Uncategorized

‘Shefu’ Akanokorwa Tsoka

08 May, 2015 - 00:05 0 Views
‘Shefu’  Akanokorwa Tsoka

Kwayedza

FOROMANI wepapurazi reAgri-Tiz Preston, kuNorton, anoti ayaura nekurwadziwa nemakumbo zvichitevera kunokorwa tsoka kwaanoti akaitwa nevamwe vaanoshanda navo nechinangwa chekuda kumutorera basa rake.

Kunokorwa tsoka kutorwa kwevhu repanenge patsikwa nemunhu iro rinonoshandiswa nemishonga nechinangwa chekuti nyakutsika wacho arware kana kukuvara.

Samuel William (44), uyo anoti asvitsa makore anodarika gumi ari “shefu” papurazi iri, haachakwanisa kushanda zvakanaka nekuda kwedambudziko remakumbo iro ramuwira.

Purazi iri riri pakati peSelous neNorton. Nyaya iyi yakatosvitswa kwaMambo Chivero, VaBrown Shopo, ikatotongwa apo vanhu vakanokora tsoka murume uyu vakabvuma mhosva yavo.

Jinda raMambo Chivero, VaSilent Kaseke (41), vanoti nyaya iyi haina kunyanya kuvanetsa sezvo vose vane chekuita nayo vakabvuma mhosva pasina kupedzera dare nguva.

“William aida kutorerwa huforomani nekurwariswa kana kuti nekufa apo akanokorwa tsoka yake. Zvinonzi ivhu rakanokorwa paakange atsika rakanogadzirwa nemishonga izvo zvakazoita kuti arware nemakumbo. Izvozvi mukamutarisa haagone kunyatsofamba,” vakadaro VaKaseke.

Foromani uyu, uyo ane vashandi vanokwana 31 vanoshanda vari pasi pake, anonzi akanokorwa tsoka yake naThompson Miti. Miti anonziwo akange atumwa nemumwe mudzimai anonzi Constance Chimirira, uyo anonzi akanga aburitswa basa papurazi apa izvo zvakamurwadza ndokubva aronga kupfidzisa William.

“Nyaya hombe yaivapo pakati paConstance Chimirira yaiva yekuti ainge amiswa basa, izvo iye akafungidzira kuti foromani uyu ndiye akanga akonzeresa. Saka semunhu aishaya mukana wekunokora ivhu iri, akazowana zano rekutuma vamwe,” vakadaro VaKaseke.

Mudare iri, Chimirira anonzi akazotaura kuti ivhu iri raiva rakasungirirwa mupepa repurasitiki uye ainge anorikanda mudhamu riri papurazi apa. “Constance akazonzi anofanirwa kubvisa mombe yekuripa munhu waakakanganisa uyu uyewo nekumuroyonora. Uyuwo Thompson akanzi akumbire ruregerero izvo akaita,” vakadaro VaKaseke.

Chikonzero chinonzi chakaita kuti Chimirira amiswe basa hachina kuzivikanwa, asi anonzi aipomerwa mhosva yekudanana nevakomana vechidiki vepapurazi apa zvinova zvakatsamwisa muRungu wepo.

Mudzimai uyu anonzi akamiswa basa mumwedzi waGumiguru gore rapera.

Muhurukuro neKwayedza, William anoti nyaya yekuti akanokorwa tsoka akainzwa nerunyerekupe apo airwara zvikazomuita kuti anomhan’ara kwasabhuku nyaya ndokuguma yasvitwa kwaMambo Chivero.

“Ivhu iri parakatorwa rakaendeswa kuna Constance uko akanoita zvaakaita. Mudare umu vose vakanzi vakumbire ruregerero kwandiri vakaita, vachiti waiva mweya wetsvina wakaita kuti vadaro,” akadaro William. William anoti pasi petsoka dzake nepaganda repamusoro panopisa zvekuti dzimwe nguva haagone kutsika kana kufamba uyewo makumbo ake ari kuzvimba achivava zvikuru.

Mudzimai wake, Susan Chasauka (35), anoti hakasi kekutanga kuti murume wake anokorwe tsoka sezvo zvakamboitika zvakare apo mumwe murume akanokora ivhu repaaiva akamira achibva aenda naro.

“Murume uyu akaenda nevhu iri ndikanozvitaura mukomboni pakashaya akabvunza murume uyu kusvika nanhasi. Iyi inyaya yechipiri zvinoratidza kuti murume wangu akabvirwa kare,” akadaro Chasauka.

Mamwe madzimai maviri akapindawo mudare iri achipa umboo, vanoti Moreblessing Majoni (25) anova mudzimai waMiti naManyara Chikoore (18), avo vanoti vakakumbirwawo naConstance kuti vabatsire nekunokora tsoka yaforomani uyu.

“Murume wangu ndiye akanokora tsoka yaforomani iyi asi Constance akambenge auya kwandiri achiti ndimubatsire kunokora tsoka iyi ini ndikaramba. Amai ava vakazoenda kumurume wangu Thompson uko vakanokumbira vakabvumirana achibva azviita ndokuendesa ivhu iri kuna Constance uyo akazoti ivhu racho akariendesa kumuroora wake uyo akaramba kuti akaripihwa,” akadaro Majoni.

Majoni anoti akazoenda kunotenga mbatatisi pamba paforomani uyu apo akabvunzwa nekuda kwenyaya yekunokorwa kwevhu retsoka yake inova nyaya yaitaurwa munzvimbo iyi.

Chimirira, uyo anova mudzimai waKhembo Miti, akatsenga-tsenga mukanwa apo akabvunzwa neKwayedza nezvenyaya iyi.

“Takashevedzwa kudare raVaChivero nekuda kwenyaya iyi, izvozvo chete ndizvo zvandingagone kutaura. Ndakanzi ndikumbire ruregerero kuna foromani ava nekuda kwechiitiko ichi izvo ndakaita ndikanzi zvakare ndipe mombe kuna foromani ava nekuvaroonora,” akadaro Chimirira.

Mudzimai uyu anoti akaburitswa basa nemuRungu wavo apo aive anetsana nemumwewo mushandi wepapurazi apa.

“Zvekuti ndakaburitsirwa basa nyaya yekunokora tsoka foromani handizvo. Kana zvekudanana nevana vadiki bodo. Nyaya yangu ndeyekuti ndakanetsana naYeukai zvikazoita kuti ndiburitswe basa, ndakashanda papurazi pano kwemakore 11,” akadaro. VaSteven Ngara (52), avo vanova mupurisa waMambo Chivero, vanoti vakapihwa basa namambo rekuti vapote vachinoona kuti hurwere hwaforomani uyu hwakamira sei.

“Sezvo zvichinzi ivhu rakanokorwa tsoka foromani uyu rakaendeswa kumuporofita weJohane Masowe yeNguwo Tsvuku uko rakanogadzirwa kuti arware, tiri kuti ngavadzokere ikoko vanoroyonora munhu uyu,” vakadaro VaNgara.

Kuburikidza nenyaya iyi, zvinonzi vanhu havachawirirana mukomboni apo vamwe vave kuvenga vakaburitsa nyaya iyi pachena kuna vaforomani uyu.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey