‘Siyanai nechikiribidi’

17 Mar, 2017 - 00:03 0 Views
‘Siyanai nechikiribidi’

Kwayedza

Kingstone Mapupu
KAMBANI yeTobacco Industry and Marketing Board yoyambira varimi kuti vasiyane netsika yekuita chikiribidi chekuisa zvimwe zvinhu zvakaita sematombo mumabhero avo efodya kuti iremere sezvo kuita kwakadai iri mhosva inoendesa munhu kujeri.

Mutauriri weTIMB — VaIsheunesu Moyo — vanoti kune varimi vanoita chitsotsi chekuisa matombo nezvimwe zvinhu zvinorema mufodya yavo senzira yekuwedzera huremu hwefodya kuti vazowana mari yakawanda.

“Inyaya yagara ichiitwa gore negore nevamwe varimi kuti mumisika yedu inotengesa fodya munowanikwa vanoedza kuzama noto voisa matombo kana zvimwe zvinhu zvinorema kuti mabhero avo awedzere huremu vachifungidzira kuti vanowana mari yakawanda,” vanodaro.

Vanoti chitsotsi chakadai ichi chinokonzera kuti varimi vasungwe sezvo pasina nzira inoita kuti vabudurire uye mabhero avo anombomira kutengeswa ovhurwa.

“Varimi ava vanosungwa voendeswa kumatare edzimhosva zvinoita kuti vanopika. Tinokurudzira varimi vedu kuti vatevedzere mwero nezvinodiwa pakuiswa kwefodya mumabhero,” vanodaro.

Vanoyambirawo varimi kuti vasatakure zvigubhu kana matangi ane peturu nedhiziri mumarori anenge akatakura mabhero avo efodya sezvo zvinokanganisa fodya yavo yozotadza kutengwa nemutengo wakanaka kana kuti inorambwa kumisika.

Zvakadai, VaMoyo vanotiwo kambani yavo iri kutarisira kuti fodya ichatengeswa zvakanaka pasi pechirongwa chitsva chekushandisa dandemutande cheE-marketing.

Chirongwa ichi chabudirira zvikuru kunyika dzakadai seIndia uye nyanzvi dzinoti chichabatsira mukujekesera vatengesi panhau dzemitengo yefodya uye vatengi vachiwanawo fodya yemhando yepamusoro.

Mai Chido Nyakudya vanova mushandi mukuru anoona nezvekudyidzana neruzhinji uyewo kutenga nekutengeserana kukambani yeBoka Tobacco Floors vanoti vave nevashandi nyanzvi nemichina inoongorora mabhero kuti kuonekwe kuti haana kuiswa zvimwe zvinhu mukati zvisiri fodya here. “Varimi vedu vakanyoresa neTIMB vanoenda kumusika wedu weBoka votevedza zvinodiwa, votengesa fodya yavo pasina hutsotsi. Hatitarisire zvakadaro kuvarimi vedu, vangava vakare kana vatsva. Tinoda kuti vagopihwa mari yavo pasina kupiringishana nemapurisa kana vachengetedzi vedu pano pamusika mukuru,” vanodaro.

Vanoti itarisiro yavo kuti mwaka uno uchabudirira zvikuru sezvo vakaita zvose zvinodiwa segadziriro yekutengeswa kwefodya.

“Mabhanga anopa vanhu mari aripo pamusika wedu uyewo kiriniki yekurapa varimi vedu iripo. Zvose zvavangade kutenga zviripo zvekurimisa kusanganisirawo motokari nemakambani ematirakita nezvimwe,” vanodaro. Marori ekutakurira varimi zvinhu zvavatenga kuendesa kwavanorima vari anonzi akawandisa zvakare.

VaPhillimon Mangena vanova managing director wePremier Tobacco vanotiwo vane nyanzvi pamusika wavo dzichashanda pakuongorora chitsotsi chose chinogona kuitwa nevangava varimi kana vamwewo vanhu.

“Varimi ngavasununguke kumusika wedu sezvo tiine zvose zvinoita kuti vasabiridzirwe nemutowo upi. Ivowo varimi ngavasiyane nekuda kuwedzera huremu hwefodya yavo nematombo kana zvimwe zvinhu nekuti vanosungwa kana vakadaro,” vakadaro.

Share This:

Sponsored Links