Shaya odzora ndangariro

12 Sep, 2014 - 09:09 0 Views
Shaya odzora ndangariro

Kwayedza

SHASHA yakambonetsa mumutambo wenhabvu apo yaitambira Dynamos ‘DeMbare’, George Shaya, anoti nhabvu yemazuva ano yasiyana zvikuru nakare apo vaive nechido chekuumba mazita avo nekuti zvikwata zvavo zvihwine mitambo kwete kuda mari zvakadarikidza sezvave kuitwa nevamwe vatambi makore ano.

Kwayedza nguva pfupi yadarika yakawana mukana wekuita hurukuro naShaya, uyo aizivikanwa nezita rekuti “Mastermind”, apo aitandara zvake neshamwari yake Freddy Mukwesha paRayton Sports Club muHarare.

“Pachokwadi nhabvu yemazuva ano haichanakidze seyataitamba kare. Isu panguva yedu taikoshesa mutambo uyu zvikuru asi vatambi variko parizvino vanotungamidza mari pamberi, vane basa nemari havachakoshese mutambo uyu.

“Isu panguva yedu chinhu chikuru kwatiri chaive kutambira kuvaka mazita edu nekuhwinisa zvikwata zvedu kwete zvatave kuona izvi. Ndoziva hangu kuti zvasiyana nekare, asi zvakakosha chaizvo kuti vatambi vari kutiza vachienda kune dzimwe nyika varambe varimo muno nhabvu yedu isimbe zvikuru,” akadaro Shaya.

Shaya anoti akatanga kutambira DeMbare mugore ra1965 uye haazive kuti zita rake remadunhurirwa rekuti Mastermind rakatanga sei.

“Ini hangu handizive kuti zita iri rakabva kupi. Pandaitambira DeMbare ndakazongonzwa vanhu vachingonditi ‘Mastermaind’, ini ndakangozvitambira sezvo ndakazviona kuti vaiyemura matambiro andaiita nhabvu. Kusvika nanhasi ndini ‘Mastermind’ izita rine nhoroondo kwandiri,” akadaro Shaya.

Musharukwa uyu akazvarwa mugore ra1946 ndokukurira kuMbare.

Shaya anoti makore aakatanga kuita zvenhabvu akatambira zvikwata zvinoti Malawi Stars neMashonaland United izvo zvaikwikwidza muligi rainzi Salisbury and District African Football Association (SADAFA).

Makore aya, sekutaura kwaShaya, kwaive neainzi maBoys Club kunzvimbo dzinogara ruzhinji dzakaita seMbare, Mabvuku, Tafara, Mufakose neHighfields uko vechidiki vaienda kunotamba mitambo yakasiyana yakaita senhabvu, netball, swimming, cycling netsiva.

Makirabhu aya anoti akamubatsira zvikuru sezvo ari iwo akaumba tarenda rake kusvika ave mumwe wevatambi vakanetsa muZimbabwe.

“Handizive kuti zvichiriko here makore ano asi isu nguva yatakakura kwaive nemaBoys Club uko taienda kunodzidziswa mitambo yakasiyana tarenda redu richiumbwa.

“Ini ndakakurira kuMbare uye taiwanzoenda kuStodart Hall kana kuMai Misodzi Hall uko taitamba mitambo yedu yakasiyana.

“Izvi zvakandibatsira zvikuru nekuti ndipo pandabva ndawira murudo nekutamba nhabvu,” akadaro Shaya.

Kunyangwe hake aiva nechido nenhabvu, Shaya anoti vabereki vake havana kuzvifarira sezvo vaimutyira kuti aigona kukuvara kana “kuzokura oita rombe kana mbavha”.

“Ini kukura kwangu vabereki vangu vaisada kuti nditambe nhabvu nekutya kuti ndaizogona kukuvara, kuita rombe kana kuti mbavha.

“Baba vangu vaiti, ‘uchakuvara wotyoka gumbo iroro’, asi ini handina kuzvitererera ndakaramba ndichitamba nhabvu ndakashinga.

