shasha dzedembare

27 Feb, 2015 - 00:02 0 Views
shasha dzedembare Japhet Mparutsa

Kwayedza

Japhet Mparutsa

Japhet Mparutsa

Charles Mabika
MUPEPANHAU reKwayedza resvondo rapfura, pane nyanzvi mbiri dzaimbotambira chikwata chenhabvu cheDynamos – George Shaya naFreddie Mkwesha – avo vakadoma vatambi 11, avo vavakati ndidzo dzakave shasha kubvira pavakambwa chikwata ichi mugore ra1963 kusvikira pari zvino.

Timu yakadomwa naGeorge naFreddie ndeiyi: George Shaya, Moses Chunga, Gift Muzadzi, Leo Ntawatawa, Kembo Chunga, Oliver Kateya, Tonderai Ndiraya, Misheck Chidzambwa, Kenneth Jere, David Mandigora, Edward Katsvere.

Nyaya iyi yakanakidza zvikuru ikavamba mutauro mumativi mana enyika yose, apo vatsigiri veDynamos vaiitisana nharo panyaya iyoyi.
Iniwo, semunhu akaona vatambi vakasiyana-siyana vechikwata ichi, ndakazofungawo zvekudoma avo vandingati ndivo vakamuka chibhebhenenga mumakore agara achitambwa mutambo uyu ne“Glamour Boys” kana kuti “Dinamo DeMbare”.

Hedzinoi shasha dzangu, dzichitamba inodaidzwa kuti 4-4-2:
Goalkeeper: Japhet Mparutsa.
Defenders: Danny Thomas, Steven Chimedza, Sunday Chidzambwa, Oliver Kateya.
Midfielders: George Shaya, Moses Chunga, David Mandigora, Shaw Handriade.
Forwards: Freddie Mkwesha, Edward Sadomba
Substitutes: Washington “Sekuru Gudo” Arubi, Kenneth “Computer” Jere (mushakabvu), Angirayi “Durawall” Chapo, Edward “Madhobha” Katsvere (mushakabvu), Ernest “Nyamuzihwa” Kamba, Tauya “Flying Doctor” Murehwa, Misheck “Scania” Chidzambwa.

Hedzinoi nhoroondo dzevatambi 11 vekutanga vandadoma ava:
Japhet “Short Cat” Mparutsa – Muchinda uyu ainhonga bhora zvaipedza mate mukanwa. Pane vaongorori vakawanda avo vanoramba kuti Bruce Grobbelaar haasiriye “katsi” yemandorokwati kubva munyika muno . . . ndi“Short Cat”. Japhet ndiye akave nenguva yakarebesesa kupfura vabati vose vemuno achingove No.1 wemaWarriors – kubva 1982 kusvikira 1992.

Danny “Bricks” Thomas (mushakabvu) – Kunyangwe ndisina kumuona ini achitamba, ndakanzwa kuti mutambi uyu, uyo aitamba ari kurudyi kwedefence, akanga asinganzvengeke uye Dynamos yaiti kana yoenda mberi, aitumira ma”cross” akatsetseka. Akambovazve captain weDynamos kuma1960s.

Oliver “Monitoring Force” Kateya (mushakabvu) – Uyu aive nyanzvi pane dzimwe nyanzvi panyaya yekumhanya nekutumira ma”cross” emandorokwati achibva kuruboshwe. Akatanga achitamba kumberi, uko aitsemura mambure zvakagozha.

Steven “Faka Simbi” Chimedza (mushakabvu) – Zita remadunhurirwa iri rakabva mukuti akambenge ari nhengo yemapurisa, achitambira Police FC, asati auya kuDynamos. Mutambi uyu akanga ari murefu, akasimba uye ari keputeni, achitamba pakati kumashure.

Sunday “Mhofu” Chidzambwa – Kuti mutambi wechimwe chikwata wemberi apfure paari, aitotanga akumbira! Mutambi uyu, uyo aitamba ari pakati kumashure, akanga akagwinya uye hapana bhora remudenga raimupfura.

George “Mastermind” Shaya – Vaongorori vakawanda vanobvumirana kuti uyu ndiye mazvikokota ari pamusoro-soro pakutsika chikumba muno munyika kwemakore ose kubva nhabvu yatanga kutambwa muno.

Bhora rake raive repfungwa, kungwara, ne”kutanyera” . . . saka akazopihwa zita remadunhirirwa rekuti “Mastermind”. Pamapena, hapana mubati wepagedhi aiti bufu akatarisana naye. Uyu ndiye aive Godobori weDynamos!
Moses “Razorman” Chunga – Mutambi uyu aikwanisa kutambazve achibva kurudyi kana kumberi.

Aiita kucheka sereza. Kuzoti kuridza nyere ari kure-kure, akanga ari chikwapuro. Aivazve nekamusambo kekumira pamusoro pechikumba (bhora), izvo zvainakidza vatsigiri vake.

David “Yogi” Mandigora – Ndiye murairidzi weDynamos mazuva ano. Uyu aishanda pakati penhandare semvura yemubvumbi! Aifarirawo kubatsira vatambi vemberi kana Dynamos yosandura magiya.

Zvekurovawo ari kure negedhi achizama noto aizvipira.
Shaw “Kojak” Handriade (mushakabvu) – Uyu ndiye mumwe akanga asinganete uye panyaya yekumaka achitora chikumba zvakatsvinda, kusvika nanhasi handifunge kuti pane mumwe muno munyika aitora bhora sa“Kojak”. Mibobo airova zvakare . . . mugore ra1977, akabura mvema ichinomwa kubva pakati penhandare apo pakatamba Rhodesia neSouth Africa muRufaro pamutambo wehushamwari uyo wakapera ari mangange 1-1.

Freddie “mark Makwesha!” Mkwesha – Zvinonzi izvo pakanga paina goalkeeper wechikwata cheTornados, icho chaigaronetsana neDynamos nguva dzose. Ainge ari wechiChena, ainzi John “Seke Muchena” Humphries, uyo aitya Freddie zvakanyanya zvekuti aiti akangoona bhora ratsikwa naFreddie, aibva adaidzira kune vamwe vake kuti: “mark Makwesha”!

Edward “Duduza” Sadomba – Vakuru vakati: “Chiri mumusaka chinozvinzwira”. Iyi ndiyo ndege yepasi uye chikwapuro pakunzvenga nekupfapfaidza chikumba chichipfuura magoalkeeper chakananga mumambure. Nanhasi, “Duduza” ari kungoshura mare ari kuLibya.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey