Soya beans: Varimi vofa nemari

01 Sep, 2017 - 00:09 0 Views
Soya beans: Varimi vofa nemari

Kwayedza

Philip Matombo —
MAKADII varimi kumativi mana enyika? Tinokugamuchirai pachirongwa chamunounzirwa neSeed Co cheMudhumeni Mukuru apo tinokurukura nekudzidzisana marimirwo embeu dzakasiyana-siyana.

Svondo rino tinokukurukura marimirwo esoya beans, chinova chirimwa chakanaka samare sezvo chiri kupa pundutso kuvarimi vakawanda muZimbabwe. Tikadzirima nemazvo uye nenguwa, tine mukana wekuti padhora rimwe ratashandisa, rinopetwa kaviri kana kashanu pakukohwa.

Svondo rino Hurumende yakazivisa kuti soya beans dzava kupinda muchirongwa cheCommand Agriculture uye soya beans dzichatengwa nemutengo unoita $610 patani unova mutengo wakanaka samare. Chirimwa ichi chinogadzira chega fetireza yapamusoro uye chinosiya imwe muvhu ichizoshandiswa nechirimwa chinoitevera mumunda. Isu veSeed Co takakuuchikirai mbeu dze soya beans dzinoti Sc Serenade, Sc Safari, Sc Status neSc Sequel.

Hezvinoi zvinotarisirwa pakurima chirimwa chesoya beans:

Ivhu nemwaka zvinofarirwa neSoya beans:

Soya beans chirimwa chinofarira ivhu gobvu (heavy clay soil), muivhu rakaregedzeka (sandy soils) dzinoita asi goho rinenge rakaderera. Sezvo mhodzi dzesoya beans dziri doko, minda yedu inofanira kutsetseka pasina mavhinga mahombe anotadzisa mbeu kumera.

Mwaka watinokurudzira varimi kuti vatange kudyara mbeu yavo kubva musi wa15 Mbudzi kusvika 15 Zvita. Kudyara nguva iyi kunoita kuti goho remurimi rivandudzike.

Kuiswa kwefetireza:

Soya beans hadzitipi goho rakanaka kana ivhu richinyanya kuvava kana kutapira (soil pH). Saka tinokukurudzirai kuti mutange maongororesa ivhu renyu kunaana mazvikokota vakaita sevemakambani anogadzira fetireza. Mbesa yedu inotipa goho guru kana ivhu richivava zviri pakati nepakati (soil pH iri pa 5.5).

Soya beans dzinoshandisa zvakanyaya kudya kwagara kuri muvhu saka fetireza yepasi inowanzodiwa iri 200kgs kusvika ku300kgs pahekita iri yemhando yeSoya Blend inenge iine kudya kunodiwa nesoya beans kuchidzivirira kudonha kwemaruwa. Tinokukurudzirai kuti mutenge Rhizobium inosanganiswa nembeu pakudyara, izvi zvinobatsira kuti soya beans dzizvigadzirire fetireza yapamusoro. Rhizobium inowanikwa zvakare kuSeed Co Stapleford uko kwamunoudzwa mashandisirwo ayo.

Mhando dzembeu:

KuSeed Co tine vauchiki vembeu dzeSoya beans vanouchika zvemandorokwati zvekuti vanorima mbeu idzi havazodi kana kunzwa nezvedzimwe mbeu. Kuti Seed Co ndookuti mbeu. . .Ndivo vakauya neunyanzvi hwekuuchika mbeu dzinoshingirira chirwere cheSoya bean Rust dzakaita seSc Status neSc Sequel. Idzi mbeu dzakanakira kuti dzine mukoho unodarika matani mana pahekita apa murimi asingapedzi mari nekufirita mishonga.

Zvakadaro, tinewo dzimwe mbeu dziri kumhanyirwa nevarimi dzichivapawo goho rinodarika matani mana pahekita dzakaita seSc Serenade neSc Safari. Mbeu idzi dzadengenyedza nyika nepamusana pegoho guru radziri kupa varimi asi tinokukurudzirai kuti mufirite mishonga yemaFungicides kubva pamunoona maruva ekutanga nekuti dzinodhererwa nechirwere cheSoya bean Rust. Tinokukurudzirai varimi kuti mutenge mbeu dzakauchikwa nekuti dzine goho guru, dzinoshingirira muzuva, hadzikurumidzi kuputikira mumunda (pod shattering), dzinosiya chinhambo chakanaka kubva pasi kusvika pamhodzi yekutanga (pod clearance) uye hadzidonhi mumunda (lodging).

Kudyara Soya beans:

Hekita inoda 100kgs dzembeu kuti tiwane 350 000 madzinde mumunda uyu, apa ndipo patinowana goho rinodakadza. Madzinde akawandisa kupfuura 500 000 pahekita goho rinodzika uye soya beans dzinowa (lodging). Akanyanyoitazve mashoma goho rinoderera.

Kuti tiwane madzinde aya pahekita kubva pamutsara kuenda pane mumwe (row spacing) inofanira kuita 45cm uye kubva padzinde kuenda pane rimwe mumutsara (in-row spacing) inofanira kuita 5cm. Kudzika muvhu (planting depth) tinofanira kudyara 2.5cm kusvika pa5cm zvichisiyana nevhu.

Tichingopedza kudyara ngatiisei mishonga yesora yatinowana kubva kumakambani akasiyana. Zvinochipa kushandisa mishonga yesora pane kusakura uye patinosakura nemaoko sora rinenge ratodya kare chikafu chinofanira kudyiwa nembeu, goho rinenge ratoderera. Zvakareruka kushandisa mishonga yesora inoiswa mbeu nesora zvisati zvamera (pre-emergency herbicides) pane kushandisa mishonga inoiswa mbeu nesora zvabuda (post emergency herbicides).

Tumbuyu nezvirwere:

Pane makonye (Semi-looper caterpillars) anodya mashizha inova fakitori yembeu dzedu. Tinokukurudzirai kuti mufirite nemishonga yamunokurudzirwa nevarimisi. Kune chirwere chekuomesa mashizha (Soya bean Rust), saka semurimi tenga mbeu dzakadzivirirwa kare seSc Status neSc Sequel, kana watenga dzimwe dzisina kuzvidziivirira munofanira kudzivirira nekushandisa mishonga yemafungicides inofiritwa pamazuva 52 mbeu yamera mozofiritazve kwapera mavhiki maviri sezvo chirwere ichi chichideredza goho zvakanyanya.

Kutengesa Soya beans:

Mwaka watakatarisana nawo uyu Hurumende yakatotara mutengo wesoya beans pa$680 uye soya beans dzinenge dzichipindawo muchirongwa cheCommand Agriculture.

Izvi zvinotibatsira varimi sezvo tichipinda mumunda tava kuziwa mutengo uye tachiziva kuti hatichanetseki nekwekutengesera. Zvinoreva kuti nemutengo uyu, tine mukana wekuwana $2 040 kusvika ku$3 050 tashandisa $600-$800 pahekita kana tikarima nemazvo uye nenguva sezvo mbeu dzatakakuuchikirai dzichipa goho repamusoro. Pakadai apa vana vemazuva ano ndipo pavanoti ndofa nemari yesoya beans. Iyi imari yakanakisa zvakanyanya inopa pundutso kuvarimi uye mashoma mabhizimisi ari kubhadhara zvakadai.

Saka chirimwa ichi chava kubhadhara zvakanyanya kunyanya ukashandisa mbeu dzakauchikwa nekambani yenyu inova huruyadzo murigadzose Seed Co. Saka tichiti, “KUTI SEED CO NDOKUTI MBEU . . . KUTI MBEU NDOKUTI SEED CO”

  • Philip Matombo murimisi weSeed Co uye munomubata pa: 0772572497

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey