Shoo yeMarondera yorongwa

25 Jun, 2015 - 00:06 0 Views
Shoo yeMarondera yorongwa

Kwayedza

ACHANGE ari makuwerere kudunhu reMarondera nguva iri kutevera apo varimi vechidzimai vanenge vachiratidzira zvirimwa pamwe nezvigadzirwa zvavo zvemabasa emawoko pashoo yeMarondera Rural District Show Society.

VaNorman Siyakurima (53) avo vanove sahomwe weMarondera Rural District Show Society vanoti shoo iyi ichaitwa kubva musi wa6 Nyamavhuvhu kusvika 8.

“Madzimai ane shungu dzekuti mabasa avo ange achionekera uye vari kuita zvikukutu asi havana rutsigiro rwemari kuti vagadzirirewo zvipo zvevachakunda mumakwikwi aya. Kana tichiti zvipo hatirevi mari bedzi asi chero zvinhu zvinenge zvangowanikwawo nevakazvipira kuti tivape sekutenda mabasa ari kuitwa nemadzimai, tinotambira,” vakadaro.

Vanoti shoo iyi iri kukotsverwa nebazi rinoona nezvemadzimai nekuenzaniswa kwemikana uye mabhindauko evanhukadzi aya anoenderana nechirongwa chekuvandudza upfumi hweZimbabwe cheZim-Asset.

“Madzimai achange achiratidzira mabasa amawoko akadai sekusona zvipfeko zvakaita seAfrican Attire, kuruka, kubika, zvirimwa zvinopa utano nezvimwe zvakawanda,” vakadaro.

Zvakadaro, VaSiyakurima vanoti mamwe matambudziko ari kusanganikwa nawo nevanhukadzi mubasa ravo rekurima anosanganisira kushaya ruzivo rwakakwana maringe nekutsvaka misika yekutengesera zvirimwa zvavo mushure mekukohwa.

“Madzimai anorima zvikuru uye chishuwo chedu ndechekuti vatsigirwe pamwe nekupihwa ruzivo pamusoro pemisika yekutengesera zvirimwa zvavo kuti vakwanise kuendesawo vana kuchikoro,” vakadaro.

Vakachema-chemawo nenyaya yekuti mamwe madzimai ari kurima fodya ari kutsotswa zvirimwa zvavo kumisika nemakoronyera ayo anovatengera nemari yepasi nekuda kwekuti vanenge vasina ruzivo rwakakwana nezvinodiwa pakutengesa fodya iyi.

Vangade kubatsira mukubudirira kweshoo iyi vanogona kuridza nhare panhamba dzemunyori wesangano reMarondera Rural District Show Society Mai S Chihwayi dzinoti 0774 065 479.

Share This:

Sponsored Links