Uncategorized

Sei ndiri muKristu?

12 Jan, 2018 - 00:01 0 Views

Kwayedza

Ignatius Mabasa
Makorokoto eGoredzva Nyamasvisva. Nguva inofamba takarivara semombe dziri kufura zvekuti unozovhunduka dzave mumunda waVaPinjisi. Ndave nemazuva ndichida kukunyorerai pamusoro penhau inokushamisai kuti munhu mutema angave muKristu chirudzii icho chiKristu chiri chitendero chevarungu.

Nditeerereiwo zvishoma nditsanangure. ChiKristu hachisi chitendero chevarungu – hachisi zvakare chitendero cheVaJudha. VaJudha vakanga vasinawo Mwari, vaisaziva Jehovha kusvikira Abhurahama azotaurwa naye naYave. Musakanganweka Nzou, kuti nyangwe Moses paakatumwa naJehovha kuVaJudha vari kuEgypt, Moses anotobvunza Mwari kuti ndinonoti ndatumwa nani. Ivo vaJudha ndivo zvakare vakarovera Jesu pamuchinjikwa.

Zvakarewo, Jehovha haasi Mwari wemaBritish. MuCentury yekutanga Kristu azvarwa, Britain yaitovewo netumwari twakawanda twaisanganisira tumwari twechiRoma. ChiKristu chakatosvikawo muBritain muine kurwisana nekutenda mune zvehuroyi. Saka Jesu haasi wevarungu vekuEurope nekuti naivowo kufanana nesu, vakanga vasingazive Jehovha kuti ndiani.

Asi isu zasi kweAfrica, zvingaite sekuti takanga tiri murima guru kwazvo tisingazive Mwari kufanana nemaBritish, asi kwete Jehovha vakagara vari muno. Chatakanga tisina iBhaibheri, machechi neMweya Mutsvene. Kufanana nepakazodzidziswa VaHebheru kunamata Jehovha vachipira, muno muZimbabwe tainamata Musikavanhu kubudikidza nemaprista eMhondoro. Mhondoro vanhu vaitakura zvichemo zvevanhu kuzvisvitsa kuna Musikavanhu/Nyadenga.

Kareko, kana madzimambo aisarudzwa neMhondoro nekuti aive vachengeti vepasi nevanhu vakamiririra Mwari. Mhondoro dzaitevedza miko yakafanana neiri kuna Revhitiko muBhaibheri. Kana zvinhu zvikasaitwa nemazvo, kana kuti kana pakange pane zvisina kumira zvakanaka, midzimu yeMhondoro yaigona kuramba kusvika. Mhondoro dzaifumura varoyi, mbavha, mhombwe nemhondi.

Kare ikako, pasi pakanga pachakagara, ndiko kuti pasichigare. Vanhu vaikumbira mvura kuna Mwari, mvura ichinaya. Ndiyo nguva yairarama vanhu vasingazive kunyima – vanhu vachiti, “Mwana wehama haanzi wavingei.” Ndiyo nguva yaitongwa mhosva, kwete munhu. Nguva yemajakwara, nhimbe, hoka kana humwe.

Ndiyo nguva yaiitwa ngano dzaidzidzisa tsika nehunhu, tsitsi nerudo, dzichiramba hutsinye, humbimbindoga nemanomano. Munguva dzakare idzodzi, masango aiyera zvekuti vanhu vaizvidzora vega pahunhu hwakadyiwa nembwa.

Ndiyowo nguva yekuti vanhu vaikumbira zvekudya pasi pemiti vachipihwa. Vanhu vedu vaiziva kuti kudenga kuna Mwari, uye kufanana nemuBhaibheri, vainopira kuna Mwari vari munzvimbo dzakakwirira dzinenge makomo. Jerusarema guta raMwari rakavakwa naSolomon riri pamusoro pegomo. Kana iye Jesu aiwanzoenda mugomo kunonamata.

Nyamasvisva, ndakanyatsotsvagisisa nyaya yechiKristu iyi, ndikanzwisisa kuti Mwari pavakasika Adam naEve, vakaisa mweya wavo muvanhu nekuti vanhu vese takasikwa nemufananidzo waMwari.

Mweya waMwari ndiwo unoita kuti vanhu pasi rese tibvumirane kuti kuba, hutsinye, ruvengo nezvimwe zvakadaro zvakaipa.

Kana Mwari vaitaura nevanhu nenzira dzese idzi, vakazoregererei? Aripiko masvikiro nemhondoro? Aripiko madzishe aitonga mhosva kwete munhu?

Nyamasvisva, Bhaibheri rinotobvumawo kuti, “Kare, Mwari akataura kumadzitateguru edu kubudikidza navaporofita panguva zhinji, uye nenzira dzakasiyana-siyana, asi mumazuva ano okupedzisira akataura kwatiri nomuMwanakomana wake . . . waakaitawo naye nyika.”

Saka nechikonzero, Mwari havana kungobva vati “ivai maKristu.” Jesu akatozouya munyaya nekuti vanhu takanga tatadza kurarama sezvataive tarongerwa naMwari tisingapondane.

Mufunge zvenyu munhu akanga akasikwa ari mwari, asi humwari hwemunhu hwakarasika nekuda rusununguko kubva kuna Mwari.

Asi Mwari havamanikidze munhu kuti ave munhu wavo, ndizvo zvinoita kuti isave mhosva kuramba chiKristu.

Asi kuramba chiKristu muchiti chinamato chevarungu kurasikirwa.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>