Seed Co yobura mbeu itsva

19 Jun, 2015 - 00:06 0 Views
Seed Co yobura mbeu itsva

Kwayedza

KAMBANI huru inouchika mbeu munyika yeSeed Co Zimbabwe inoti ine tarisiro yekuwedzera mbeu itsva, zvikuru idzo dzinoshingirira muzuva mwaka uri kutevera nedonzvo rekuti varimi vawane pundutso mubasa ravo.

Izvi zvakataurwa naVaJohn Matorofa vanove group finance director kukambani iyi svondo rapera pamusangano wakaitwa muHarare wekuongorora mafambisirwo ari kuitwa nyaya dzemari kuSeed Co.

“Tine tarisiro yekuti mwaka unotevera tichawedzera huwandu hwembeu dzatinouchika, zvikuru sei dziye dzinotanda nzara dzakadai seMukadzi usaende. Nekuda kwekusanduka kuri kuita mamiriro ekunze, takaona kuti varimi vazhinji ndidzo mhando dzembeu dzavari kuda zvakanyanya. Mbeu idzi dzinokasika kukura uye dzichitirira muzuva,” vakadaro.

Zvakadaro, VaMatorofa vanoti kambani yavo yakashanda zvine simba gore radarika izvo zvakaona ichikwanisa kuderedza mari yavakakwereta kana zvichienzaniswa nemamwe makore.

“Takakwanisa kuderedza kukwereta mari nekuti taizoidzorera iine chikamu che20% inova mari yakawanda kwazvo. Izvi zvakaona kambani yedu ichisimukira tichikwanisa zvakare kubhadhara vashandi vedu pamwe nekuvapa mabhonasi. Takagonawo kuchengetedza midziyo yekambani,” vakadaro VaMatorofa.

Vanoti kuburikidza nekugona kuchengetedza mari uye midziyo yekambani, vakaona vachiwana purofiti yakanyanya kupinda mamwe makore.

Vanoti gore rapera vakabura purofiti yeUS$11 833 431 uye gore rino kusvika mumwedzi waKurume vakawana US$15 009 741 nokudaro vane tarisiro yekutopfuura apa mukupera kwegore rino.

“Seed Co iri kuita zvakare tsvakurudzo yekurwisa zvirwere zvinobata mbeu zvakadai seMaize Lethal Necrosis Disease (MLND) zvinobva kuEast Africa nekuti zvine mikana yekuderedza goho. Takakwanisa kupedza kuvaka rabhoritari paRattray Arnold Research Station. Zvisinei, tiri kusangana nezvibingaidzo pakuumba mushandirapamwe webhizimusi neNigeria kuti pave nemakondirakiti nevarimi vakazvipira sezvo kuchine kusagadzikana munyaya dzematongerwo enyika munyika iyi,” vakadaro.

Vachitaurawo pachiitiko ichi, VaMorgan Nzwere vanove Group Chief Executive Officer wekambani iyi, vanoti nyika yeDemocratic Republic of Congo ine misika yakanaka nokudaro vari kuita basa rekuona kuti bhizimusi rekutengeserana mbeu ravandudzwa pakati peZimbabwe nenyika iyi.

“Zvinhu zvinofadza kuti kudyidzana mumabhizimusi pakati peZimbabwe nenyika dzakadai seKenya, Tanzania, DRC nedzimwe kuri kuita kuti zvirongwa zveZimAsset zvinge zvichiendeka munyika muno. Tiri kuvandudza zvekare mhando dzembeu dzatinogadzira kuti dzinge dzichigutsa zvido zvevarimi,” vakadaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey