Sangano reKorfball rakagadza boka

21 Jun, 2014 - 15:06 0 Views

Kwayedza

SANGANO reZimbabwe Korfball Association rakagadza boka renyanzvi idzo dzakapihwa basa rekuumba chikwata chenyika chichaenda kuZambia muna Nyamavhuvhu  kunorwira tikiti rekuenda kumutambo weWorld Cup. Gore rinotevera mutambo weKorfball World Championships uchatambirwa kunyika yeBelgium kuEurope uye muAfrica yese munofanirwa kubuda zvikwata zviviri chete.

Muna Nyamavhuvhu, zvikwata 12 zvekunyika dzakasiyana zvichasangana kuZambia uko zvichange zvichirwira matikiti ekuenda kuGhent, Herentals pamwe neAntwerp kuBelgium uko kuchange kuchitambirwa mutambo uyu.
Mutungamiri weZim Korfball Assoction, Tarirai Chadebha,  anoti vakazviona zvakakosha kuti vagadze chikwata icho chavakapa basa rekuumba timu yakasimba yekutumira kuZambia.

Nhengo dzakagadzwa zvigaro zvakasiyana muboka iri dzinosanganisira Riko Kruit uyo anove chizvarwa chekuNetherlands achange ari technical director, Percy Samugadza wekuSports and Recreation Commission achange ari maneja wechikwata ichi, Godfrey Kwangware ndiye achange ari murairidzi kozoti Christopher Katore uyo achange ari head of delegation apo pavachaenda kuZambia.

“Basa ratanga manje, gadziriro dzedu dzekurwira kuti tiende kuWorld Championship dzatotanga. “Takagadza nhengo dzakasiyana dzakapinda mutechnical team yedu kuti vafambise basa rekuumba chikwata chekutumira kuZambia munguva iri kutevera.

“Godfrey Kwangware ndiye achange achirairidza chikwata ichi saka isu tinovimba naye kuti achabata basa sebasa.
“Nguva yadarika ange achimhanyisa basa saka mwedzi unotevera tinogona kuronga mutambo kwaMutare wekuti chikwata chake chitambe nezvimwe zikwata.

“MuAfrica muno munofanirwa kungobuda zvikwata zviviri chete kuti zviende kuBelgium saka pane basa guru rinofanirwa kubatwa apa. “Pachange paine zvikwata 12 zvichasangana kuZambia saka isu tinovimba kuti tichabuda tiri pamusoro tigokwanisa kuenda kumutambo uyu,” akadaro Chadhebha.

Zvakadaro, Chabhedha akazivisa kuti muridzi wepembe wemutambo uyu wemuno, Brian Fungai Maringwa, ari kuendawo kumakwishu aya kozoti Otilia Kurebwaseka achange ari match commissioner.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey