‘Simudziraiwo Zim Under 20 Soccer’

20 May, 2016 - 00:05 0 Views
‘Simudziraiwo Zim Under 20 Soccer’

Kwayedza

MURAIRIDZI weZimbabwe Young Warriors Under 20, Jairos Tapera, anoti anoshushikana zvikuru nekusasimudzirwa kuri kuitwa vatambi vechidiki nemasangano anotsigira nhabvu.

MaYoung Warriors achasangana neCameroon Under-20 svondo rino kunhandare yeNational Sports Stadium mumutambo wekurwira kuenda kunokwikwidza kuAfrican Cup of Nations Under-20 Tournament kuZambia gore rinotevera.

Apo Cameroon yange ichitamba mitambo yehushamwari nedzimwe nyika dzinoti Ghana, Nigeria neGuinea ichigadzirira kusangana neZimbabwe, maYoung Warriors ange akagara kudzimba dzavo uye vakazotanga gadziriro dzemutambo uyu svondo rino musi weChipiri.

Tapera svondo rino akabuda pachena kuti anonzwa kushushikana zvikuru nekuti vatungamiri venhabvu vemuZimbabwe havasi kukoshesa kusimudzira vechidiki.

“Tinogara tichingochema nguva nenguva asi misodzi yedu hapana ari kumboitarira, izvi zvinosuwisa zvikuru, matarenda evana hapana ari kuita shungu nawo.

“Zvange zvichizivikanwa kuti mutambo uyu uchatambwa svondo rino asi hapana kana akamboita shungu yekuronga kuti tiite gadziriro dzawo. Tave kutanga kugadzirira tatarisana nemutambo asi takabva kare tichingoti tigadzirirei titange gadziriro dzedu.

“Cameroon yange ichigadzirira kusangana nesu ichitamba mitambo yehushamwari nezvikwata zvinoti Ghana, Nigeria neGuinea uye yakahwina yose. Isu tange takagara kudzimba dzedu pasina zvatiri kuita.

“Tongoita zviripo asi chokwadi ndechekuti tiri kushanda mukati memamiriro ezvinhu asina kunaka,” anodaro Tapera.

Zimbabwe ikakwanisa kukunda Cameroon mumitambo miviri inoti wekutanga uchatambirwa kuNSS svondo rino kozoti wechipiri uchazotambirwa kuCameroon masvondo anotevera, inozosangana nechikwata chichahwina mumutambo weBenin neLybia. MaYoung Warriors akahwinha mutambo uyu zvakare anobva abudirira kuenda kuZambia gore rinotevera.

Zimbabwe yakapedzisira kukwikwidza mumutambo uyu mugore ra2012 iri pechitatu apo wakatambirwa kuSouth Africa.

Kozoti mugore ra2013, yakakwikwidza kumutambo weCOSAFA Under-20 uyo wakatambirwa kuLesotho.

Mitambo yeUnder-20 iyi yasimudzira vatambi vakawanda vakaita saTatenda Mukuruva weDynamos, Ronald Pfumbidzai weCAPS United, Tino Kadewere weDjurgardens yekuSweden naBernard Donovan weHow Mine.

Share This:

Sponsored Links