Stanley anovhima vakapamba Beaula

24 Feb, 2017 - 00:02 0 Views

Kwayedza

Munyaradzi Gunduza —
MATANHO anotorwa naStanley kutsvaga mhondi dzainge dzapamba musikana wake Beaula nezvikonzero zvekubudirira kwedanho rega rega.

Danho rekutanga kudzoka kubva kubasa kuGweru ndokuenda kuHarare paSearing Heights paaigara asati atanga basa. Izvi zvinoita kuti Stanley aone mumba make makabvundunyurwa zvinhu ndokutanga kuronda zvainge zvaitika asipo.

Kutsvaga munhu ainge asara achipinda mumba make nepaakapinda napo – zvinoita kuti azobate chokwadi chekuti Solo, Monya, Vheremu, Dusty naTinashe vakanga vapa Samson, anove gadhi wepaSearing mari ndokubvumirwa kupinda mumba make vachitsvaga zvavaida pamwe chete nekupamba Beaula.

Stanley anotyisidzira Samson kuti aizosvitsa nyaya kumapurisa basa rake romuperera kana aisada kutaura vanhu vainge vapinda mumba make asipo vachimuvhundunyura zvinhu – batsiro yacho ndeyekuti anobva aziviswa zvese zvakanga zvaitika kubva pakupihwa mari kwakaitwa Samson nemotokari yakanga ine mbavha idzi ndokuwana pekutangira pakudzivhima.

Kuenda kuC and T Private Limited kunotsvaga nhamba dzekumba kwaigara Vheremu pamwe chete nekuvhundutsira gadhi. Zvinobuda paanosvika paT and C achinyepera gadhi kuti aive muzukuru waVheremu uye aisaziva kumba kwake zvino aida kupihwa nhamba yekumba kwacho kuti asvikeko. Gadhi akamboda kuramba asi akazomutyisidzira achiti basa raizomuperera kana audza Vheremu. Danho iri rinoita kuti azopihwa nhamba yekumba kwaVheremu kuHighlands.

Rimwe danho rinotorwa naStanley kuenda kunoongorora kumba kwaVheremu kuHighlands. Tinozviona paanosiya akapaka motokari yake nechekure kwemba yaVheremu achienda kunoongorora kuti pakanga pakamira sei kuti apindepo. Anoona pasingapindike pave paye atoora mwoyo ndokuzoona paive nezinyekenyeke – izvi zvinoita kuti anotora zvinhu zvekudhiritsa zvivakwa zvaive mumwena yairasira mvura mumaruva zvainge zvakasosa paburi raaida kupinda naro pamba apa achibva azopinda.

Stanley anobudirira kupinda mumba maVheremu mushure mekunge adambura zvivakwa zvaidzivisa nzira yake pamwe chete nekuona kuti pachivanzi hapana akanga aripo – izvo zvinoita kuti azosvika achibata mudzimai waVheremu uyo aive kuhope ndokuudzwa zvese zvakanga zvichiitwa naVheremu kana asiri pamba pake nenzvimbo dzaainyanya kuitira zvinhu zvake.

Pane imwe nguva Stanley anofunga zvekunomhan’ara nyaya yekutsakatika kwaBeaula kumapurisa. Anosvika paCentral Police Station achiudzwa mashoko akamuodza mwoyo nemapurisa zvekuti kuwana rubatsiro rwaaida chaiko kwainetsa. Izvi zvinomubatsira kuti afunge zvekushinga ega kuzvitsvagira musikana wake asingatarisire rubatsiro rwemapurisa.

Anofunga zvekuendawo kumakuva ekuMbudzi kwaivigwa shamwari yaBeaula yakanga yafira mutsaona yemotokari uri musi weChishanu vachibva kubasa. Tinoona paanozotaura naVaMoyo vaive baba vaBeaula pamwe chete nasekuru vake achivasimbisa kuti Beaula aizowanikwa – izvo zvinoita kuti azosangana nemhondi dzakanga dzapamba Beaula dzirikowo kumakuva ndokucherechedza motokari yadzaifamba nayo.

Stanley anoenda kunogarira mhondi dzakanga dzapamba Beaula kunzvimbo yeHoliday Inn akamirira vanaVheremu kuti vasvike pahotera iyi vachibva kumakuva – izvi zvinoita kuti azokwanisa kuona Vheremu akabva asvika panzvimbo iyi ari ega ndokumutevera chiverevere kusvika apinda mubhawa raive nevamwe vake.

Kuenda kunogara naEve aitaura naSolo; iri rimwe zano rinorongwa naStanley mukutsvaga mhondi dzakapamba Beaula. Tinomuona achinogara panzvimbo yakanga yakagara Solo apo ainge adzokera kunotaura nevamwe vake achisiya Eve ari ega. Izvi zvinokonzera kuti azonzwa kuti Solo naVheremu vainge vachiwirirana panyaya yekuti vaiita zvemabhizimusi vese.

Stanley anodanana naEve kuti asvike pedyo naye kuitira kuti agoziva zvakawanda maererano nezvaiitwa naSolo navanaVheremu. Izvi zvinoita kuti Eve afunge kuti akanga aona mukomana wekudanana naye ndokubuda pachena pane zvese zvakanga zvamboitika kwaari naSolo panguva yekudanana kwavo zvinosanganisira kurova kwavanoita mudzimai waSolo nezvimwewo.

Anopa Eve mari yainge yakawandisa zvikuru vari paHoliday Inn zuva ravatanga kuonana – zvinomubatsira kuti Eve azowana simba rekuenda kunotapa mashoko ainge achirongwa naVheremu navanaSolo zvekuti vaida kuenda kuChriston Bank kunoona mafambiro ebasa ravakanga vasiya varaira kuti riitwe.

Kuudza Eve kuti abude mubhawa paHoliday Inn pasina aimuona achiita sekunge ari kuenda kuchimbuzi apa achinomumirira pamotokari yake yaive panze – izvi zvinoita kuti Monya rifunge sekuti Eve akanga aenda kuchimbuzi uye aizodzoka sezvo Stanley akasara achitenga rimwe doro.

Anotevera vanaVheremu kuChriston Bank kwavakanga vaenda kunotarisa basa ravo – zvinomubatsira kuona nekuziva mamiriro enzvimbo iyi.

Matanho anotorwa naStanley akawandisa. Tsvagawo kuti mamwe acho ndeapi uye anobuda sei munyaya.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey