Shonhiwa haazi kumira

28 Apr, 2017 - 00:04 0 Views
Shonhiwa haazi kumira

Kwayedza

Abel Ndooka —
MUIMBI ari kusimukira munziyo dzechitendero — Martha Shonhiwa — anoti kuziva Mwari pamwe nekutendeuka kwaakaita achitanga kunamata ndiko kwakamutuma kuti atsikise mhanzi yemusambo wechitendero.

Shonhiwa, uyo achangobva kubura dambarefu rake rechipiri rinonzi Grace, anoti akawanirwa nyasha muhupenyu hwake sezvo ari munhu akakurira mumhuri inonamata.

“Ndakawanirwa nyasha muhupenyu hwangu uye ndinopa kutenda chaizvo kunaMwari sezvo ariye anonditungamira pazvese zvandinoita.

“Ini ndakakurira mumhuri inonamata inoziva pamwe nekutya Mwari saka zvakave nyore kuti nditange kuimba musambo wechitendero sezvo ndakakura ndichiimba,” anodaro.

“Vazhinji vanorangarira Shonhiwa nedambarefu rake rekutanga raakatsikisa mugore ra2012 rinonzi Ndauya Kuzomutenda iro rakanetsa nenziyo dzinoti Ndauya kuzomutenda naFambai neni.

Achatanga kuimba, Shonhiwa akamboshanda naPastor Takaneta Bandimba avo vakaita mukurumbira nekambo kanonzi Jesu idombo ari mutsigiri wavo ndokuzorumurwa akatanga kutsikisa mhanzi yake.

Muimbi uyu anoti akazvipira kushanda nevamwe vaimbi vemuno pamwe nevekunze kwenyika.

“Iye zvino ndave muimbi akazvimirira uye ndinotenda vamwe vandakamboshanda navo avo vakandirera kusvika pandiri iye zvino. Kuti ndisvike pandiri, ndakashanda nevamwe zvakanaka uye iniwo ndine chitsidzo chekuti ndichashanda nevamwe vaimbi vakasunguka vemuno pamwe nevekunze kuti tisimudzire shoko raMwari. Mhanzi iri mandiri, chikuru chandinongoda chete kuparidza shoko raJevovha wangu,” anodaro Shonhiwa.

Dambarefu raShonhiwa — Grace — riri pamusoro pehupenyu hwake hwekuwanirwa nyasha kwaanoti akaitirwa muhupenyu hwake naMwari.

“Dambarefu rangu idzva iri riri pamusoro pekuwanirwa nyasha kwandakaita muhupenyu hwangu kubva kumusiki wangu.

“Mhanzi iripo yakangofanana, inotaura zvimwe chete uye ndinoshuvira kuti vatsigiri vangu vachawanirwawo nyasha sezvandakaitwa inini,” anodaro Shonhiwa. Dambarefu — iro rine DVD zvakare — rine nziyo dzinoti Mighty God, Ebenezzer, My life, Makanaka Jesu, Rapha, Reach out, Ngobekezela naAlpha & Omega.

Share This:

Sponsored Links