Silvia oenda kuPorto

26 May, 2017 - 00:05 0 Views
Silvia oenda kuPorto

Kwayedza

MARCO Silva (38) ari kuPortugal uko ari muhurukuro nePorto kuti agorairidza chikwata ichi, icho chisina murairidzi parizvino.

Silva – uyo ane chibvumirano mukondirakiti yake yekuti anogona kubva kuHull hunge ikaburitswa muligi – akati ari kutarisira kuzivisa remangwana rake munguva pfupi iri kutevera.

Porto yakapesana naNuno Espirito Santo, uye zviri kuzivikanwa kuti Silva, uyo akamborairidza Sporting Lisbon, ari muhurukuro dzekuti adzokere kuPortugal.

Murairidzi uyu akatadza kubatsira Hull kuti isaburitswe muPremier League zvichitevera kutsiva kwaakaita Mike Phelan. Mitambo mitanhatu yayakahwina yaigona kubatsira chikwata ichi kuti chisaburitswe asi izvi zvakakona zvichitevera kukundwa kwachakaitwa mumutambo wekupedzisira.

Vatsigiri vechikwata ichi vakamukurudzira kuti arambe ari pachigaro chinopisa ichi mushure memutambo uyo vakakundwa 7-1 neTottenham musi wekupedzisira wemwaka weEPl.

Asi akataura mutambo wapera kuti, “Ndinofanirwa kufunga nekuona kuti chii chaizvo chakandinakira, kwete kuchikwata ichi asi kwandiriwo ini neramangwana rangu. Ndinofanirwa kuronga. Chikwata chinofanirwa kuziva chotanga kuronga zvinhu zvakasiyana nezvachakaita mwaka wadarika. Zviri pachena kuti unotanga kuhwina kana kukundwa nemarongero amunoita mwaka usati watanga apo munenge muchironga chikwata chenyu. Ndinovimba kuti kupera kwesvondo rinotevera tichange taziva patimire tese.” – Sky Sports News.

Share This:

Sponsored Links