Uncategorized

Shato dzodya sadza

23 Jun, 2017 - 00:06 0 Views
Shato dzodya sadza

Kwayedza

Kingstone Mapupu naOwen Madondo —
PANE mazinyoka mana — ehe 4 — ayo akakura zvekuti anogona kumedza kana munhu ari kuonekwa pedyo nezvikoro zviviri zviri kwaRusape apo anenge achiita mashura ekufamba akarumana miswe achinosvika pazvikoro izvi apo anodya sadza nemabhonzo zvinenge zvaasiiwa nevanhu.

Vagari vekwaRukweza, pasi paMambo Makoni vave kugara vakabatira hana mumawoko vachitya mikweshwa kana kuti misvesvenenga yeshato ina idzi, idzo dzinoonekwa masikati machena uye hadzitye vanhu.

Mazinyoka aya anogara pachuru chiri pedyo nezvikoro zviviri — Rukweza Primary neRukweza Secondary — izvo zviri panzvimbo imwe chete asi zvakangoganurwa nerwizi.

Mumwe mugari weko, Knowledge Kundidzora (19) wepamusha waMbiriri uyo uri pedyo nepachuru panobuda mazinyoka aya anoti zvikara izvi zvinobuda mumaziguru nguva dzakafanana — kuma9 nekuma10 dzemangwanani, kuma1 kana 2 dzemasikati nekuma4 dzezuva rodoka.

“Kubva pamba pandinogara kusvika pachuru chinobuda nyoka idzi panongova nechinhambwe chemamita zana. Vanhu vanotomukira kubva kudzimba dzavo vachizodziona padzinobuda, dzovandarira zuva uye hadzitye kana kuruma vanhu.

“Dambudziko riri pakuti dzinozotsvaga chikafu — sadza nemabhonzo mumaraini —kunyanya kudzimba dzematicha. Sepamba yatakavambirana nayo, dzinosvikapo dzichidya sadza nemakoko mugomba remarara,” anodaro Knowledge.

Diki yenyoka ina idzi inonzi yakareba mamita angadarika matatu asi hombe yacho ichidarika mamita mashanu kana matanhatu.

Nyoka idzi dziri kugara pachuru chakadziva pachikoro cheRukweza Primary uye dzimwe nguva dzinonzi dzinoyambuka rwizi rwaMutorahuku kuenda kuchikoro cheRukweza Secondary, uko dzinonotsvaga chikafu dzichidzoka.

Dzinonzizve dzinonwa mvura murwizi urwu dzisati dzayambuka.

Masikati emusi weChina svondo rapera, Kwayedza yakaona rimwe remazinyoka aya riri pachuru mane mazimwena kana kuti maguru apo papfumbira nekutsokodzerwa nezvikara izvi pamwe chete nevanhu vanombonodziona.

Vamwe vagari vepamusha wakavambirana nechikoro cheRukweza Primary vanoti vaoneswa nhamo nenyoka idzi, idzo dzavanoti dzinoenda pagomba ravanorasira marara apo dzinonodya zvavanorasirapo sesadza nemabhonzo.

“Nyoka idzi dzinonyanya kuenda pamusha waMbuya Mukombiwa apo panoroja vana vechikoro dzonodya chikafu chinoraswa mugomba. Pamwe pacho dzinorwira chikafu, mukazviona munotya imi,” anodaro mumwe murume uyo akakumbirisa kuti asadurwe zita rake nekutya sezvo achiti zviri kuitika izvi zvinechekuita nehuroyi.

Mbuya Agnes Mukombiwa (72) vemubhuku raGiyayi vanotsinhira kuti nyoka idzi dzanetsa pamusha pavo.

“Pandaiva kuHarare ndakazouya ndichinzwa nyaya yenyoka idzi. Ini ndinotodziona dzichidya sadza ratinorasira mugomba. Hatizive kuti inyoka rudzii dzinodya sadza, ndedzevaroyi idzi,” vanodaro.

Ruvarashe Nyemba (19) — anova mumwe wevana vechikoro airoja pamba paMbuya Mukombiwa — anotsinhira kuti nyoka idzi dziri kudya chikafu chinenge charaswa.

“Ini ndinobva kwaOdzi, kuNyamajura, saka ndakauya kuzopinda chikoro paRukweza Secondary izvo zvakaita kuti ndiroje pamba apa. Nyoka idzi ndaidziona, dzakatanga kuuya dziri mbiri dzichidya zvinhu mugomba iri, dzakazodzokazve dzava nhatu nedzimwe diki dzichiita zvimwe chetezvo.

“Hadzimbotya vanhu, kunyange vakasvika pedyo nadzo — dzinoramba dzichidya, dzotozoenda padzinodira,” anodaro Ruvarashe.

Musikana uyu anoti vadzidzisi vepachikoro cheRukweza Primary vakazomutora kuti vagare naye vachityira upenyu hwake.

“Ndinoti inyoka dzevaroyi sezvo ndisina kumbobvira ndakanzwa kuti nyoka inodya sadza,” anodaro Ruvarashe.

Pane mashoko akuti imwe yenyoka idzi yakambomedza mbudzi pachuru chadzinogara. Vagari veko vave kutyira kuti dzinogona kupedzesera dzamedza kana vana vadiki vanodarika nepachuru ichi sezvo paine kamugwagwa kanofamba nevanhu uyewo pane chibhorani chiri pedyo icho chinocherwa mvura neveruzhinji.

VaAmon Putseni vanoti mamiriro ezvinhu munharaunda yavo ashata nekuda kwenyoka idzi.

“Tave kutyira upenyu hwedu. Chishamiso chikuru madiro anoita mazinyoka aya chikafu chevanhu, kunyanya sadza. Ini ndakazvionera dzichidya sadza kudzimba dzematicha. Nyoka dzemusango hadzidye sadza, ndedzevaroyi idzi.

“Zvichida pava nekusawirirana pakati penyoka idzi nevaridzi vadzo avo vasiri kudzipa chikafu dzoguva dzave kufurufusha vanhu sezvadziri kutiita,” vanodaro.

Mumwe mugari wemubhuku raRukweza, VaMurasira Tangayi (48), vanoti pavakaona nyoka idzi kekutanga — idzo dzavanoti dzasvitsa mwedzi nechidimbu dzichiita mashura aya — vakaridzira nhare vebazi reNational Parks and Wildlife Management neveEnvironmental Management Agency.

Vanoti vakaudzwa neveNational Parks kuti vanoda $100 kuti vakwanise kunotora nyoka idzi. VaNisson Munhondo (22) vanotiwo nyaya yenyoka idzi inoda kugadziriswa pachivanhu, sangano reZinatha richitungamirira.

Sabhuku Giyayi, VaPattison Masango (68) vanoti vakatanga kunzwa nezvenyaya yeshato idzi kubva kumukuru wechikoro cheRukweza Primary — uyo akangozivikanwa saVaMadyambudzi — ndokuzonozvionera.

“Nyoka idzi hadzina wadzinorwisa. Nyaya iyi takaisvitsa kwaSadunhu Rukweza kukashevedzwa veNational Parks asi havana kuuya,” vanodaro.

Vanoti vave kutyira vana vekupuraimari apo pane vana vanodarika 300 sezvo chikoro ichi chiri pedyo zvikuru nepari kugara shato idzi.

“Vamwe vabereki vave kuronga kutobvisa vana vavo pachikoro ichi nekutyira upenyu hwavo,” vanodaro.

Kwayedza haina kukwanisa kutaura naVaMadyambudzi.

Zvakadai, pane svikiro remudunhu iri rinonzi Mbuya Mapiya riri kunzi rakashanyira Sadunhu Rukweza, VaJohn Rukweza (80), rikavaudza kuti vasavhunduke nekuda kwenyoka idzi richiti mucherechedzo wekuti pane chivanhu chinoda kugadziriswa.

“N’anga iyi isvikiro muno uye yakauya nezuro (musi weChitatu svondo rapera) ikawana sadunhu vasipo. Yakati shato idzi hadzisi dzevaroyi asi kuti mucherechedzo wechivanhu chakanganiswa chinoda kugadziriswa. Saka mhuri yose yekwaRukweza yakanzi iungane, igoonana nesvikiro iri votaurirwa zvekuita,” vanodaro Mbuya Rukweza avo vanove mudzimai wasadunhu.

Pakashanyirwa nzvimbo iyi neKwayedza, pachuru chiri kubuda nyoka idzi pakawanikwa pakaungana vanhu vaida kudziona.

“Vanhu vari kumukira pano vachiswera nekuvigirwa kudya vakamirira kuona nyoka idzi. Vamwe vanobva kunzvimbo dziri kure,” vanodaro Sabhuku Giyayi.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey