Soccer Star osarudzwa

21 Nov, 2014 - 00:11 0 Views
Soccer Star osarudzwa

Kwayedza

Dynamos
Abel Ndooka

SVONDO rino neMugovera vatori venhau pamwe nevarairidzi 16 vezvikwata zvinokwikwidza muPremier Soccer League nemakaputeni acho vachasangana muHarare apo vachavhotera kuona kuti ndeupi mutambi achahwina mubairo weSoccer Star of the Year. Shasha yegore rino ichahwiniswa mukombe pamwe nemari inosvika US$5 000.

Gore rapera Tawanda Muparati weDynamos ndiwe akatora mukombe uyu.
Mutsvakurudzo yakaitwa neKwayedza, vatsigiri vazhinji venhabvu vakapa pfungwa dzavo vamwe vachiti vatambi vakaita saRonald Chitiyo (Dynamos), Stephen Alimenda (Dynamos), Charles Sibanda (Highlanders),Tendai Hove (ZPC Kariba) Pride Tafirenyika (ZPC Kariba), Dennis Dauda (ZPC Kariba), Limited Chikafa (ZPC Kariba), Augustine Mbara (Dynamos), Walter Musona (FC Platinum), Aubrey Chirwa pamwe naDavid Kutyauripo (Harare City) ndivo vanogona kuhwapura mukombe uyu.

Asi vamwe ndovane pfungwa dzekuti mwaka uno pange pasina vatambi vainyatsotamba zvinodakadza saka mubairo uyu ngaungopihwe kumutambi achabva kuchikwata chichahwina mukombe weligi.

Musi uyu pachaonekwa pachivhoterwa zvakare mubairo weCoach of the Year uyo vazhinji vanoti uchaenda kuna Saul Chaminuka weZPC Kariba.

Vaverengi tumirai vatambi venyu 11 avo vamunofunga kuti vangahwine mubairo weSoccer Star of the Year panhamba dzinoti +263 714 200 007.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>