Seed Co yakapa mbeu kuvarimi

12 Aug, 2016 - 00:08 0 Views
Seed Co yakapa mbeu kuvarimi

Kwayedza

KAMBANI yeSeed Co, huru yadzo dzose pakuuchika mbeu muZimbabwe, svondo rapera yakapa mibairo yembeu yechibage kuvarimi gumi pasi pechirongwa chayo chinobuda muKwayedza, cheMudhumeni Mukuru.

Mudhumeni Mukuru chinyorwa chakananga kupakurira varimi mashoko anovakoshera mubasa ravo rekurima uye nenguva.

Vachitaura pakupa mibairo yembeu iyi, VaWalter Chigodora, avo vanova commercial director weSeed Co Zimbabwe, vanoti zvakakosha kuti varimi vatevedzere mazano avanopihwa nekambani yavo kuburikidza nebepanhau reKwayedza sezvo achipa varimi pundutso mubasa ravo.

“Varimi tinokukurudzira kuti mutevedzere zvirongwa zvatinobudisa svondo rega-rega mubepanhau reKwayedza. Zvinyorwa izvi zvinobatsira varimi kubva mukugadzirira mwaka wekurima, mhando dzevhu rekurima, iko kurima kwacho, mhando dzembeu, mishonga yekushandisa, kusakura sora, kukohwa dakara kunochengetedza goho nekuritengesa kumisika . . . zvose munozviwana.

“Ukatevedza zvaunoudzwa neMudhumeni Mukuru bedzi, murimi haurasike, unotokohwa zvakawanda,” vanodaro VaChigodora.

Mashoko avo anotsinhirwa naVaJohn Basera, vanova head of commercial agronomy kuSeed Co, vachiti varimi vanofanira kusiyana nekurima mbeu yemudura sezvo isingavandudze goho ravo.

“Mbeu yakauchikwa inoita kuti kana ikadyarwa zvakanaka haibatwe nezvirwere zvinobata zvirimwa,” vanodaro VaBasera.

Vanokurudzira varimi kuti vaite gadziriro yemwaka unotevera nguva ichiripo.

“Iye zvino varimi ndinoti tangai kutenga fetereza nembeu yakauchikwa, kwete yemudura. Zvakare mbeu iyi inofanirwa kugara pakanaka, pasina hunyoro kana tumbuyu nekuti ikapfukutwa haimere,” vanodaro.

Vachitaurawo pachiitiko ichi, VaTaurai Mazhambe, avo vanorima vari kwaMutoko, vanoti vave nemakore vachirima mbeu yeSeed Co uye vachikohwa pakuru.

“Ndava nemakore maviri ndichirima, ndakangotanga nekurima mbeu yeSeed Co uye handina kubvira ndavingwa nenzara nekuda kwekuti yakauchikwa uye inokudza goho.

“Zvakare ndinotevedza zvinyorwa zvepachikamu cheMudhumeni Mukuru chinobuda muKwayedza. Kurudziro yangu kuvamwe varimi ndinoti ngavafambe neSeed Co, vakatenga mbeu yeSeed Co yakauchikwa zvemandorokwati kuti vagokohwa pakuru,” vanodaro VaMazhambe.

Mumwe nemumwe wevarimi gumi ava akapihwa 20kg dzembeu dzemhando dzakasiyana neSeed Co.

Svondo rino hatisi kukupai chinyorwa chenyu chizere nemashoko anobatsira murimi, cheMudhumeni Mukuru. Asi tarisirai zvakawanda pachinodzoka svondo rinotevera.

Share This:

Sponsored Links