Shoo yakatanga

28 Aug, 2015 - 00:08 0 Views
Shoo yakatanga

Kwayedza

SHOO yevarimi yeHarare Agricultural Show yakatanga svondo rino neMuvhuro uye ichaitwa kwemazuva matanhatu kusvika neMugovera.

Mushandi anodyidzana neveruzhinji kusangano reZimbabwe Agricultural Show Society (ZAS), Muzvare Heather Madombwe, vanoti kusvika nemusi weMuvhuro kuchikamu chezvipfuyo kwaive nevemakambani pamwe nevakazvimirira vaisvika 300 vaive vanyoresa kuzoratidza zvipfuyo zvavo.

“Rwendo rwuno kuchange kuchitengeswa mabhuru emombe nembudzi ukuwo kuchikamu chezvirimwa murimi achakunda vose achapihwa tirakita nekaravheta uyewo achatora chinzvimbo chechipiri achapihwa mudhudhudhu negenareta,” vakadaro Muzvare Madombwe.

Vanoti murimisi achakunda vamwe achapihwawo chipo chemudhudhudhu zvakare.

Miripo yekupinda mushoo iyi vanoti haina kusanduka sezvo vana vari pasi pemakore gumi nemaviri vanenge vachibhadhara US$1 uyewo vakuru vachibvisa US$5.

Muzvare Madombwe vakakurudzira vanhu kuti vaende kushoo iyi nehuwandu hwavo.

Gore rakapera nzvimbo dzakatorwa nevairatidzira zvinhu zvavo zvakasiyana dzaikwana 710 .

Vanoti vanhu vakapinda mushoo yegore rakapera vaisvika 178 000 iyo yakaitwa kwemazuva gumi.

Vaimbi vakaita saAlick Macheso, Jah Prayzah, Winky D, Leonard Zhakata, naMathias Mhere vanotarisirwa kuvaraidza veruzhinji pashoo iyi.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey