Selborne Routledge: Vanotsvunha chikoro

24 Jun, 2016 - 00:06 0 Views
Selborne Routledge: Vanotsvunha chikoro

Kwayedza

VANA vepachikoro cheSelborne Rouledge School, muguta reHarare, vari kusimukira zvinonwisa mvura muzvidzidzo zvavo, kunyanya Shona.Izvi, sekutaura kwechikoro chine mukurumbira ichi, zviri kuitika kuburikidza nekushandisa kwevana ava bepanhau reKwayedza muzvidzidzo zvavo, iro rine chikamu chakananga kubatsira vadzidzi kubva kupuraimari kusvika kusekondari.

Mukuru wechikoro ichi, Mai Getrude Katena, vanoti vakaona zvakakodzera kuti vashandise Kwayedza muzvidzidzo zveShona.

“Takatanga kushandisa bepanhau reKwayedza mushure mekuona kuti vadzidzi vakange vave kudzokera kumashure muzvidzidzo zveShona. Saka kuburikidza nekushandisa bepanhau iri, tiri kuona shanduko huru.

“Vadzidzi vave kugona kunyora rondedzero dzakadzama uye vamwe vave kutofarira Shona yacho zvakanyanya kupinda zvimwe zvidzidzo zvakaita sechiRungu,” vanodaro Mai Katena.

“Kubvira mugore ra2012 kusvika 2014 vana vepano vaibudirira ne100% muchidzidzo cheShona pabvunzo dzavo dzeGrade 7. Mugore ra2015 chikamu chekupasa chakati dererei kuenda pa99,3%, zvinova zvisina kutifadza.

“Ndiko kusaka takaona kuti tinofanira kusunga dzisimbe tichibva tatanga kushandisa Kwayedza muzvidzidzo zvedu.

“Tinofara zvikuru nekuti tine mubairo watakawaniswa neKwayedza, mubairo wekugona kushanda pamwe mukusimudzira mutauro waamai,” vanodaro.

Zvakadaro, zvinoratidza kuti kupaswa kwezvidzidzo zvose zvinonyorwa pabvunzo dzeGrade 7 (overall pass rate) muna 2011 vadzidzi vepachikoro apa vakabudirira nechikamu che93,2 %; 2012 (98,6%); 2013 na2014 (99,25) kuchizoti muna 2015 vakaenda pa98,6%.

Vanoti muna 2016 vari kutarisira kudzokera pa100% muchidzidzo cheShona pabvunzo dzeGrade 7.

Mai Katena vanoti pachikoro chavo vadzidzi vanoitawo mitambo yakasiyana inosanganisira nhabvu, netball, rugby, cricket, tennis, hockey, volley ball, handball nekutuhwinha izvo zvinoita kuti miviri yevana igare yakagwinya.

“Mitambo inosimbisa muviri uye inoita kuti vana vagozokwanisa kuwana mabasa apo vanozove vatambi mune ramangwana.”

Mai Katena vanoti munguva pfupi yadarika, vamwe vana vepachikoro chavo vakaenda kunokwikwidza kumitambo yehand ball kuZambia izvo zvinopa mikana yekuti vaonekerewo zvipo zvavo kune dzimwe nyika.

 

Share This:

Sponsored Links