Sipo kuvana vechikoro

06 Mar, 2015 - 00:03 0 Views
Sipo kuvana vechikoro

Kwayedza

Sandy Musungata
KAMBANI yeUnilever yakaparura chirongwa cheLifebouy School of 5, icho chichaita kuti ifambe muzvikoro ichidzidzisa vana kukosha kwehutsanana hwakaita sekugara munharaunda yakatsvinda uye kugeza mawoko. Vachitaura pachikoro cheMberi Primary School, kuChitungwiza, gurukota rezveutano nekurerwa kwevana, Dr David Parirenyatwa, avo vaive vakamirirwa naVaGodberg Tendai Mangwadu vanova Director of Environmental Health mubazi iri, vakati zvakakosha kudzidzisa vana nzira kwadzo dzehutsanana.

“Vana ndivo vane mukana wakanyanya wekubatwa nezvirwere zvemanyoka nekuti havakwanise kuchengetedza hutsanana vari voga.
“Pasi rose, vana zvuru zviviri vanofa nechirwere chemanyoka zuva roga-roga,” vakadaro Dr Parirenyatwa. “Mushonga mukuru wekurapa manyoka kudzivirira kuburikidza nehutsanana vana vachidzidziswa kugeza mawoko sezvaitwa neveUnilever kuti mawoko haachene kana tisina kushandisa sipo nemvura yakachena, kunyanya patinobva kuchimbuzi.”

Unilever Southern Africa Brand Building Director, Mai Juliet Ziswa, vakati donzvo ravo sekambani nderekuti vana vasabatwe nezvirwere zvemanyoka sezvo zvichizovadzosera shure muzvidzidzo zvavo kana kurasikirwa neupenyu.

“Hatidi kuti vana varovhe kuchikoro vorwara nemanyoka nekuti zvinovadzosera shure muzvidzidzo zvavo uye hapana rufu rwunorwadza serwemwana nekuti hauzivi kuti anga achazovei. Saka tiri kufamba muzvikoro tichivadzidzisa kuti mawoko acho anombogezwa sei uye nguva dzipi.

“Tine sipo yeLifebouy yakagadzirwa nehunyanzvi hwekuuraya utachiona hunokonzera manyoka saka mwana wose tinobva tamusiira sipo yacho kuti azoishandise,” vakadaro Mai Ziswa.

Pazuva iri, vana vakadzidziswa kuti mawoko anogezwa nemvura yakachena inomhanya nesipo panguva dzakasiyana sekuti pavanenge vabva kuchimbuzi pamwe nepakudya.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey