Seluk oparira Toure

30 Sep, 2016 - 00:09 0 Views
Seluk oparira Toure

Kwayedza

YAYA Toure (33) akaudzwa kuti haana remangwana kuManchester City kunze kwekunge akakumbira ruregerero nekuda kwemashoko akataurwa nemumiriri wake.Pep Guardiola akataura izvi mushure mekunge atsamiswa nemashoko akataurwa naDimitri Seluk achimushoropodza zvichitevera kumusiya kwaakaita muchikwata cheCity cheChampions League.

Seluk akataura kuti Toure, uyo akahwina mubairo weAfrican Footballer of the Year kana, akanyadziswa naGurdiola, asi ndokuti mutambi uyu akange asiri kuzobva kuchikwata ichi.

Toure akasendeka kutambira nyika yake yeIvory Coast svondo rino. Mwaka uno angotamba kamwe chete mumutambo weChampions League apo City yakasangana neSteaua Buchurest.

Svondo rino, apo City yaigadzirira kusangana neSwansea mumutambo weEFL, Guardiola akabuda pachena kuti hapana chaizoshanduka panaToure.

Akati: “Zvainge zvakaoma kumusiya muchikwata cheChampions League, zvakaomarara. Ndinomuziva, ndinomuziva munhu akanaka, akanakisisa asi zviripo ndozviripo.

“Asi zuva iro maneja wake akataura zvaanoda, kubva ipapo Yaya takabva tamubvisa.

“Enda kuvatori venhau unokumbira ruregerero kuManchester City pakutanga, wokumbira ruregerero kune vamwe vake vaanotamba navo wozoti murairidzi wako.

“Kana akazviita Yaya achawaniswa mikana yakafanana nevamwe vose kutamba.

“Handimbode semurairidzi maneja angofunga kuti mutambi wake haasi kutambiswa omhanya kumapepanhau kunotaura zvaanoda, zvimwe zvisingaite.

“Handingambofunge panguva yangu ini, mumiriri wangu pandaitamba nhabvu omhanya kuvatori venhau otaura zvaanoda pamusoro paJohan Cruyff pamusoro pezvino neizvo.

“Pamwe kuda kwekuti tave munguva yasiyana, asi ini ndiri wekare. Ndiri mudhara akura uye ndinoita zvekare zvaiti murairidzi ndiye anoziva kuti vatambi vake vanotamba sei.

“Mamaneja emazuva ano anofunga kuti ane yose.

“Kana pane zvausiri kufara nazvo fonera Txiki Begiristain chamangwiza wechikwata chino motaurirana. Kana akasataura, Yaya haasi kuzotamba.” – Sky Sports News.

 

Share This:

Sponsored Links