kuti chimbomira kutambisa Tatenda iye akatowirirana neni kuti haasi kuzomutambisa kuMalawi asi ndakazoshamisika kuona ave muchikwata zvekuti hana yangu yakarova zvikuru kusvikira mutambo uyu upere.

“Pawakazopera, ndakazvionera pamhuno sefodya kuti Tatenda aibva uye jezi remaWarriors nderake. MaWarriors paakaenda kunokwikwidza kuSwaziland akamisa rimwe bhora raida kunwa zvakavhundutsa vanhu zvekuti kana ini ndakasvetuka ndiri mubhawa randaionera mutambo uyu nekufara,” anodaro Hillary.

Anoti kuti Tatenda afarire kutamba nhabvu, chaive chishuvo chekutevera mumatsimba ake sezvo akambotambira zvikwata zvakasiyana zvinoti Air Zimbabwe neDynamos kunyangwe zvavo asina kuzoita mukurumbira. Hillary anoti aigaroenda naTatenda kwakasiyana kwavaitambira mitambo yavo apo aimhanya kupinda munhandare kana chikwata chababa vake chahwina kana kuti vanwisa.

Kubvira Hillary paakasendeka shangu dzake dzekutamba nhabvu, muchinda uyu akatanga kushanda kuzvikwata zvakasiyana zvinoti Tripple B neBorder Strikers ari mutevedzeri wevarairidzi veko. Hillary anoti kunyangwe asina kuita mukurumbira wakanyanya nekutamba nhabvu anoshuvira kuona mwana wake achienda kure nemutambo uyu.

“Tatenda zvenhabvu akazvitorera kubva kwandiri sezvo ainakidzwa chaizvo kundiona ndichitamba saka paakatanga kurakidza zvekuda kutamba nhabvu handina kumbobvira ndapikisa, ndakafara chaizvo.

“Iye zvino nyika yose ichange yakamutarira apo ari kuenda nemaWarriors kunokwikwidza kumutambo weAfcon 2017 Gabon,” anodaro.

Tatenda akatamba nhabvu yainwisa mvura apo maWarriors airwira tikiti rekuenda kunokwikwidza kuAfcon.

“Tamirira Afcon, ndiri kuda kuti aende anopenya kumitambo iyi asimudze mureza wenyika yake uye paunopera atengwe nezvikwata zvekunze.

“Nhabvu yemuno iri kudzikira saka Tatenda haakodzere kuramba achitambira muno, anofanirwa kuenda kunze kuitira kuti awane pundutso muhupenyu hwake.

“Achiri mudiki, ari kukura uye achiri nezvakawanda zvekudzidza saka ndinovimba kuti achashandisa Afcon kuumba zita rake sezvo mitambo iyi iriyo inoshandiswa nevatambi vakawanda ,” anodaro Hillary.

Muhurukuro naTatenda, anoti kunyangwe hazvo mwaka wake nechikwata chake cheDeMbare usina kufamba zvakanaka amirira kuenda kuAfcon asi hunge akasarudzwa naPasuwa.

Anoti gore rinouya anoda kuhwina mikombe yakawanda kutanga neweAfcon uyo uchatambirwa kuGabon kutanga musi wa14 Ndira.

“Gore rino handina nguva yekuzorora nekuti mwaka wePSL zvawapera ndatarisana negadziriro dzekuenda kuAfcon. Handizive kuti ndichange ndiri muchikwata chaPasuwa here asi ndiri kuda chaizvo kuenda kunokwikwidza kumutambo uyu.

“Hatisi kuzongoenda kunokwikwidza chete asi tiri kuda kunohwina sechikwata uye tine chivimbo chikuru chekuti tichahwina,” anodaro.

 

Share This:

Sponsored Links