Seed Co ‘yodyara’ dzidzo

13 Dec, 2014 - 13:12 0 Views
Seed Co ‘yodyara’ dzidzo

Kwayedza

Ed4

Muzvare Marjorie Mutemererwa

Daphne Machiri
KAMBANI huru pakuuchika mbeu munyika, yeSeed Co, iri kuenderera mberi nechirongwa chayo chekusimudzira dzidzo munyika zvichitevera kubatsira kwairi kuita vana vechikoro nherera nekuvabhadharira mari dzedzidzo pamwe nekuvakisa dzimba dzekudzidzira pachikoro cheSt Marnocks Primary School, kwaZvimba.

Vachitaura pachikoro ichi svondo rapera, mukuru wezvekufambiswa kwemashoko muSeed Co Group, Muzvare Marjorie Mutemererwa vakati donzvo rekambani yavo nderekuti vana vanoshaya vawane mukana wekudzidza sezvinongoita vamwe.

“Vana vechikoro ava ndivo Zimbabwe yemangwana, naizvozvo takaona zvakakosha kuti kambani yedu ibatsire vana vanoshaya pamwe nenherera kuti vaende kuchikoro,” vakadaro Muzvare Mutemererwa.

“Ndinotenda varairidzi vavo nekushanda nemoyo wose mukudzidzisa vana.”

Chikoro ichi chine vana vanoshaya vanosanganisira nherera vanodarika 180 avo vanobhadharirwa mari dzechikoro.

“Sekambani, tine vana 20 vatinobhadharira mari dzechikoro paSt Marnocks nezvimwe zvikoro zvakasiyana. Naizvozvo ndinokurudzira vana vechikoro kuti vashande nesimba nekuti dzidzo inhaka yeupenyu,” vakadaro Muzvare Mutemererwa.

Mukuru wechikoro ichi, VaMichel Mashiri, vakatenda rubatsiro rwavari kuwana kubva kuSeed Co nemamwe makambani.

“Vadzidzisi vedu takavavakira dzimba, tikakwanisa kuvaka dzimba dzekudzidzira nekutenga mabhuku evadzidzisi neevana vechikoro,” vakadaro VaMashiri.

Vanoti vane chishuwo chekuti varambe vachisimudzira zvidzidzo zveE-Learning pachikoro chavo.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey