Sekai naFadza voita chipfambi

27 Nov, 2015 - 00:11 0 Views

Kwayedza

CHITSAUKO 7 (Nyaya yacho: Enderero mberi)

Fadza anobva asvika akahuguta zvake hwahwa Irene ndokugunun’una nazvo nekuti amai vake vaigaromunetsa kana vadhakwa. Anozoratidzwa Sekai uyo anotaura kuti kuuya kwake kwainge kusina kurongwa, ramangwana racho ndipo apo vachataura zvose.

Fadza anosvikozviwisira pamakumbo aRoddy uyo anomugamha ndokumutsvoda kwava kumboramba vakadaro mawoko avo achingobata-bata miviri yavo. Roddy anozosimuka kwava kudhonzera Fadza muimba yekurara, hwahwa huye hwainge hwadirwa mumagirazi kana kumbobatwa.

Sekai semunhu ainge asina kurara usiku hwainge hwapfuura, anokurumidza kubatwa nehope kwava kukotsira. Anotozomutswa naFadza uyo anoudza kuti vakarambana naMugadzi zuro wacho. Fadza anoshamisika achinzwa izvi, Sekai ndokumuudza kuti padiki-diki akapotsa aponda Lily.

Sekai anopinda mubhavhu ndokugeza kwava kupihwa rimwe remarokwe aFadza kuti apfeke. Achibvunzwa kuti zvaati haachodzokeri kwaMugadzi iye anoti haachamudi asi zviri kumurwadza ndezvekuti upfumi hwese ari kusiyira Lily. Achatoona kuti angaita sei kuti awane imwe yemari.

Zvembatya anoti achatombomira kusvika shungu dzaMugadzi dzapera, atanga ambozivisa baba naamai kuti nyaya isamunetsa mazuva anotevera. Anotizve ane zano rake richada vanhu vaviri kana vatatu kuti ribudirire ndokumutaurira zano racho izvo zvinoita kuti Fadza anyemwerere.

Fadza anotsigira zano iri achiti Sekai akabatanidza nemazana masere aanawo anogona kuwana chokubata. Vanogona kubatanidza neyaanayo vomutsa kabhizhimusi kavo.

Panopinzwa nyaya yaRobby zvichinji ari kutambudzika nekusaona Sekai, zuva rose ropera vachikurukura nyaya dzezvikomba zvavo, vachinwa doro. Roddy naRobby vanozosvika manheru vanhu vatodhakwa usiku uhwu, Fadza akafunga kuita kamuchato kekubatanidza Sekai nechikomba chake.

Vaneta nekutandara, Sekai naRobby vanobuda voenda kuSoutherton pava pakati pohusiku. Roddy naFadzi vakasara zvavo vari mumba mavo.

Sekai anodzoka mangwana akagukuchira tunonaka twaaive atengerwa naRobby. Iye zvino Sekai anoti ava kuda kunakirwa kusvika pokupedzisira aone kushainira Mugadzi.

Kumusha Sekai anoti anoenda neMugovera uyo unosvika ndokubva apfeka zvinonwisa mvura. Varume vazhinji vanotya kumutanga. Anotenga mabhodhoro maviri ehwahwa ndokutanga kunwidzana nakondakita kusvikira agara kumberi navanamutyairi vachikurukura zvavo.

Kondakita anomunyengerera kuti asaburuke vaende vose kwaidzokera bhazi mwana wemunhu achishamisika pakati pevanhu vekumusha vaaiona sevakapusa chaizvo. Mangwana acho bhazi rodzokera Harare ndipo paanosiiwa pacheteshi chepamba pavo, mwana wemunhu achifara chaizvo nekuti ave kuita zvaanoda pasina anomubvunza.

ONGORORO:

Munyori anoshandisa musambo uya wekumboturika pfungwa dzemuverengi mumhepo ove nemibvunzo yakawanda yekuda kuziva zviri kutora nzvimbo (suspense). Papeji 92 tinoona musambo uyu uchiita basa rawo. Sekai ane zano rake raanotaurira Fadza asi haariduri pachena izvo zvinoita kuti muverengi arambe achida kuverenga nyaya dzamara asvika kumagumo nayo nekuti anenge ava nehavi yekuda kuziva (interest).

Tichaverenga zvinoitika papeji 87 kunyanya mazwi aSekai okuti, “. . . ndanga ndatumwa nababa kuzotenga mbeu negejo, zvino mari yose yandapihwa yabiwa. Kana mari yebhazi handina izvozvi.

(Enderero mberi svondo rinotevera.)

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>