Seed Co: Nhaka yemusiidzanwa

23 Jun, 2017 - 00:06 0 Views
Seed Co: Nhaka yemusiidzanwa

Kwayedza

Simba Gotosa naRonnie Chigombe —
MUNGUVA vapfupi yapfuura varimi vakakwanisa kuuya nehuwandu hwavo kumagungano makuru anoitwa gore rega-rega pamapurazi eRattray Arnold neArt Farm – ose ari pedyo neHarare – kuti vazoona mashura ekuuchika mbeu ari kuramba achiitwa nekambani yenyu yeSeed Co. Nhaurwa hombe yaibuda pamagungano aya ndeye machnjiro ari kuramba achiita mwaka uye kuti Seed Co yakagadzirira zvipi kuti varimi varambe vachiwana goho repamusoro rinopa punduso kumhuri dzavo nenyika yeZimbabwe.

Varimi vakabva kumativi mana enyika vachipupura kuti varimisi veSeed Co vari mumatunhu avo vari kuitawo misangano (maField Days) ekuvaratidza zvakanakira mbeu dzeSeed Co. Zvakaonekwawo kubva mumibvunzo yevarimi kuti mwaka mishoma yapfuura yanga isina kumira zvakanaka asi varimi vakadyara mbeu dzeSC513, SC403 neSC301 vakakohwa zvakanaka nekuti mbeu idzi dzinoshivirira muzuva nezvirwere zvechibage.

Seed Co sekambani hombe mukuuchika mbeu, hatisi kuramba takabatirira pamhando dzembeu idzi chete, asi kuti pari zvino pava nedzimwe – SC529, SC533, SC633 neSC637 idzo dziri kupa varimi goho rinoyevedza.

Varimisi veSeed Co, veAgritex nevemasangano evarimi akafanana neZFU, ZCFU, ZNFU, CFU vanogara ichingova hochekoche mukuvandudza ruzivo rwevarimi nekudaro mukufamba kwavo mudunhu reMidlands vakakokwa nemurimi wechidiki uyo akaona mashura akaburiswa nembeu yeSeed Co SC727.

Murimi uyu ndiLangton Mahumucha, uyo akazvarirwa kuGutsaruzhinji, kuShurugwi mugore ra1980. Langton anoti baba vake vasati vashaika, vaive murimi mukuru uyo aive nembiri zvikaita kuti vasarudzwe mazuva iwayo kuita sachigaro weDistrict weZFU. Akakura achidzidziswa kurima nababa vake uye mhuri yavo vese vari vatanhatu vakaendeswa kuchikoro nemari yekurima, zvikuru chibage.

Baba vake semurimi wepamusoro, vaitora mbeu dzemakambani ese vachidzirima vachida kuona inovapa goho repamusoro, dzinoshivirira muzuva uye dzakadzivirirwa kuzvirwere. Semhuri, anoti vakaona mbeu dzeSeed Co dziri shasha.

Kubva panguva iyoyo, vakatanga kushandisa mbeu yeMbizi vakazopinda mune dzeShumba SC627 nekuti mudhumeni aive avakurudzira kuti varime mbeu dziri muzvipoka zvakasiyana nekuti imwe ikavhiringika, imwe inobuda. Baba vaLangton vairamba vachimuudza kuti kune mbeu yeNzou asi semaziviro avaiita, yainzi inoda madiridziro. Izvi zvakaramba zviri mupfungwa make akati rimwe ramakore ndichairima chete.

Nekufamba kwenguva, Langton akazoroora akaita musha nemunda wakewo. Semunhu wechidiki, mari yekutenga mbeu dzakauchikwa akabva aishaya nekubva ashandisa yemudhura chaiyo baba vake vakamushoropodza kuti zvandakudzidzisa mbeu dzekurima wani.

Langton anoti iye semunhu wechiki ane shungu, akazopinda muchikorokoza asi haana kusiya kurima sevamwe vechidiki vari mudhunhu mavo. Pakamari kaakatanga kuwana negoridhe, akanotenga 5kgs yeSC513 achida kuita zviyedzwa. Akawana matani maviri kubva mu5kgs yembe yaakadyara apa ndipo paakasiyana nedzemudhura ndokubva atangawo kuedzawo mbeu dzemamwe makambani ari kuuya asi SC513 yakabuda iri shasha.

Akaona kuti SC513 imbeu inotsigisa musha uye zvakawana baba vake muzviyedzwa ndizvo zvaakaonawo. Sezvineiwo, baba vake vakazoshaya asi iye akazoramba achirangarira shoko ravo rekuti kune mbeu yeNzou yeSeed Co ine goho riri pamusoro-soro. Semunhu anga anzwa kuti mbeu yeNzou inoda madiridziro, akabva atenga yeShumba yaaiva nechokwadi nayo ye2.5 acres dzimwe 2.5 acres dzainge dzasara akabva aita pfungwa yekunoona mudhumeni wake anonzi VaMlauzi avo vakamupa simbiso yekuti mbeu yeNzou SC719 kana SC727 aigona kuidyara mumunda make.

