‘Shandisai makondomu’

24 Feb, 2017 - 00:02 0 Views
‘Shandisai makondomu’

Kwayedza

. . . 100 miriyoni akagoverwa muna2016

Muchaneta Chimuka —
MAKONDOMU anosvika 105 miriyoni evanhurume nevanhukadzi akagoverwa munyika yose gore rapera nedonzvo rekuti ashandiswe mukudzivirira kutapuriranwa kwezvirwere zvepabonde pamwe nekuronga mhuri.

Izvi zvakaziviswa svondo rapera nemutevedzeri wegurukota rezveutano nekurerwa kwevana — Dr Aldrin Musiiwa — pazuva rekucherechedza kukosha kwemakondomu, reInternational Condom Day, muHarare.

Mhemberero idzi dzaitsigirwa nesangano rePopulation Services International (PSl) uye dzakaitwa pazuva rimwe chete neValentine’s Day.

Dr Musiiwa vanoti kushandiswa kwemakondomu kwakakosha zvikuru sezvo kuchibatsira mukuderedza huwandu hwevanhu vari kutapurirwa utachiona hweHIV munyika.

“Mugore ra2016 chete, takagovera makondomu 105 miriyoni tikakwanisawo kuunza makondomu matsva emhando dzakasiyana — kusanganisira banana, strawberry nevanilla – uye pamberi apa tiri kubura mhando yematemba. Nekuwanda kwemhando idzi, hationi chikonzero chekusashandisa makondomu esarudzo yako,” vanodaro Dr Musiiwa.

Vanoenderera mberi vachiti, “Ndinofara zvikuru kuti zuva iri rabatana nereValentine’s Day saka panguva yatinofara tichipanana rudo tinoona zvakakosha kuti tinge tichiratidzanawo rudo rwekuchengetedza utano hwedu hwepabonde. Kana uine rudo nemudikani wako, haukanganisi utano hwake.”

Vanoti zuva reInternational Condom Day rakadzikwa makore akawanda adarika nechinangwa chekupa veruzhinji chenjedzo maringe nemashandisirwo emakondomu uye kukosha kwawo mukudzivirira zvirwere zvepabonde, zvikuru utachiona hweHIV.

“Zimbabwe yakakwanisa kuderedza huwandu hweHIV nekuti kuma1990 huwandu hweutachiona uhwu hwakange huri pamusoro pe27% — asi nekuda kwemushandirapamwe nemapoka akasiyana mukurwisa HIV kuburikidza nekuwaniswa kweveruzhinji ruzivo, kupangwa mazano, kuvhenekwa nekushandiswa kwemishonga yemaAnti-Retroviral Drugs (ARVs) uye makondomu — takaona utachiona uhwu huchiderera zvikuru,” vanodaro.

Makore adarika, vanodaro Dr Musiiwa, zvinhu zvaionekwa sezvinonyadzisa kuti vanhu vawanikwe vachikurukura nezvemakondomu nekuti zvainzi hazvifambirane netsika nemagariro evanhu.

“Tinotenda zvikuru sangano rePSL nekukusha mashoko emakondomu pasina kutya kana kunyara vachizivisa nezvemaProtector Plus Condom. Asi, pachine dambudziko nekuti kune vamwe vanhu vachiri kunyara kuonekwa vachitenga makondomu muzvitoro kana kuatora paanogoverwa.

“Makondomu evanhurume ari kushandiswa zvakasimba asi dambudziko nderekuti hatisati tave neruzivo rwekuona kuti ari kushandiswa chaizvo mangani sezvo tinongova nehuwandu hwemakondomu akagoverwa kuvanhu,” vanodaro Dr Musiiwa.

Zvisinei, vanoti vanoshushikana nekusashandiswa kwakanyanya kwemakondomu evanhukadzi zvisinei nekuti akaunzwa senzira yekuenzanisa mikana pakati pavo nevanhurume munyaya dzekudzivirira kupararira kwezvirwere zvepabonde pamwe nekuronga mhuri.

“Muna 2016, takabura mhando yemakondomu matsva emadzimai, eNew Cupid Female Condom, uye tinovimba kuti achashandiswa nemazvo.

“Ongororo yedu inoratidza kuti huwandu hweHIV hwakanyanya huri pakati pevanhu vari muwanano, nekudaro pachiri kuda dzidziso yakasimba kuti makondomu ashandiswe muwanano senzira yekudzivirira kutapurirwa kweHIV kuvana vari mudumbu kana kuvanhu vaye vanoti mudzimai anenge aine utachiona murume asina (discordant paterners),” vanodaro.

Dr Musiiwa vanokurudzirawo kushandiswa kwedzimwe nzira dzekudzivirira kupararira kweHIV sekuchecheudzwa nekuwaniswa kwemishonga yemaPre-Exposure Prophylaxis.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey