Sharon Kwinjo: Shasha yepaArundel Girls High

15 Aug, 2014 - 00:08 0 Views
Sharon Kwinjo: Shasha yepaArundel Girls High

Kwayedza

Ed3

Sharon Kwinjo

Nyasha Mutena
MUMWE wevana vakadadisa nguva pfupi yadarika mumakwikwi eHarare Provincial Merit Awards nekupihwa mibairo zvichitevera kubuda kwaakaita nezvibodzwa zvinonwisa mvura mubvunzo dzeO-Level dzegore rapera, anoti vana vechikoro vanofanirwa kushanda nesimba muzvidzidzo zvavo kuti vagove neramangwana rakajeka.

Sharon Kwinjo, uyo ari kuita Form 5 paArundel Girls High, akabuda nemaA oga-oga mubvunzo dzegore rapera dzeO-Level muzvidzidzo zvinoti Biology, Chemistry, Physics, Accounts neEnglish Literature.

Ari kuita zvidzidzo zveBiology, Chemistry, Accounts neMathematics.

Vamwe vanasikana, anodaro Sharon, vanotadza kubudirira mudzidzo nenyaya yekubvuma kufuririka nokudaro vanofanira kutsvaga shamwari dzakanaka dzisingavakurudziri kuita misikanzwa inovakanganisa fundo.

“Kushanda nesimba ndiko kunodiwa kuti munhu ubudirire zvakare imwe nyaya ndeyekufurirana.  Ndinosangana nevanhu vanoda kufurira muupenyu asi chinhu chakakosha kusabvuma.

“Ziva kwaunobva munhu ndiko kuti usimukire,” anodaro Sharon.

Anoti anongoshandisa nharembozha pakupera kwesvondo chete izvo zvinomupa nguva yakawanda yekuverenga mabhuku kusiyana nevamwe vana vechikoro avo mazuva ano vanogara vari panhare nguva dzose.

Anoti anoda kuzoita basa rine zvekuita nemainishuwarenzi, rehuActuary kana achinge apedza zvidzidzo zvake zvekuyunivhesiti.

 

Share This:

Sponsored Links