Langton semunhu anga anetseka kuwana mari yekutenga mbeu, akafonera murimisi weSeed Co muMidlands Province, VaRonnie Chigombe avo vakatsigira mashoko aive ataurirwa naVaMlauzi veAgritex. Akazotenga mafetereza nembeu zvine uwandu hwaakaudzwa nevarimisi vake vaviri ava.

Akadyara mbeu yeSC727 musi wa15 Mbudzi nemvura yekutanga asi akatanga aisa fetereza yepasi ine huwandu hwunoita 200kgs/ha uye aitaramutsa zvinoita (90×22). Gore rino murimi uyu aigara achibvunza varimisi danho rega-rega nekudaro akazoshandisa mushonga wesora weAtrazine akazongotematema sora pano neapo mavhiki matanhatu chibage chamera. Akazomwaya fetereza yapamusoro ine huwandu hunoita 300kgs/ha uye pari zvino akatopedza kukohwa.

Vachionesana nevarimisi veAgritex, ZFU neSeed Co, anotarisira kuwana 8-9 tons/ha SC627 uye 10-11 tons/ha neSc727. Achitarisa mari iri kubhadharwa neGMB ye$390/ton, shungu dzaLangton ndedzekuti atenge mafetereza, mbeu yeSeed Co, mishonga yesora inenge yasara anoda kutenga pombi yekudiridzisa kuti azokwanisa kurima gore rose.

Zviri kubuda panhaurwa yese ndezvekupa kwakaita baba vaLangton nhaka yekurima nekuti iye akaonawo ega kuti muivhu mune mari. Mushakabvu baba vake vaishandisa mbeu dzeMbizi vanaSC513 asi Langton akabva aenda dano repamusoro nekutanga kushandisa SC727 iyo yaacharamba akabatirira kwemakore anotevera – mbeu dzeSeed Co apa dzava kutambidzanwa kubva kuna baba kuenda kumwana dzichatopedzisira nekuzvizukuru.

Mukuru weZFU mudunhu reMidlands, VaManjera vaivapowo paitaurwa nemurimi uyu vakakurudzira varimi kuti varime ndima dzavanokwanisa uye dzinoenderana nezvinoshandiswa (mainputs) avanenge vawana gore iroro. Vakakurudzira varimi vari munharaunda iyi kuti vashandise mbeu yeSC727 nekuti kurima rinofanira kutorwa sebhizimisi.

Vakakurudzira murimi wechidiki uyu kuti arambe akadaro uye kuti apinde mumapoka ezvekurima. Vakapa muenzaniso wekuti dai VaMukumucha vaive mumapoka ezvekurima, vangadai vakapa vamwe varimi zano rekurima SC727. Dai vese vakakwanisa kurima SC727, mumwe nemumwe achiwana goho re10tons/ha senzvimbo vangadai dunhu ravo rine kudya kunokwanira mhuri dzavo uye vachizowana chimwe chibage chekutengesa.

SeZFU, vakati zviri nyore kushanda nevarimi vari muzvikwata nekuti vanozokwanisawo kudaidza mamwe makambani emafetereza nemishonga yesora kuti vadzidzise varimi.

Murimisi waLangton, VaMlauzi vakatiwo murimi wavo achiri wechidiki uye vari kufadzwa negoho rake nekuterera zvaanoudzwa nevarimisi. VaMlauzi vakati murimi uyu mumwe wevarimi vanofambirana nenguva nekuti vakamuisa mugroup reWhatsApp ravari kuti e-extension umo ivo semurimisi vanogara vakaudza varimi zviri kuitika munguva yega-yega yemwaka.

Vakakurudzira murimi kuti ivhu rake rinoongororwa nanamazvikokota kuti goho rake rivandudzwe.

Vakatizve Langton ndiye murimi chete zvisineyi nezera rechidiki anoti uku ari kuita zvechikorokoza uku achiendazve kumurimisi achinodzidziswa nezvekurima.

Sekambani yenyu hombe yembeu munyika muno, tichiri mubishi rekuita mafield days mumatunhu ese apo patinoudza varimi manakiro embeu dzedu ivo vachipupurawo saLangton maonero avari kuita goho ravari kuwana. Seed Co varimi munozviziva kuti makawana iripo uye icharamba iripo dzimwe dzichiuya dzichienda ichitsigira varimi kuti varime zviri pamusoro zvekuwana kuma 18 tons/ha nSC727.

KUTI SEEDCO NDOKUTI MBEU, KUTI MBEU NDOKUTI SEED CO.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>