Soccer Star ndiani?

28 Nov, 2014 - 09:11 0 Views
Soccer Star ndiani?

Kwayedza

SVONDO radarika vatori venhau pamwe nevamiriri vezvikwata zvakasiyana vakasangana muHarare apo vaivhotera shasha yakatamba zvinodakadza gore rino (Soccer Star of the Year) iyo ichazogadza hushe munguva inotevera.

Vatambi vanoti Stephen Alimenda (Dynamos), Tendai Samanja (CAPS United), Thabani Kamusoko (FC Platinum), Dennis Dauda (ZPC Kariba), Charles Sibanda (Highlanders), Evans Rusike (Hwange), David Kutyauripo (Harare City), Limited Chikafa (ZPC Kariba), Tendai Hove (ZPC Kariba), Themba Ndlovu (Dynamos) naKuda Musharu (How Mine) ndivo vakasarudzwa paTop 11 yegore rino uye vese vane mukana wekuhwina mubairo uyu uyo unokotsverwa nekambani yeDelta.

Gore radarika, Tawanda Muparati weDynamos ndiye akahwina mubairo uyu.

Munyori mukuru wezvemitambo webepanhau reThe Sunday Mail, Makomborero Mutimukulu uyo vazhinji vanomuziva nezita remadunhurirwa rekuti Marko Gold anoti vatambi veZPC Kariba vanoti Dauda pamwe naHove vakatamba nhabvu gore rino kunyangwe zvavo vakazokundikana kuhwina mukombe weligi.

Anoti chikwata ichi chakaita zvinorova muligi saka zvakakosha kuti vatambi vacho vapihwe mubairo wekuremekedza basa ravakabata.

“Zviri pachena izvi kuDennis Dauda pamwe naTendai Hove vanokodzera kuhwina mubairo uyu nebasa ravakabata.

“Machinda aya akatamba nhabvu inodakadza zvikuru mwaka watichangobva uyu, chikwata chavo chakazongokundikana kuhwina hacho ligi asi vanokodzera kuhwina Soccer Star of the year.

“Kana murairidzi wacho Saul Chaminuka ndiye wandinoona anokodzera kuitwa Coach of the year nekuti hapana aifungira kuti vangasvike pavakasvika gore rino,” akadaro Marko Gold.

Muongorori mukuru wezvimitambo Barnabas Nyathi uyo vazhinji vanomuziva saBarney akatiDauda, Hove naChikafa pamwe naNdlovu weDynamos ndivo vane mukana mukuru wekuhwina mubairo uyu.

Anoti mubati wepagedhi weZPC, Hove akabata bhora zvisati zvamboonekwa mwaka uno.

“Ini ndinofunga kuti mubairo uyu unofanirwa kupihwa vatambi vanoti Dennis Dauda pamwe naTendai Hove nekuti vatamba bhora mwaka uno. Hove akabata bhora sebhora ukuwo Dauda aivhara saka ndinoona sekunge vari vaviri pakati pavo ndipo pachabva Soccer Star. Vamwevo vatambi vandinofunga kuti vangahwine ndiLimited Chikafa pamwe naThemba Ndlovu,” akadaro Nyathi.

Zvakadaro, svondo rapera Kwayedza yakati vaverengi vatumire vatambi 11 vavanofungira kuti vanogona kuhwinha mubairo waSoccer Star of the Year. Hedzinoi dzimwe dzemhinduro dzakatumirwa nevamwe vaverengi:

Dennis Dauda weZPC Kariba ndiye anotora mukombe weSoccer Star of the Year. – 0739 278 775.

***

1. Tendai Hove, Temba Ndlovu, 3. Dennis Dauda, 4. David Kutyauripo, 5. Gift Bello, 6. Stephen Allimenda, 7. Ronald Chitiyo, 8. Kudakwashe Masharu, 9. Limited Chikafa, 10. Charles Chibanda, 11. Ronald Pfumbidzai. – 0716 783 018.

***

Ini ndinoti Ronald Chitiyo ndiye Soccer Star of the Year. – 0776 152 032.

***

Soccer Star ndiStephen Alimenda. – 0777 522 823.

***

Vaverengi tumirai zita remutambi wamunofungira kuti ndiye achahwapura mubairo mukuru uyu weSoccer Star of the Year panhamba dzinoti +263 714 200 007.

 

 

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>