Shasha dzekarate dzobandana

17 Oct, 2014 - 09:10 0 Views
Shasha dzekarate dzobandana

Kwayedza

SANGANO reZimbabwe Karate Union riri kuronga mutambo weChampion of Champions wevatambi vachiri kusimukira uyo uchaona shasha ichahwinha ichawana mukana wekunomirira nyika kumakwikwi ekunze.
Gore radarika, mutambo uyu wakahwinwa naShadreck Chigombe uye aifanirwa kunge akanomirira Zimbabwe mwedzi yadarika kuDurban, kuSouth Africa asi haana kuzokwanisa kuenda sezvo achinzi akawana rimwe basa kuBulawayo uko kwaave kusevenza. Munyori mukuru weZKU, Sensei Stephen Charandura, anoti mutambo uyu wakakosha sezvo uchibatsira sangano ravo kuvaka tarenda revatambi vachiri kusimukira.

Anoti vatambi vacharwa pamutambo uyu vachabva kumapurovhinzi ese emunyika avo vakanyoreswa kusangano ravo.
“Mitambo yedu yese yekunze yakapera yegore rino saka izvezvi tave kumhanyisana nekuronga mutambo weChampion of Champions uyo uchaona vatambi vakawanda vemuno vachibikana zvakasimba.

“Havasi kungorwa chete sezvo apa vachange vachirwira hushe hwekuve shasha yemuZimbabwe yose.

“Mutambi anohwina pamutambo uyu anenge azvihwinira tikiti rake rekunorwa kumitambo yakawanda yekunze kwenyika,” akadaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>