Uncategorized

Seed Co yakabatsira Dombodzvuku

27 Nov, 2015 - 00:11 0 Views
Seed Co yakabatsira Dombodzvuku

Kwayedza

KAMBANI huru pakuuchika mbeu, yeSeed Co Zimbabwe, svondo rapera yakapa rubatsiro kuchikoro cheDombodzvuku Primary School apo chiri kupemberera kusvitsa kwacho makore 100 kubva pachakavambwa.

Sechipo chekupemberera pamwe chete nechikoro ichi, Seed Co yakagadzirisa zvikwangwari zvakanyatsojeka zvine zita rezvikoro zviviri, Dombodzvuku Primary neDombodzvuku Secondary schools, nechimwe chinoratidza kune kiriniki iri pedyo yeShambamuto Clinic uye ndokupawo mari yekubatsira pamhemberero dzakaitwa nemusi weChishanu svondo rapera idzi.

Pamusoro peizvi, Seed Co yakazivisa kuti ichapa zvikoro zviviri izvi mbeu nefetireza zvichashanda muminda yezvikoro izvi, zvisinei nekuti yakakura zvakadii.

“Zvichakohwewa ndezvezvikoro zvacho.

“Zvikwangwari zvakakosha nekuti zvinobatsira vanhu kuti vazive kuti chikoro chiri papi uye kuti chiri kure zvakadai.

Tichaita zvakare nzvimbo yatichashandisa mukuratidzira kurima kwakanaka (demonstration plots) zvinova zvichabatsira vadzidzi nevabereki vemunharaunda mukusimudzira hunyanzvi hwavo hwekurima,” vakadaro VaStewart Zura, avo vanove marketing officer kuSeed Co.

Ruzivo rwekurima muminda iyi rwuchapihwa pachena. Sachigaro weSchool Development Committee weDombodzvuku Primary School, VaTarisai Somane, vakati vane shungu dzekuti chikoro ichi chirambe chichibudirira munyaya dzedzidzo, kusanganisira kurima, nezvemitambo.

Mai Getrude Chitiyo, avo vanove kanzura weWard 27, vakati vakafunda pachikoro ichi mushure mekumbokundikana vachiri mudiki.

“Ndakange ndafunda zvekugumira Standard 3. Asi ndakazoona kuti chikoro chakakosha ndokuronga kudzoka kuchikoro ndatova munhu mukuru.

“Saka ndakauya ndikaita Grade 7 yangu pano zvisinei nekuti ndakange ndave munhu ane mhuri. Ndakatopasa zvakadaro nokudaro ndinokuridzira dzidzo yevakuru kuti ifambire mberi muzvikoro,” vakadaro.

Share This:

Sponsored Links