Uncategorized

Shavi rakabata parufu

31 Jul, 2014 - 08:07 0 Views
Shavi rakabata parufu

Kwayedza

MADZIMAI ainge arere parufu pane mumwe musha uri kwaShe Gwangwawa, kuRushinga, anonzi akadzvamuka achitiza nguva pfupi yadarika apo imwe chembere yaivepo yakatanga kushita senyoka nekuchema sebere ichimara-mara madziro emba.

Zvisinei, nyakubatwa neshavi uyu anoti “inotambika, uku kwaingova kurota bedzi”.

Mashura aya akaitika pamusha paKawonde, mubhuku raMushongahande, kwaMakachi apo pakanga pashaika baba vepo, VaEbious Kawonde (78), avo vakafira kuBulawayo.

Manenji aya anonzi akaitika mambakwedza emusi weeMuvhuro 14 Chikunguru apo imwe chembere (zita tinaro) yakangomuka pakati pevamwe ndokutanga kutsvanzvadzira ichibata-bata vaivemo, ichigwesha nemadziro nekumara-mara uye kutaura zvaisanzwisisika. Mbuya iyi inonzi yakabuda panze kwava kutevedza madziro vachiamara nekurira sezvinoita bere. Panguva imwe chete iyi, ambuya ava vairova madziro neshangu yavo yavaiva vakabata mumawoko.

Ruzhinji rwemadzimai aiva arere muimba iyi, inova yekubikira, rwunonzi rwakadzvamuka ndokumbotizira panze izvo zvakamutsa varume vainge vakakomba moto panze.

Pavakataurwa navo neKwayedza, mbuya ava, avo vanobva mubhuku raTasaravangani, havana kuramba kana kubvuma nyaya iyi vachiti vaisaziva chaizvo zvakatora nzvimbo musi uyu.

“Ndakaenda kunhamo uku uri musi weSvondo ndokunorarako kusvika Muvhuro kunze kwave kuedza.

Chandinoziva chete ndechekuti ndakatanga kurota ndichirwisana nemunhu ndichimuti ‘Satan, Satan, Satan’ apo ndaiva ndirere nemamwe madzimai, kusanganisira munin’ina wangu.

“Nyaya yekuti ndakamuka ndichibata madziro nevanhu ndakaitaurirwa nevanhu vaivamo vakazviona,” vakadaro.

“Zvekuti ishavi rehuroyi kana kuti chii ini handizvizive, muroora wepamusha apa ndiye anonzi akati vabatei vari kuita madzikirira.”

Vakaenderera mberi vachiti: “Handizive kuti kurota imhosva here uye kana mhosva ichiparwa nekurota hamheno.

Chitunha chakazosara chichiuya neMuvhuro wacho ini ndatobva zvangu ndadzokera kumba kunonwisa zvipfuyo mvura.”

Mbuya ava vanonamata pamwe chete nevekwaKawonde kuRoman Catholic uye vanoitwa muzukuru kumhuri yaiva yafirwa.

Vakaenderera mberi vachiti vane dambudziko rekumuka vachifamba husiku uye nekushevedzera vakakotsira vachitaura zvakasiyana zvisinei kuti havasati vambozvitsvaga kuti zvinokonzerwa nei.

Vakaramba mashoko ari kufambiswa ekuti pavakamuka kunhamo uku vakatakura mwana mucheche aivamo.

“Uyu munyama chaiwo nekusvibiswa zita rangu,” vakadaro.

Mai Vhenekerai Kawonde (65), vanova mudzimai wemufi, vanoti nyaya iyi vakazongoinzwa sezvo yakaitika apo ivo vaibva kuBulawayo nechitunha.

“Pakaitika nyaya iyi ndaisavapo nekuti ndaiva kuBulawayo, zvinondinetsa kuti ndiyani akasvitsa nyaya iyi kwamuri kuHarare. Munhu iyeye ane chekuita nekufa kwemurume wangu here? Ini ndichiri kuchema, ndine ronda mufunge.

Chinangwa chake munhu akakuudzai ndechei?” vakadaro vachichema.

Vakatsinhira kuti ambuya vanonzi vakabatwa neshavi ava vanopinda chechi imwe chete navo.

“Ini ndakangotaurirwa nemurume wangu achiri mupenyu kuti amai ava ihama yedu. Zvose zvakaitika hazvina mhosva, ndichiri panguva yekuchema,” vakadaro.

Mai Anastancia Bhaira Kawonde (32), vanova muroora pamusha uyu, avo vaivawo varere nemamwe madzimai pakaitika chiitiko ichi vakatsinhira nyaya iyi vachiti:

“Taivamo tirere naamai ava. Vakauya vachibata mawoko ndokurara nevamwe ini ndirimo. Kuma 4 kunze kwave kuedza amai ava vakamuka ndokutanga kufamba vachirova madziro nekuamara vachishita senyoka nekurira sebere. Vanhu vakavhunduka vakafungira kuti vaiva vabatwa neshavi uye chiitiko ichi chinogona kunge chakatora maminetsi kana makumi maviri vachingodaro izvo zvakazokonzera vamwe vanhu kutizira panze.”

Mwanakomana wepamusha paive nerufu, Zivai Kawonde (36), akatsinhira nyaya iyi.

“Nyaya iyi ndakainzwa ikandishamisa sezvo ndisina kumbobvira ndakazvinzwa mukurarama kwangu. Zvisinei, mutumbi wababa vangu wakazouya nyaya iyi yaitika tikazouviga neChipiri. Hamheno kana ari mashura handizive,” akadaro.

VaAgripah Matsa (51), vanova murume waMai Loveness Matsa, avo vanonzi vaivepowo parufu urwu, vanoti nyaya iyi vakainzwa.

“Mudzimai wangu akauya achitaura kuti kunhamo uku kwainge kwaitika chisionekwe chaambuya vakabatwa neshavi. Vanoti ivo vakazotiza kurara padyo naambuya ava vave kutya,” vakadaro.

Hanzvadzi yechembere yekubatwa neshavi iyi, (zita tinaro) inoti haina zvainoziva nekuda kwenyaya iyi.

“Ini kunhamo uku handina kukusvika nekuda kwemakumbo anorwadza. Imo muno mumusha taiva nenhamo mbiri uyewo mukoma wangu aiva afa zvakare kuMasvingo uko ndaida kugadzirira kukuenda,” vakadaro.

Vanoti dambudziko rehanzvadzi yavo, rekuvhumuka nekurotomoka rakatanga kare izvo zvinozivikanwa mudzinza mavo.

“Sisi vangu ava vakauya pano nemurume wavo (zita tinaro) vachibva kuChiweshe vachitamira kuno mugore ra1991 apo vaiva vatove nedambudziko iri. Handizive kuti zvakatanga sei ikoko sezvo akakura asina dambudziko iri,” vakadaro.

“Anomuka achifamba usiku nekuchema achiti ‘ndouraiwa’. Handizive kuti ishavi rekuroya here kana kuti chii, dzimwe nguva ndinotomuka usiku ndichinomugogodzera apo anenge achivhumuka,” vakadaro.

Zvisinei, vanoti dambudziko iri havana kumbobvira vakarifambira semhuri. Mbuya ava vanonzi vakatizwa nemurume wavo uyo anonzi in’anga uye asingazivikanwe kwakaenda.

Vachipawo pfungwa dzavo pamusoro penyaya iyi, Sekuru Friday Chisanyu vesangano reZimbabwe National Practitioners’ Association (ZINPA, vakati kune vanhu vazhinji vane mashavi ekuroya asi vasingazive kuti vanoroya.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey