South Sudan yochemera kuau

18 Dec, 2014 - 08:12 0 Views

Kwayedza

cathrineZVAKAOMA kuve munhu wemukadzi asi zvakaomesesa kunge uri munyika ine mhirizhonga uye uchirarama neutachiona hweHIV.

Sangano remadzimai anorarama neutachiona hweHIV muSouth Sudan reNational Empowerment of Positive Women United (NEPWU) riri kuchemera kuAfrican Union kuti matiregerera senyika uye semadzimai huyai nekukasika tisati tapera.

Mukuru anotungamira sangano reNEPWU Mai Evelyn Letio vakataura kumusangano uchangobva kupera wePan African Positive Women’s Coalition (PAPWC) kuLusaka, kuZambia vachikumbira kuti AU ivarangarire.

“Tinochema semadzimai emuSouth Sudan. Upenyu hwedu have hwekumhanya kutya kurara pamba pako. Unogara wakaziva kuti tenda zuva ranhasi mangwana haazivikanwe nekuti vapanduki vari kuuraya nekubinya vanhukadzi. Madzimai ndiwo ari kunyanya kurwadziwa nekuti ndivo vanobatwa chibharo. Mudzimai anogona kubatwa chibharo nemagandanga kana mashanu vasina dziviriro yavanoshandisa. Izvi zviri kuitika apo mudzimai anobvaruka chibereko ove murwere kusvika mukufa,” vakadaro Mai Letio.

Mai Letio, avo vanove shirikadzi, vararama kwemakore anosvika makumi maviri nemasere vaine utachiona hweHIV uye vanoti kubuda pachena kuti mudzimai anorarama neutachiona munyika yavo kunoreva kupera kwemba.

“MuSouth Sudan kubuda pachena kuti mudzimai anorarama neutachiona hweHIV zvinoreva kurambwa imba yopera. Asi kana ari murume awanikwa aine utachiona mudzimai asina, mudzimai anosungirwa kuchengeta murume wake hazvina sarudzo. Uku ndiko kubatwa kwakasiyana kwevarume nemadzimai munyika mangu,” vakaenderera mberi.

“Kungozivikanwa kuti mudzimai ane utachiona hweHIV kunoreva kudzingwa pabasa kana munharaunda yaunogara. Tichiri kure mukutora vanhu vanorarama neutachiona sevanhu vakafanana nevamwe vese.”

Sangano reNEPWU rinoshanda nemadzimai anorarama neutachiona hweHIV, vanosimbisana uye vanobatsirana nemari kuti vave vanotanga mabhizimisi ekuzvimiririra vega.

“NEPWU inoshanda nemadzimai anorarama neutachiona kusimbisana nekuti zvakaoma kuve HIV positive muSouth Sudan. Madzimai anokurudzirana kuti varambe vachinwa mushonga yemaARV uye kuti vamire pamwe chete semadzimai,” vakadaro Mai Letio.

“Takanyoresa kuve sangano rinobatsira mugore ra2013 as tainge tava nemakore anodarika mashanu tichishanda nemadzimai. Tine nhengo dzinosvika 888 uye tichiri kukura.”

Mai Letio vanoshuvira kupera kwemhirizhonga munyika yeSouth Sudan.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>