Shasha pamapena >Shaya, Chunga naStix vaive pamberi >Asi Muparutsa yaive katsi pakuabata

27 Mar, 2015 - 00:03 0 Views
Shasha pamapena >Shaya, Chunga naStix vaive pamberi >Asi Muparutsa yaive katsi pakuabata Mufananidzo wa1985 uyu unoratidza mubati wechikwata cheBlack Rhinos Japhet “Short Cat” Muparutsa akabata samare pamutambo weNatbrew/Zifa Cup.

Kwayedza

Mufananidzo wa1985 uyu unoratidza mubati wechikwata cheBlack Rhinos Japhet “Short Cat” Muparutsa akabata samare pamutambo weNatbrew/Zifa Cup.

Mufananidzo wa1985 uyu unoratidza mubati wechikwata cheBlack Rhinos Japhet “Short Cat” Muparutsa akabata samare pamutambo weNatbrew/Zifa Cup.

Abel Ndooka
MUMUTAMBO wenhabvu vatambi vakasiyana vanogona kuita mukurumbira nekuda kwezvinzvimbo zvavanenge vachitambira vari zvakaita sekuva mubati wepagedhi, chivharo chaicho kuvatambi veshure, kuziva kunwisa kana kuti kugona kurova bhora remugadzikirwa, aya anonzi mapena.
Kurova mapena munhabvu chiremerera chikuru zvekuti chikwata chimwe nechimwe chinotogadza mutambi wacho, uyo wachinoona kuti uyu haafe akapotsa kana kubatirwa pena. Ndokusaka iya mitambo inosvika kumapena kuchisarudzwa nyanzvi. Zvinobva zvaunza mutambi wechikwata cheLiverpool, kuEngland, Mario Balotelli, uyo akanetsana nemukuru wechikwata musi uyu, Jordan Henderson, pamusoro peaifanirwa kurova pena pavaitamba neBesiktas yekuTurkey mumutambo weEuropa. Vose vaida kurova asi Mario akabvuta ndokubva anwisa.

Mutambi uyu akambonetsanazve naSamuel Eto vachitambira Inter Milan. Didier Drogba akambozviita zvekare apo akanetsana naMichael Ballack kuChelsea.

Chikonzero ndechokuti kune vatambi vanotozivikanwa kuti ishasha, ndivo zvitopota pakuzunguza mambure kana riri bhora remugadzikirwa, mapena.

Kwayedza svondo rino yakagara pasi naCharles Mabika, uyo anove shasha yekuongorora nhabvu yemuno, ndokudoma vatambi vaizunza mambura kudarika vamwe kana pari pamapena. Pakadomwazve “kasti” dzaibata mapena kudarika vamwe vose kana vari pakati pemapango.
Hevanoi vatambi vashanu vainwisa mapena nevabati vepagedhi, semaonero aMabika

1) George Shaya (Dynamos): Mastermind akatambira Dynamos kwemakore akawanda uye panguva iyi ndiye airova mapena kuDeMbare. Mastermind akarova 29 mapena akanwisa 28, imwe chete ndokubatwa naLaban Kandi uyo aibatira Rio Tinto. Kandi akazobva kuRio Tinto akanobatira DeMbare.

2) Moses “Bambo” Chunga (Dynamos): Pese panowanzotaurwa nezvaMastermind hapashaye kutaurwa zita raBambo kana kuti Razorman. Chunga panguva yake kuDeMbare akarova mapena 21 akakwanisa kunwisa 20, imwe chete ikabatwa uye hapana yaakahwisvura gedhi.
3) Stanford “Stix” Mutizwa (CAPS United): Stix sezita rake remadunhurirwa aitamba nhabvu yainwisa mvura uye achinzvenga zvikuru. Panguva yake ari kuKepekepe, Stix akanwisa 15 mapena ndokubatirwa imwe chete naBrenna Msiska mugore raanga abva, ave kuBlack Rhinos.

4) Dumisani “Dr” Nyoni (Highlanders): Dr Nyoni kana kuti “Savimbi” aityisa achibva kuruboshwe nebhora uye aive shasha pakurova remugadzikirwa. Panguva yaakatamba, Savimbi akanwisa 18 mapena ndokubatirwa maviri chete.

5) James Robertson (Chibuku Shumba): Topsy akanwisa mapena ake ose ari 14 aakarova.

Ava ndivo vabati vepagedhi vashanu vakaita mukurumbira uye vamwe vacho vachiri kuenderera mberi nezvidobi:
1) Japhet Muparutsa (Dynamos): Muparutsa yaive “katsi” yaibata bhora zvainwisa mvura. Akabata mapena akawandisa zvikuru kuDeMbare, Black Rhinos pamwe nekumaWarriors. Mugore ra1985 paakange ave kubatira Black Rhinos achangobva kuDynamos, Muparutsa akashamisa vatsigiri venhabvu paakabatira Henry “Beefy” Chari pena apo zvikwata izvi zvaikwikwidza mumutambo weNetbrew Zifa Cup Final, uyo wakazopera uri mangange 1-1.

2) Tafadzwa Dube (Harare City): Dube asati aenda kuHarare City gore rino vazhinji vachiri kurangarira achibata mapena akawanda kuCAPS United pamwe nekuFC Platinum. Mwaka uno maziso mazhinji achange akamutarisa kuchikwata chake chitsva ichi.

3) Cosani Sibanda (Wankie Mine): Sibanda aive nemukurumbira pakubata mapena. Aibatira zvekare maWarriors. Mwana wake, Timothy, anotambirazve Hwange Mine FC.

4) Tapiwa Kapini (Highlanders): Kapini akaita mukurumbira achibata mapena kumaYoung Warriors uye nekuHighlanders. Pari zvino ari kutambira kuSouth Africa uko anozivikanwa nekubata zvinonwisa mvura. Kana kurova mapena anorova.

5) Musa Muzanenhamo (Zimbabwe Saints): Mushakabvu Muzanenhamo yaive shasha pakubata mapena uye ainwisa zvekare mapena kuchikwata ichi.

Vaverengi tumirai mazita evatambi vamunofunga kuti ndivo shasha pakurova mapena kana kuti kubata bhora remugadzikirwa pagedhi panhamba dzinoti: +263 714 200 007.

Share This:

Sponsored Links