“Vakazoita zvekunzwa neshamwari dzavo dzekuchechi kuti ndine tarenda rinodadisa, vakauya kwandiri ndokunditi, ‘uchatyoka uye uchakura kuita mbavha iwe,” akadaro Shaya.

Zvakadaro, anoti gore raakazotengwa neDynamos ndipo apo baba vake pavakatanga kuzvitambira sezvo akange ave kukwanisa kuvatengera hwahwa hwemasese hwemugojo hwainzi ‘Amato’.

Makore aya kuDynamos kana chikwata chahwinha mutambi wese aipihwa 5 paunzi uye 2,50 paunzi kana vaita mangange.

“Baba vangu vakazosanduka apo pandakange ndave kuvatengera hwahwa hwemugojo hwainzi Amato uho ndaitenga kana tahwina kubhora.

“Hwini kuDeMbare taipihwa 5 paunzi kuita mangange taipihwa 2,50 paunzi uye yaive mari yakawanda.

“Zvaiita kunge ndiri kutenga baba vangu kuti vanditendere kutamba nhabvu asi zvakanga zvisirizvo, ini ndaingovaitira zvakanaka semwana wavo.

“Asi hupenyu hwedu panguva iyi hwakatanga kushanduka kudarika hwevamwe vaigara kumaraini kwedu vaishanda kumaindasitiri,” anodaro Shaya.

Zvakadaro, Mastermind anoti haafe akakangwa gore iro DeMbare payakatamba neOrlando Pirates yekuSouth Africa apo zvikwata zviviri izvi zvakasangana mumitambo miviri. Makore aya, Orlando Pirates yaitambirwa naJomo Sono uye mumutambo wekutanga wakatambirwa kuSouth Africa, DeMbare yakakundwa kunyangwe hayo yakazohwina zvine mutsindo muHarare kunhandare yeRufaro.

“Ndangariro dzangu handichazive makore acho asi mutambo wandisingakangwe ndeuyo watakazvambaradza Orlando Pirates yekuSouth Africa.

“Takaenda kuSouth Africa tikanokundwa hedu asi Orlando payakazouya kuno, aiwa takamhanya nebhora uye takaizvambaradza zvikuru. Orlando Pirates mazuva aya yaitambirwa naJomo Sono,” akadaro.

Panguva yaaitambira DeMbare, Shaya anoti akamboenda kuPortugal kunoyedza mhanza kuchikwata chainzi Boavista chekuPorto asi zvakaramba. “Vanhu vazhinji havazvizive, ndakamboenda kunozama raki rangu kuPortugal asi zvakaramba. Ndakangonzi tichakufonera asi nanhasi havasati vafona,” anodaro Shaya. Mushure mekunge Shaya asendeka shangu dzenhabvu, akatanga kushanda kukambani yeToyota Motors uko kwaakazosiya basa makore adarika achienda pamudyandigere.

Anoti zvekushanda muindasitiri akange azvijaira sezvo nguva yaaitamba nhabvu aiita mabasa maviri – nhabvu pamwe nekusenza mumaindasitiri. Parizvino Shaya inhengo yekomiti rebhodhi reDynamos FC uye akashora zvikuru nyaya yezvimbokoma zvakaitika pakati pevatambi vechikwata ichi, Murape Murape naRodrick Mutuma nguva pfupi yadarika. “Hazvina chimiro chakanaka zvinoshoresa zvikuru, kurwa vana vemumba imwe chete? “Dai anga ari mutambi wechimwe chikwata zvimwe taiti anyon’onywa naye, asi apa manje vaive vechikwata chimwe chete.

“Hatitarisire zvinhu zvakadaro, isu vamwe takasevenza nesimba kuvaka zita reDynamos FC manje vapfana ava vari kurisvibisa zvakadaro, hazvina kunaka,” akadaro Shaya. Parizvino Shaya ari kugara nemudzimai wake kuGlen Norah muHarare.

Share This:

Sponsored Links